ShonaTeam Deuteronomy « 3 »

3Zvino takatendeuka ndokukwira nenzira yeBhashani. Ogi mambo weBhashani ndokubudira kusangana nesu, iye nevanhu vake vose, kuzorwa paEdhirei.

2 Zvino Jehovha wakati kwandiri: Usamutya, nokuti ndichamupa iye nevanhu vake vose nenyika yake muruoko rwako. Zvino uchamuitira sezvawakaita kuna Sihoni mambo wevaAmori waigara paHeshibhoni.

3 Naizvozvo Jehovha Mwari wedu wakapa muruoko rwedu Ogiwo mambo weBhashani, nevanhu vake vose; uye tikamurova kusvika pasina waakasiirwa wakasara.

4 Zvino takatapa maguta ake ose nenguva iyo; hakuna kuva neguta ratisina kutora kwavari, maguta makumi matanhatu, dunhu rose reArigobhu, ushe hwaOgi muBhashani.

5 Awa maguta ose aiva akashoshewa nemasvingo marefu, masuwo, nemazariro; kunze kwemisha mizhinji-zhinji yaiva isina masvingo.

6 Zvino takaaparadza chose, sezvatakaita kuna Sihoni mambo weHeshibhoni, takaparadza chose maguta ose, varume, vakadzi, nevanana.

7 Asi zvipfuwo zvose nezvakapambiwa zvemaguta takazvitapira.

8 Zvino nenguva iyo takatora nyika paruoko rwemadzimambo maviri evaAmori aiva mhiri kwaJoridhani, kubva parwizi Arinoni kusvika pagomo reHerimoni.

9 (Herimoni vaSidhoni vanoritumidza Sirioni, asi vaAmori vanoritumidza Seniri).

10 Maguta ose ebani, neGiriyadhi rose, neBhashani rose, kusvika paSareka neEdhirei, maguta eushe hwaOgi muBhashani.

11 Nokuti ndiOgi oga mambo weBhashani wakasara pavakasara vevane simba; tarira mubhedha wake waiva mubhedha wematare; haupo here paRabha revana vaAmoni? Kureba kwawo kwaiva makubhiti mapfumbamwe, neupamhi hwawo hwaiva makubhiti mana, zvichienderana nekubhiti remunhu.

12 Zvino nyika iyi takaigara nhaka nenguva iyo; kubva paAroeri iri parwizi Arinoni, nehafu yemakomo yeGiriyadhi, nemaguta ayo, ndikapa VaRubheni nevaGadhi.

13 Neyakasara yeGiriyadhi, neBhashani rose, ushe hwaOgi, ndakapa kuhafu yerudzi rwaManase, dunhu rose reArigobhu, neBhashani rose, rinotumidzwa nyika yevane simba.

14 Jairi mwanakomana waManase wakatora dunhu rose reArigobhu kusvika pamuganhu wevaGeshuri nevaMaakati, ndokuitumidza zvichitevera zita rake, Bhashani Havhoti-Jairi, kusvika zuva ranhasi.

15 Zvino ndakapa Giriyadhi kuna Makiri.

16 NekuvaRubheni nekuvaGadhi ndakapa kubva paGiriyadhi kusvikawo parwizi Arinoni, pakati nepakati pemupata, nemuganhu, kusvikawo parwizi Jabhoki, muganhu wevana vaAmoni.

17 Uye mapani, neJoridhani, nemuganhu, kubva paKinereti, kusvika kugungwa rebani, gungwa remunyu, pajinga peAshidhodhi-Pisiga kumabvazuva.

18 Zvino ndakakurairai nenguva iyo ndichiti: Jehovha Mwari wenyu wakakupai nyika iyi ive nhaka yenyu. Muchayambuka makashonga zvombo pamberi pehama dzenyu, vana vaIsraeri, varume vose vari mhare.

19 Koga vakadzi venyu nevanana venyu nezvipfuwo zvenyu, nokuti ndinoziva kuti mune zvipfuwo zvizhinji, zvichagara mumaguta enyu andakakupai.

20 Kusvika Jehovha apa zororo hama dzenyu semwi, naivo vagare nhaka yenyika Jehovha Mwari wenyu yaanovapa mhiri kwaJoridhani; zvino muchadzokera umwe neumwe kunhaka yake yandakakupai.

21 Zvino ndakaraira Joshua panguva iyo ndichiti: Meso ako akaona zvose Jehovha Mwari wenyu zvaakaitira madzimambo awa maviri; saizvozvo Jehovha uchaitira ushe hwose kwamunoyambukira.

22 Musavatya, nokuti Jehovha Mwari wenyu, iye anokurwirai.

23 Zvino ndakanyengetera kuna Jehovha panguva iyo, ndichiti:

24 Ishe Jehovha, imwi makatanga kuratidza muranda wenyu ukuru hwenyu, neruoko rwenyu rune simba; nokuti ndeupi mwari kumatenga kana panyika angaita zvinoenderana nemabasa enyu uye zvinoenderana nemasimba enyu?

25 Nditenderei henyu kuyambuka, ndione nyika yakanaka iri mhiri kwaJoridhani, gomo iro rakanaka, neRebhanoni.

26 Asi Jehovha wakanditsamwira nekuda kwenyu, akasandinzwa; Jehovha ndokuti kwandiri: Zvaringana kwauri! Usachitaurazve kwandiri pamusoro penyaya iyi.

27 Kwira panhongonya pePisiga, ugosimudzira meso ako kumavirazuva nekumaodzanyemba nekuchamhembe nekumabvazuva ugoona nemeso ako; nokuti haungayambuki Joridhani urwu.

28 Asi raira Joshua, umukurudzire nekumusimbisa, nokuti iye uchayambuka pamberi pevanhu ava, uye achavagarisa nhaka yenyika yauchaona.

29 Zvino takagara pamupata pakatarisana neBheti-Peori.