ShonaTeam Deuteronomy « 5 »

5Zvino Mozisi wakadana Israeri wose, ndokuti kwavari: Inzwa Israeri, zvimiso nemitongo zvandinotaura munzeve dzenyu nhasi, kuti muzvidzidze muchenjerere kuzviita.

2 Jehovha Mwari wedu wakaita sungano nesu paHorebhu.

3 Jehovha haana kuita sungano iyi nemadzibaba edu, asi nesu, isu tose tiri pano tichirarama nhasi.

4 Jehovha wakataura nemwi chiso nechiso mugomo, ari mukati memoto.

5 Ndakamira pakati paJehovha nemwi nenguva iyo, kukuzivisai inzwi raJehovha; nokuti makatya nekuda kwemoto, hamuna kukwira mugomo. Akati:

6 Ndiri Jehovha Mwari wako, wakakubudisa munyika yeEgipita, kubva muimba yeuranda.

7 Usava nevamwe vamwari pamberi pangu.

8 Usazviitira chifananidzo chakavezwa, mufananidzo upi neupi wechiri kumatenga kumusoro, kana wechiri panyika pasi, kana wechiri mumvura pasi penyika.

9 Usazvifugamira, kana kuzvishumira; nokuti ini Jehovha Mwari wako ndiri Mwari ane godo; ndichitsiva kuipa kwemadzibaba pamusoro pevana, uye pamusoro perudzi, uye pamusoro perwechitatu nerwechina rwevanondivenga;

10 uye ndichiitira nyasha zvuru zvevanondida, nezvevanochengeta mirairo yangu.

11 Usabata zita raJehovha Mwari wako zvisina maturo; nokuti Jehovha haangaregi asina mhosva anobata zita rake zvisina maturo.

12 Chengeta zuva resabata, kuriita dzvene, Jehovha Mwari wako sezvaakakuraira.

13 Mazuva matanhatu uchashanda, uite basa rako rose.

14 Asi zuva rechinomwe isabata raJehovha Mwari wako; usaita chero basa naro, iwe, kana mwanakomana wako, kana mwanasikana wako, kana murandarume wako, kana murandakadzi wako, kana mombe yako, kana mbongoro yako, kana chimwe chezvipfuwo zvako, kana mweni wako ari mukati memasuwo ako; kuti murandarume wako nemurandakadzi wako vazorore sewe.

15 Uye urangarire kuti waiva muranda panyika yeEgipita, uye kuti Jehovha Mwari wako akakubudisa kubva ipapo neruoko rwune simba uye neruoko rwakatandavadzwa; naizvozvo Jehovha Mwari wako wakakuraira kuchengeta zuva resabata.

16 Kudza baba vako namai vako, Jehovha Mwari wako sezvaakakuraira; kuti mazuva ako arebeswe, uye kuti zvikunakire munyika Jehovha Mwari wako yaanokupa.

17 Usauraya.

18 Uye usapomba.

19 Uye usaba.

20 Uye usapa uchapupu hwenhema wakamirisana neumwe wako.

21 Uye usachiva mukadzi wewekwako; uye usachochora imba yewekwako, munda wake, kana murandarume wake, kana murandakadzi wake, mombe yake, kana mbongoro yake, kana chii chiri chewekwako.

22 Mashoko awa Jehovha wakataura kuungano yenyu yose mugomo kubva mukati memoto, megore, uye murima guru, nenzwi guru; uye haana kuwedzera. Zvino wakaanyora pamahwendefa maviri emabwe, ndokundipa iwo.

23 Zvino zvakaitika pamakanzwa inzwi kubva mukati merima, negomo richipfuta nemoto, kuti makaswedera kwandiri, misoro yose yemarudzi enyu, nevakuru venyu,

24 zvino makati: Tarirai, Jehovha Mwari wedu watiratidza kubwinya kwake neukuru hwake, uye tanzwa inzwi rake kubva mukati memoto; taona nhasi kuti Mwari anotaura nemunhu akararama.

25 Naizvozvo ikozvino tichafirei? Nokuti moto uyu mukuru uchatiparadza, kana tikaramba tichinzwazve inzwi raJehovha Mwari wedu tichafa.

26 Nokuti ndiani panyama yose wakanzwa inzwi raMwari mupenyu richitaura kubva mukati memoto sesu akararama?

27 Swedera iwe, ugonzwa zvose Jehovha Mwari wedu zvaachareva, zvino ndiwe uchatiudza zvose Jehovha Mwari wedu zvaachaudza kwauri; zvino tichanzwa nekuita.

28 Zvino Jehovha wakanzwa inzwi remashoko enyu pamakataura kwandiri; Jehovha ndokuti kwandiri: Ndanzwa inzwi remashoko evanhu ava, avakataura kwauri; vareva zvakanaka zvose zvavataura.

29 Haiwa dai vaiva nemoyo wakadai wekunditya, vachengete mirairo yangu yose mazuva ose, kuti zvivanakire, ivo nevana vavo rinhi narinhi!

30 Enda uti kwavari: Zvidzokererei kumatende enyu.

31 Asi iwe, mira pano neni, zvino ndichataura kwauri mirairo yose nezvimiso nemitongo, yauchavadzidzisa, kuti vazviite munyika yandinovapa kuti vagare nhaka yayo.

32 Naizvozvo chenjerai kuti muite Jehovha Mwari wenyu sezvaakaraira imwi; musatsaukira kurudyi kana kuruboshwe.

33 Muchafamba munzira yose Jehovha Mwari wenyu yaakurairai imwi, kuti murarame, uye zvikunakirei, mugorebesa mazuva munyika yamuchagara nhaka.