ShonaTeam Numbers « 36

Vasikana vanofanira kuwanikwa neverudzi rwavo

36Zvino kwakaswedera misoro yemadzibaba vemhuri yevana vaGiriyadhi, mwanakomana waMakiri, mwanakomana waManase, vemhuri dzevana vaJosefa, ndokutaura pamberi paMozisi nepamberi pemachinda, misoro yemadzibaba evana vaIsraeri,

2 ndokuti: Jehovha wakaraira tenzi wangu kupa vana vaIsraeri nyika senhaka nemujenya; uye tenzi wangu wakarairwa naJehovha kupa nhaka yaZerofehadhi munin'ina wedu kuvanasikana vake.

3 Zvino kana vakava vakadzi kune umwe wevanakomana veamwe marudzi evana vaIsraeri, nhaka yavo ichabviswa panhaka yemadzibaba edu, uye ichawedzerwa panhaka yerudzi rwavachava varwo; saizvozvo ichabviswa pamujenya wenhaka yedu.

4 Zvino pachava negore reJubheri revana vaIsraeri, nhaka yavo ichawedzerwa panhaka yerudzi rwavachava varwo; naizvozvo nhaka yavo ichabviswa panhaka yerudzi rwemadzibaba edu.

5 Zvino Mozisi wakaraira vana vaIsraeri zvichienderana nemuromo waJehovha achiti: Rudzi rwevana vaJosefa rwataura zvakarurama.

6 Ichi chinhu Jehovha chaanoraira maererano nevanasikana vaZerofehadhi achiti: Regai vave vakadzi kune vakanaka pameso avo; asi regai vave vakadzi kumhuri yerudzi rwababa vavo.

7 Naizvozvo nhaka yevana vaIsraeri haingapoti ichibva kurudzi kuenda kurudzi, nokuti vana vaIsraeri vachanamatira, umwe neumwe kunhaka yerudzi rwemadzibaba ake.

8 Uye mwanasikana umwe neumwe anogara nhaka yefuma pamarudzi api neapi evana vaIsraeri achava mukadzi kune umwe wemhuri yerudzi rwababa vake, kuti vana vaIsraeri vagare nhaka, umwe neumwe nhaka yemadzibaba ake.

9 Naizvozvo nhaka haingapoti kubva kurudzi kuenda kune rumwe rudzi; nokuti marudzi evana vaIsraeri achanamatira, rwumwe nerwumwe kunhaka yarwo.

10 Jehovha sezvaakaraira Mozisi, ndizvo zvakaita vanasikana vaZerofehadhi.

11 Nokuti Mahira, Tiriza, naHogira, naMirika, naNowa, vanasikana vaZerofehadhi vakava vakadzi kuvanakomana vevanin'ina vababa vavo.

12 Zvino vakava vakadzi kumhuri dzevanakomana vaManase mwanakomana waJosefa; nhaka ndokugara parudzi rwemhuri yababa vavo.

13 Iyi mirairo nemitongo Jehovha yaakaraira vana vaIsraeri neruoko rwaMozisi pamapani eMoabhu paJoridhani paJeriko.