ShonaTeam Numbers « 35 »

Maguta evaRevhi, nemaguta matanhatu eutiziro

35Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi mumapani eMoabhu paJoridhani paJeriko achiti:

2 Raira vana vaIsraeri kuti vape kuvaRevhi panhaka yefuma yavo maguta ekugara; uye muchapa kuvaRevhi mafuro emaguta akaapoteredza.

3 Zvino vachava nemaguta ekugara; nemafuro awo achava emombe dzavo uye efuma yavo uye ezvipfuwo zvavo zvose.

4 Zvino mafuro emaguta amuchapa vaRevhi achava kubva parusvingo rweguta uye nechekunze makubhiti churu kumativi ose.

5 Zvino muchayera nechekunze kweguta kurutivi rwekumabvazuva makubhiti zvuru zviviri, uye kurutivi rwekuchamhembe makubhiti zvuru zviviri, nekurutivi rwekumavirira makubhiti zvuru zviviri, uye kurutivi rwekumaodzanyemba makubhiti zvuru zviviri, uye guta rive pakati. Awa achava mafuro avo emaguta.

6 Zvino pamaguta amuchapa kuvaRevhi pachava nemaguta matanhatu eutiziro amuchapa, kuti muurayi atizireko; uye pamusoro pawo mupe maguta makumi mana nemaviri.

7 Maguta ose amuchapa kuvaRevhi achava maguta makumi mana nemasere, iwo nemafuro awo.

8 Zvino maguta amuchapa pafuma yevana vaIsraeri, kubva pazhinji muchatora zhinji, uye kubva pashoma muchatora shoma; umwe neumwe zvichienderana nenhaka yake yaachagara, achapa zvemaguta ake kuvaRevhi.

9 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:

10 Taura kuvana vaIsraeri ugoti kwavari: Kana mayambuka Joridhani kuenda munyika yeKenani,

11 zvino muchazvigadzirira maguta, achava maguta enyu eutiziro, kuti muurayi atizireko, anorova munhu kwete nemaune.

12 Zvino achava kwamuri maguta eutiziro kubva kumutsivi, kuti muurayi asafa, kusvika amira pamberi peungano pakutongwa.

13 Nemaguta amuchapa, achava maguta enyu matanhatu eutiziro.

14 Muchapa maguta matatu nechekuno kwaJoridhani, uye muchapa maguta matatu munyika yeKenani, ave maguta eutiziro.

15 Maguta awa matanhatu achava utiziro hwevana vaIsraeri nehwemweni uye hwemutorwa ari pakati pavo, kuti ani nani anouraya munhu kwete nemaune atizireko.

16 Zvino kana akamurova nechombo chedare zvekuti afe, muurayi; muurayi achaurawa zvirokwazvo.

17 Zvino kana akamurova nebwe muruoko raangafa naro, ndokufa, muurayi; muurayi achaurawa zvirokwazvo.

18 Kana akamurova nechombo chedanda muruoko chaangafa nacho, ndokufa, muurayi; muurayi achaurawa zvirokwazvo.

19 Mutsivi weropa ndiye achauraya muurayi; paanosangana naye, iye achamuuraya.

20 Zvino kana akamusunda neruvengo, kana akamupotsera nekuhwandira, akafa,

21 kana neruvengo akamurova neruoko rwake, akafa, wakamurova achaurawa zvirokwazvo, muurayi; mutsivi weropa achauraya muurayi paanosangana naye.

22 Asi kana akamusundidzira nekukurumidza pasina ruvengo, kana akamupotsera chero chinhu pasina kuhwandira,

23 kana nebwe ripi neripi raangafa naro, asingaoni, akariwisira paari, akafa, asiri muvengi wake, uye asina kutsvaka kuipa kwake,

24 zvino ungano ichatonga pakati pemuurayi nemutsivi weropa zvichienderana nemitongo iyi.

25 Zvino ungano ichanunura muurayi kubva muruoko rwemutsivi weropa; uye ungano ichamudzosera kuguta rake reutiziro kwaaiva atizira; zvino achagaramo kusvika pakufa kwemupristi mukuru, wakazodzwa nemafuta matsvene.

26 Asi kana muurayi akatongobuda kumuganhu weguta rake reutiziro kwaaiva atizira,

27 mutsivi weropa akamuwana kunze kwemuganhu weguta reutiziro hwake, mutsivi weropa achauraya muurayi; iye haangavi nemhosva yeropa.

28 Nokuti angadai akagara muguta reutiziro hwake kusvika pakufa kwemupristi mukuru; asi shure kwekufa kwemupristi mukuru, muurayi achadzokera kunyika yenhaka yake.

29 Zvino izvi zvichava murairo wemutongo kwamuri pamazera enyu paugaro hwenyu hwose.

30 Ani nani anorova munhu, nemuromo wezvapupu muurayi achaurawa; asi chapupu chimwe hachingapupuri pamusoro pemunhu kuti afe.

31 Uye haangatori dzikinuro pamusoro peupenyu hwemuurayi ane mhosva yerufu; nokuti achaurawa zvirokwazvo.

32 Uye musatora dzikinuro pamusoro peanotizira kuguta reutiziro hwake, kuti adzokere kunogara munyika, kusvika pakufa kwemupristi.

33 Naizvozvo hamungasvibisi nyika yamuri; nokuti iropa rinosvibisa nyika; uye nyika haingaitirwi chiyananiso pamusoro peropa rakateurirwa mairi, asi koga neropa rewakariteura.

34 Naizvozvo musasvibisa nyika yamunogara mairi, yandinogara mukati mayo; nokuti ini Jehovha ndinogara pakati pevana vaIsraeri.