ShonaTeam Deuteronomy « 1 »

Mozisi anorondedzera zvakaitika pakufamba kwevaIsraeri

1 Awa mashoko Mozisi aakataura kuna Israeri wose mhiri kwaJoridhani murenje, mubani pakatarisana neSufi, pakati peParani neTofera neRabhani neHazeroti neDhizahabhi.

2Pane mazuva gumi nerimwe kubva paHorebhu, nenzira yegomo reSeiri kusvika paKadheshi-Bharineya.

3 Zvino zvakaitika mugore remakumi mana, mumwedzi wegumi neumwe, nerekutanga remwedzi, Mozisi wakataura kuvana vaIsraeri zvichienderana nezvose Jehovha zvaaiva amupa kuva murairo kwavari;

4 shure kwekunge arova Sihoni mambo wevaAmori waiva agere muHeshibhoni, naOgi mambo weBhashani waiva agere paAshitaroti paEdhirei.

5 Nechekuno kwaJoridhani munyika yaMoabhu Mozisi wakatanga kududzira murairo uyu achiti:

6 Jehovha Mwari wedu wakataura kwatiri muHorebhu achiti: Magara nguva yakakwana mugomo iri.

7 Dzokai imwi mubve muende kugomo revaAmori nekose kwakavakidzana navo, mubani, muzvikomo, nemumupata, nekuchamhembe, nekumahombekombe egungwa, nyika yevaKenani, neRebhanoni, kusvika kurwizi rukuru, rwizi Furati.

8 Onai, ndaisa nyika pamberi penyu; pindai, mudye nhaka yenyika Jehovha yaakapikira madzibaba enyu, Abhurahama, Isaka, naJakove, kuvapa iyo nekumbeu yavo shure kwavo.

9 Uye ndataura kwamuri nguva ino ndichiti: Handigoni kukutakurai ndiri ndoga.

10 Jehovha Mwari wenyu wakakuwanzai; zvino tarirai, nhasi mava senyeredzi dzekumatenga pakuwanda.

11 Jehovha Mwari wemadzibaba enyu ngaawedzere kwamuri, sezvamakaita, kakapetwa kane churu, akuropafadzei, sezvaakataura kwamuri.

12 Ndiri ndoga ndingatakura sei urema hwenyu nemutoro wenyu negakava renyu?

13 Zvipei varume vakachenjera, uye vanonzwisisa, uye vanozikanwa kumarudzi enyu, ndivaise vave misoro yenyu.

14 Zvino makandipindura mukati: Shoko ramataura rakanaka kuriita.

15 Zvino ndakatora misoro yemarudzi enyu, varume vakachenjera uye vanozikanwa, ndikavaisa vakava misoro pamusoro penyu, vakuru vezvuru, nevakuru vemazana, nevakuru vemakumi mashanu, nevakuru vemakumi, nevabati vemarudzi enyu.

16 Zvino ndakaraira vatongi venyu nenguva iyo ndichiti: Inzwai zviri pakati pehama dzenyu, mutonge zvakarurama pakati pemunhu nehama yake, nemutorwa wake.

17 Musatarira zviso pakutonga; inzwai mudiki semukuru; musatya chiso chemunhu; nokuti kutonga ndekwaMwari; uye nyaya inorema kwamuri muchaiuisa kwandiri, zvino ndichainzwa.

18 Zvino nenguva iyo ndakakurairai zvinhu zvose zvamunofanira kuita.

19 Zvino tabva paHorebhu, takafamba murenje iro rose guru rinotyisa, ramakaona nenzira yegomo revaAmori, sezvakatiraira Jehovha Mwari wedu; ndokusvika paKadheshi-Bharineya.

20 Zvino ndakati kwamuri: Masvika pagomo revaAmori, Jehovha Mwari wedu raachapa kwatiri.

21 Tarirai, Jehovha Mwari wenyu wakaisa nyika iyo pamberi penyu; kwirai mugare nhaka yayo, sezvakataura Jehovha Mwari wemadzibaba enyu kwamuri; musatya uye musavhunduka.

22 Zvino makaswedera kwandiri mose mukati: Ngatitume varume mberi kwedu kuti vatishorere nyika, vagodzosa shoko kwatiri, nzira yatichakwira nayo, nemaguta atichapinda kwaari.

23 Zvino shoko rakava rakanaka pameso angu; naizvozvo ndakatora kwamuri varume gumi nevaviri, murume umwe parudzi.

24 Ivo ndokutendeuka, ndokukwira mugomo vasvika mumupata weEshikori, ndokuishora.

25 Zvino vakatora zvemuchero wenyika mumaoko avo, ndokuzviburusira kwatiri, ndokutidzosera shoko, ndokuti: Inyika yakanaka Jehovha Mwari wedu yaanotipa.

26 Zvakadaro hamuna kuda kukwira, asi makamukira muromo waJehovha Mwari wenyu.

27 Zvino makanyunyuta mumatende enyu, ndokuti: Nokuti Jehovha wakativenga, wakatibudisa munyika yeEgipita, kutiisa muruoko rwevaAmori kutiparadza.

28 Tichakwirepi? Hama dzedu dzanyautsa moyo wedu dzichiti: Vanhu vakuru uye varefu kutipfuura; maguta makuru uye akashoshewa kusvika kumatenga; uyewo vana vaAnaki tavaonako.

29 Zvino ndakati kwamuri: Musavhunduka uye musavatya.

30 Jehovha Mwari wenyu anokutungamirirai, ndiye achakurwirai, sezvaakakuitirai zvose paEgipita pamberi pemeso enyu,

31 nemurenje pawakaona kuti Jehovha Mwari wako wakakutakura semurume anotakura mwanakomana wake, panzira yose yamakafamba, kusvika masvika panzvimbo ino.

32 Asi pachinhu ichi hamuna kutenda kuna Jehovha Mwari wenyu;

33 iye wakakutungamirirai panzira kukutsvakirai nzvimbo kuti mudzike matende, mumoto usiku, kukutaridzai nzira yamuchafamba, uye mugore masikati.

34 Zvino Jehovha wakanzwa inzwi remashoko enyu, ndokutsamwa, ndokupika achiti:

35 Zvirokwazvo haako kuvarume ava, zera iri rakaipa, achaona nyika yakanaka, yandakapikira kupa madzibaba enyu,

36 kunze kwaKarebhu mwanakomana waJefune, iye achaiona; uye ndichapa kwaari nekuvana vake nyika yaakatsika, nokuti wakatevera Jehovha zvakazara.

37 Neni Jehovha wakanditsamwira nekuda kwenyu achiti: Iwewo haungapindi ikoko.

38 Joshua mwanakomana waNuni anomira pamberi pako, iye achapinda ikoko; umusimbise, nokuti iye achaita Israeri adye nhaka yayo.

39 Nevanana venyu vamakati vachajimbiwa, nevana venyu vasingazivi nhasi zvakanaka nezvakaipa, ivo vachapinda ikoko, uye ndichaipa kwavari, uye ivo vachaigara nhaka.

40 Asi imwi zvitendeukirei mugofamba makananga kurenje, nzira yeGungwa Dzvuku.

41 Zvino makapindura ndokuti kwandiri: Takatadzira Jehovha, isu tichakwira tigonorwa zvichienderana nezvose Jehovha Mwari wedu zvaakatiraira. Zvino makati mashonga umwe neumwe zvombo zvake zvehondo, makafunga kuti zvakareruka kukwira mugomo.

42 Zvino Jehovha wakati kwandiri: Iti kwavari: Musakwira uye musarwa, nokuti handisi pakati penyu; zvimwe mungarohwa pamberi pevavengi venyu.

43 Zvino ndakataura kwamuri, asi hamuna kuteerera, ndokumukira murairo waJehovha, mukaita manyawi, ndokukwira mugomo.

44 Zvino vaAmori vaigara mugomo iro vakabuda kumirisana nemwi, ndokukudzingirirai sezvinoita nyuchi, ndokukuparadzai paSeiri kusvika paHorima.

45 Zvino makadzoka ndokuchema pamberi paJehovha, asi Jehovha haana kuteerera inzwi renyu, kana kurerekera nzeve dzake kwamuri.

46 Zvino makagara paKadheshi mazuva mazhinji, semazuva amakagarapo.