ShonaTeam Numbers « 33 »

Kufamba kwevaIsraeri kubva Egipita kusvika Kenani

33Idzi inzendo dzevana vaIsraeri vakabuda munyika yeEgipita nemauto avo neruoko rwaMozisi naAroni.

2 Zvino Mozisi wakanyora kubuda kwavo nenzendo dzavo zvichienderana nekuraira kwaJehovha. Uye idzi inzendo dzavo nekubuda kwavo.

3 Zvino vakabva paRamesesi nemwedzi wekutanga nezuva regumi nemashanu remwedzi wekutanga; chifume chepasika vana vaIsraeri vakabuda neruoko rwakakwirira pamberi pemeso evaEgipita vose,

4 VaEgipita pavaiviga Jehovha vaakarova pakati pavo, matangwe ose; uye pamusoro pavamwari vavo Jehovha wakaita mitongo.

5 Zvino vana vaIsraeri vakabva paRamesesi ndokudzika matende paSukoti.

6 Zvino vakabva paSukoti ndokudzika matende paEtami riri pamucheto werenje.

7 Zvino vakabva paEtami ndokudzokera Pi-Hahiroti riri pamberi peBhaari-Sefoni ndokudzika matende pamberi peMigidhori.

8 Zvino vasimuka kubva pamberi pePi-Hahiroti ndokugura nepakati pegungwa kupinda murenje, ndokufamba rwendo rwemazuva matatu murenje reEtami, ndokudzika matende paMara.

9 Zvino vakabva paMara ndokusvika paErimi; uye paErimi paiva nezvitubu gumi nezviviri zvemvura, nemiti yemichindwe makumi manomwe; zvino vakadzika matende ipapo.

10 Zvino vakabva paErimi ndokudzika matende paGungwa Dzvuku.

11 Zvino vakabva paGungwa Dzvuku ndokudzika matende murenje reSini.

12 Zvino vakabva murenje reSini ndokudzika matende paDhofika.

13 Zvino vakabva paDhofika ndokudzika matende paArushi.

14 Zvino vakabva paArushi ndokudzika matende paRefidhimu paiva pasina mvura yekuti vanhu vanwe.

15 Zvino vakabva paRefidhimu ndokudzika matende murenje reSinai.

16 Zvino vakabva murenje reSinai ndokudzika matende paKibhuroti-Hatava.

17 Zvino vakabva paKibhuroti-Hatava ndokudzika matende paHazeroti.

18 Zvino vakabva paHazeroti ndokudzika matende paRitima.

19 Zvino vakabva paRitima ndokudzika matende paRimoni-Perezi.

20 Zvino vakabva paRimoni-Perezi ndokudzika matende paRibhina.

21 Zvino vakabva paRibhina ndokudzika matende paRisa.

22 Zvino vakabva paRisa ndokudzika matende paKeherata.

23 Zvino vakabva paKeherata ndokudzika matende pagomo reSheferi.

24 Zvino vakabva pagomo reSheferi ndokudzika matende paHaradha.

25 Zvino vakabva paHaradha ndokudzika matende paMakeroti.

26 Zvino vakabva paMakeroti ndokudzika matende paTahati.

27 Zvino vakabva paTahati ndokudzika matende paTera.

28 Zvino vakabva paTera ndokudzika matende paMitika.

29 Zvino vakabva paMitika ndokudzika matende paHashimona.

30 Zvino vakabva paHashimona ndokudzika matende paMoseroti.

31 Zvino vakabva paMoseroti ndokudzika matende paBhene-Jakani.

32 Zvino vakabva paBhene-Jakani ndokudzika matende paHori-Hagidhigadhi.

33 Zvino vakabva paHori-Hagidhigadhi ndokudzika matende paJotibhata.

34 Zvino vakabva paJotibhata ndokudzika matende paAbhurona.

35 Zvino vakabva paAbhurona ndokudzika matende paEziyoni-Gebheri.

36 Zvino vakabva paEziyoni-Gebheri ndokudzika matende murenje reZini, rinova Kadheshi.

37 Zvino vakabva paKadheshi ndokudzika matende pagomo reHori, pamucheto wenyika yeEdhomu.

38 Zvino Aroni mupristi wakakwira pagomo reHori pakuraira kwaJehovha ndokufirapo, mugore remakumi mana shure kwekubuda kwevana vaIsraeri munyika yeEgipita, nemwedzi weshanu, nerekutanga remwedzi.

39 Zvino Aroni waiva nemakore zana nemakumi maviri nematatu pakufa kwake pagomo reHori.

40 Zvino mambo weAradhi muKenani waigara kuchamhembe munyika yeKenani, wakanzwa zvekuuya kwevana vaIsraeri.

41 Zvino vakabva pagomo reHori ndokudzika matende paZarimona.

42 Zvino vakabva paZarimona ndokudzika matende paPunoni.

43 Zvino vakabva paPunoni ndokudzika matende paObhoti.

44 Zvino vakabva paObhoti ndokudzika matende paIye-Abharimi pamuganhu weMoabhu.

45 Zvino vakabva paIyimi ndokudzika matende paDhibhoni-Gadhi.

46 Zvino vakabva paDhibhoni-Gadhi ndokudzika matende paArimoni-Dhibhurataimi.

47 Zvino vakabva paArimoni-Dhibhurataimi ndokudzika matende pamakomo eAbharimi pamberi peNebho.

48 Zvino vakabva pamakomo eAbharimi ndokudzika matende pamapani eMoabhu paJoridhani paJeriko.

49 Ndokudzika matende paJoridhani kubva paBheti-Jeshimoti kusvika paAbheri-Shitimu pamapani aMoabhu.

50 Zvino Jehovha wakataura naMozisi pamapani eMoabhu paJoridhani paJeriko achiti:

51 Taura kuvana vaIsraeri ugoti kwavari: Kana mayambuka Joridhani mukaenda munyika yeKenani,

52 ipapo muchadzinga vagari vose venyika pamberi penyu, nekuparadza mifananidzo yavo yose, nekuparadza zvifananidzo zvavo zvose zvakaumbwa nekunyungudusa, nekuputsa kwazvo nzvimbo dzavo dzose dzakakwirira.

53 Zvino muchagara nhaka yenyika iyo ndokugaramo, nokuti ndakupai nyika iyo kuigara nhaka.

54 Uye imwi muchazvigarira nhaka yenyika iyo nemujenya, nemhuri dzenyu; kuvazhinji muchawedzera nhaka yavo, uye kuvashoma muchatapudza nhaka yavo; uko kuchabudira mujenya kune umwe munhu, ichava yake; munofanira kugara nhaka nemarudzi emadzibaba enyu.

55 Asi kana musingadzingi vagari venyika pamberi penyu, ipapo zvichaitika kuti ivo vamunorega kwavari vachava zvibayo pameso enyu, neminzwa panhivi dzenyu, vacharatidza ruvengo kwamuri munyika mamugere.

56 Uye zvichaitika kuti ndichakuitirai sezvandakafunga kuvaitira.