ShonaTeam Deuteronomy « 7 »

VaIsraeri havafaniri kuwadzana nedzimwe ndudzi

7Jehovha Mwari wako paanokupinza munyika yaunoenda kunoigara nhaka, ndokudzinga ndudzi zhinji pamberi pako, vaHiti, nevaGirigashi, nevaAmori, nevaKenani, nevaPerezi, nevaHivhi, nevaJebhusi, ndudzi nomwe huru uye dzine simba kukudarika,

2 uye Jehovha Mwari wako paanodziisa pamberi pako, uchadzirova, udziparadze chose; usaita sungano nadzo, uye usavanzwira nyasha.

3 Usawanana navo, usapa mwanasikana wako kumwanakomana wake, uye mwanasikana wake usamutorera mwanakomana wako.

4 Nokuti achatsausa mwanakomana wako pakunditevera, kuti vashumire vamwe vamwari; naizvozvo hasha dzaJehovha dzichakupfutirai, ndokukuparadzai nekukurumidza.

5 Asi muchabata seizvi navo: Muchaparadza aritari dzavo, nekuputsanya shongwe dziri zvifananidzo zvavo, nekutema matanda avo ekunamata nawo, nekupisa nemoto mifananidzo yavo yakavezwa.

6 Nokuti uri rudzi rutsvene kuna Jehovha Mwari wako; Jehovha Mwari wako wakakusarudza kuva rudzi rwake rwefuma chairwo kubva pamarudzi ose ari pachiso chenyika.

7 Jehovha haana kukudai kana kukusarudzai nekuda kwekuti maiva muri vazhinji kundudzi dzipi nedzipi, nokuti maiva vashomanesa pavanhu vapi nevapi.

8 Asi nekuda kwekuti Jehovha wakakudai, uye nekuda kwekuti waichengetedza mhiko yaakapikira madzibaba enyu, Jehovha wakakubudisai neruoko rwune simba, ndokukudzikinurai kubva paimba yeuranda, kubva paruoko rwaFarao mambo weEgipita.

9 Naizvozvo ziva kuti Jehovha Mwari wako ndiMwari, Mwari wakatendeka, anochengetedza sungano uye nyasha nevanomuda uye vanochengeta mirairo yake kusvika kumarudzi churu;

10 uye anotsiva vanomuvenga pachiso chavo, kuvaparadza; haanganonokeri anomuvenga, achamutsiva pachiso chake.

11 Naizvozvo uchachengeta mirairo nezvimiso nemitongo zvandinokuraira nhasi kuzviita.

12 Zvino zvichaitika nokuti muchinzwa mitongo iyi nekuchengeta nekuiita, kuti Jehovha Mwari wako achakuchengetedzera sungano nenyasha zvaakapikira madzibaba ako.

13 Zvino achakuda nekukuropafadza nekukuwanza; acharopafadzawo zvibereko zvedumbu rako, nezvibereko zvenyika yako, zviyo zvako, newaini yako itsva, nemafuta ako, zvakaberekwa zvemombe dzako, nemapoka emakwai ako, munyika yaakapikira madzibaba ako kukupa iyo.

14 Ucharopafadzwa kupfuura ndudzi dzose; hapangavi pakati pako nemurume asingabereki kana mukadzi asingabereki, kana pakati pezvipfuwo zvako.

15 Zvino Jehovha achabvisa kwauri hosha dzose, uye haangaisi rimwe redenda rakaipa reEgipita raunoziva pamusoro pako, asi achaaisa pamusoro pavo vose vanokuvenga.

16 Zvino uchaparadza ndudzi dzose Jehovha Mwari wako dzaachapa kwauri; ziso rako haringavi netsitsi pamusoro pavo; uye usashumira vamwari vavo, nokuti zvichava musungo kwauri.

17 Kana ukati mumoyo mako: Ndudzi idzi izhinji kwandiri; ndingagona kudzitorera sei nhaka yadzo?

18 Usavatya; ucharangarira kwazvo Jehovha Mwari wako zvaakaita kuna Farao nekuvaEgipita vose;

19 miedzo mikuru meso ako ayakaona nezviratidzo nezvishamiso neruoko rwune simba neruoko rwakatandavadzwa Jehovha Mwari wako rwaakakubudisa narwo; ndizvo zvichaita Jehovha Mwari wako kuvanhu vose zviso zvavo zvaunotya.

20 Uye Jehovha Mwari wako uchatumirawo mago pakati pavo, kusvika vakasara nevakavanda chiso chako vaparara.

21 Usavhunduswa kubva pamberi pavo, nokuti Jehovha Mwari wako ari pakati pako, ndiMwari mukuru uye anotyisa.

22 Zvino Jehovha Mwari wako achadzinga ndudzi idzo pamberi pako zvishoma-zvishoma; haugoni kuvaparadza nekukurumidza, zvimwe zvikara zvesango zvingakuwandira.

23 Asi Jehovha Mwari wako achavapa pamberi pako, nekuvanyonganisa nekunyonganisa kukuru, kusvika vaparadzwa.

24 Zvino achaisa madzimambo avo muruoko rwako, ugorozva zita ravo kubva pasi pematenga; hapana munhu anozvimisa pamberi pako kusvika wavaparadza.

25 Muchapisa mifananidzo yakavezwa yavamwari vavo mumoto; musachochora sirivha kana goridhe riri pavari, kana kuzvitorera, zvimwe mungateyiwa mazviri; nokuti zvinyangadzo kuna Jehovha Mwari wako.

26 Uye usapinza chinyangadzo mumba mako, zvimwe uve chinhu chakatukwa saicho; uchachivenga chose, uye uchachisema chose, nokuti chinhu chakatukwa.