ShonaTeam Deuteronomy « 2 »

Rondedzero yaMozisi inoenderera mberi

2Zvino takatendeuka tikafamba kupinda murenje, nzira yeGungwa Dzvuku, Jehovha sezvaakataura kwandiri; uye tikapoteredza gomo reSeiri mazuva mazhinji.

2 Zvino Jehovha wakataura kwandiri achiti:

3 Mapoteredza gomo iri nguva yaringana; imwi tendeukirai kumaodzanyemba.

4 Mugoraira vanhu muchiti: Mugure nemumuganhu wehama dzenyu, vana vaEsau vanogara Seiri; zvino vachakutyai, naizvozvo muchachenjerera kwazvo.

5 Musarwa navo, nokuti handingakupii zvenyika yavo, kunyange nzvimbo panotsikiwa nepasi petsoka; nokuti ndakapa Esau gomo reSeiri kuva rake.

6 Muchatenga zvekudya kwavari nemari kuti mudye; nemvurawo muchatengawo kwavari nemari kuti munwe.

7 Nokuti Jehovha Mwari wako wakakuropafadza pabasa rose reruoko rwako; anoziva kufamba kwako murenje iri guru; Jehovha Mwari wako wanga anewe makore awa makumi mana; hauna kushaiwa chinhu.

8 Patakapfuura pahama dzedu, vana vaEsau vagere paSeiri, nenzira yebani, takabva paErati uye takabva paEziyoni-Gebheri, ndokudzoka tikapfuura nenzira yekurenje rekwaMoabhu.

9 Zvino Jehovha wakati kwandiri: Usashungurudza vaMoabhu, kana kuvarwisa; nokuti handingakupi panyika yavo kuva yako; nokuti ndakapa Ari kuvana vaRoti kuva yavo.

10 Nguva dzeshure vaEmi vaigaramo, vanhu vakuru, uye vazhinji, uye varefu, sevaAnaki.

11 Vaiverengwawo sevane simba sevaAnaki; asi vaMoabhu vaivadaidza kuti VaEmi.

12 VaHoriwo vaigara paSeiri nguva dzeshure; asi vana vaEsau vakavabvisa pafuma yavo, vakavaparadza kubva pamberi pavo, ndokugara pachinzvimbo chavo, sezvakaita Israeri kunyika yenhaka yake, Jehovha yaakavapa.

13 Ikozvino, simukai imwi muyambuke rukova Zeredhi. Naizvozvo takayambuka rukova Zeredhi.

14 Zvino mazuva atakafamba kubva paKadheshi-Bharineya kusvika tayambuka rukova Zeredhi aiva makore makumi matatu nemasere, kusvika kwapera zera rose revarume vehondo kubva pakati pemusasa, Jehovha sezvaakapika kwavari.

15 Nokuti zvirokwazvo ruoko rwaJehovha rwairwisana navo, kuvaparadza kubva pakati pemusasa, kusvika vapera.

16 Zvino zvakaitika apo varume vose vehondo vapera vachifa kubva pakati pevanhu,

17 Jehovha ndokutaura kwandiri achiti:

18 Nhasi uchapfuura nepaAri, muganhu waMoabhu.

19 Pauchaswedera pakatarisana nevana vaAmoni, usavashungurudza, kana kurwisana navo; nokuti handingakupi kubva panyika yevana vaAmoni kuva yako; nokuti ndakaipa vana vaRoti kuva yavo.

20 Naiyo yakaverengwa senyika yevanhu vane simba; vanhu vane simba vaigara mairi nguva dzeshure, asi vaAmoni vaivatumidza kuti vaZamuzumi;

21 vanhu vakuru, uye vazhinji, uye varefu, sevaAnaki; asi Jehovha wakavaparadza pamberi pavo, vakavabvisa pafuma yavo, ndokugara panzvimbo yavo;

22 sezvaakaita kuvana vaEsau vaigara muSeiri, paakaparadza VaHori kubva pamberi pavo, ndokuvabvisa pafuma yavo, vakagara panzvimbo yavo kusvika nhasi.

23 Uye VaAvhi, vaigara muHazerimi kusvika Gaza, VaKafitori vakabuda kuKafitori, vakavaparadza ndokugara panzvimbo yavo.

24 Simukai mubve, muyambuke rukova Arinoni; tarirai, ndakapa muruoko rwenyu Sihoni muAmori, mambo weHeshibhoni, nenyika yake; tangai kudya nhaka, uye murwe naye muhondo.

25 Nhasi ndichatanga kuisa kuvhunduka nemwi nekutyisa nemwi pamusoro pemarudzi pasi pematenga ose, achanzwa rondedzero pamusoro penyu, uye achadedera vagova mukurwadziwa kwazvo nekuda kwenyu.

26 Zvino ndakatuma nhume kubva murenje reKedhemoti kuna Sihoni mambo weHeshibhoni nemashoko erugare ndichiti:

27 Rega ndipfuure nemunyika yako; ndichafamba nenzira huru; handingatsaukiri kurudyi kana kuruboshwe.

28 Uchanditengesera zvekudya nemari kuti ndidye; uye uchandipa mvura ndichiripa mari kuti ndinwe; koga ndichagura nemakumbo angu;

29 sezvakaita kwandiri vana vaEsau vagere muSeiri, nevaMoabhu vagere muAri, kusvika ndayambuka Joridhani kupinda munyika Jehovha Mwari wedu yaanotipa.

30 Asi Sihoni mambo weHeshibhoni haana kutitendera kupfuura nekwaari, nokuti Jehovha Mwari wako wakaomesa mweya wake, akasimbaradza moyo wake, kuti amupe muruoko rwako, sepazuva rino.

31 Zvino Jehovha wakati kwandiri: Tarira, ndatanga kupa Sihoni nenyika yake pamberi pako; tanga kuigara nhaka, kuti nyika ive yako.

32 Zvino Sihoni wakabuda kupikisana nesu, iye nevanhu vake vose, kuzorwa paJahazi.

33 Zvino Jehovha Mwari wedu akamupa pamberi pedu, tikamurova, nevanakomana vake, nevanhu vake vose.

34 Zvino nenguva iyo tikatapa maguta ake ose ndokuparadza chose maguta ose, vanhurume nevanhukadzi nevanana; hatina kusiya wakasara.

35 Koga zvipfuwo takazvitapira, pamwe nezvakapambiwa pamaguta atakatapa.

36 Kubva paAroeri riri pamahombekombe erukova Arinoni, neguta riri parukova, kusvika Giriyadhi, hakuna kuva neguta rakakwirira kutipfuura; Jehovha Mwari wedu wakaapa ose pamberi pedu.

37 Koga kunyika yevana vaAmoni hamuna kuswedera, nzvimbo yose yerukova Jabhoki, nemaguta emakomo, nepose Jehovha Mwari wedu paakatidzivisa.