ShonaTeam Deuteronomy « 6 »

Vanorairwa kuchengeta mirairo yaJehovha

6Zvino iyi mirairo, zvimiso, nemitongo, Jehovha Mwari wenyu yaakaraira kukudzidzisai, kuti muzviite kunyika yamunoyambukira kwairi kuti muigare nhaka;

2 kuti utye Jehovha Mwari wako, kuchengeta zvose zvimiso zvake nemirairo yake, yandinokuraira, iwe, nemwanakomana wako, nemwanakomana wemwanakomana wako, mazuva ose eupenyu hwako, uye kuti mazuva ako arebeswe.

3 Naizvozvo inzwa, Israeri, uye chenjerera kuzviita, kuti zvikunakire, uye kuti uwande kwazvo, Jehovha Mwari wemadzibaba ako sezvaakakuvimbisa, munyika inoyerera mukaka neuchi.

4 Inzwa, Israeri, Jehovha Mwari wedu ndiJehovha umwe chete.

5 Zvino ude Jehovha Mwari wako nemoyo wako wose uye nemweya weupenyu wako wose uye nesimba rako rose.

6 Zvino mashoko awa andinokuraira nhasi achava mumoyo mako.

7 Zvino uchaadzidzisa nekushingaira kuvana vako, uye uchaataura paunenge ugere mumba mako, uye paunenge uchifamba panzira, uye paunenge urere pasi, uye paunenge uchimuka.

8 Zvino uchaasungira paruoko rwako kuva chiratidzo; uye achava vundanyara pakati pemeso ako.

9 Zvino uchaanyora pamagwatidziro eimba yako uye pamasuwo ako.

10 Zvino zvichaitika Jehovha Mwari wako paachakupinza munyika yaakapikira madzibaba ako, kuna Abhurahama, kuna Isaka, uye kuna Jakove, kukupa maguta makuru uye akanaka ausina kuvaka,

11 nedzimba dzizere nezvakanaka zvose dzausina kuzadza, nematsime akacherwa ausina kuchera, minda yemizambiringa nemiti yemiorivhi yausina kusima; paunenge wadya ukaguta,

12 zvichenjerere, zvimwe ungakanganwa Jehovha wakakubudisa kubva munyika yeEgipita, muimba yeuranda.

13 Uchatya Jehovha Mwari wako, nekumushumira, uye uchapika nezita rake.

14 Musatevera vamwe vamwari, vevamwari vendudzi dzinokupoteredzai.

15 Nokuti Jehovha Mwari wako pakati pako ndiMwari ane godo; zvimwe hasha dzaJehovha Mwari wako dzikupfutire, akuparadze ubve pachiso chenyika.

16 Musaidza Jehovha Mwari wenyu, sezvamakamuidza paMasa.

17 Muchachengeta nekushingaira mirairo yaJehovha Mwari wenyu, nezvipupuro zvake, nezvimiso zvake, zvaakakuraira.

18 Uye uchaita zvakarurama nezvakanaka pameso paJehovha, kuti zvikunakire, uye kuti upinde ugare nhaka yenyika yakanaka, Jehovha Mwari yaakapikira madzibaba ako,

19 kudzinga vavengi vako vose kubva pamberi pako, Jehovha sezvaakataura.

20 Kana mwanakomana wako akakubvunza panguva inouya achiti: Zvii zvipupuro nezvimiso nemitongo Jehovha Mwari wedu zvaakakurairai?

21 Ipapo uchati kumwanakomana wako: Taiva varanda vaFarao muEgipita; Jehovha ndokutibudisa muEgipita neruoko rwune simba.

22 Zvino Jehovha wakaita zviratidzo nezvishamiso zvikuru uye zvakaipa muEgipita, kuna Farao nekuimba yake yose pamberi pemeso edu;

23 asi isu wakatibudisapo kuti atipinze, kutipa nyika yaakapikira kumadzibaba edu.

24 Zvino Jehovha wakatiraira kuita zvose zvimiso izvi, kutya Jehovha Mwari wedu, kuti zvitinakire mazuva ose, kutichengetedza tichirarama sanhasi.

25 Zvino kuchava kururama kwatiri, kana tichichenjerera kuita mirairo yose iyi pamberi paJehovha Mwari wedu, sezvaakatiraira.