ShonaTeam Numbers « 31 »

VaIsraeri vanokunda vaMidhiani

31Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi, achiti:

2 Tsiva kutsiva kwevana vaIsraeri kuvaMidhiani; shure kweizvozvo uunganidzwe kuvanhu vekwako.

3 Mozisi ndokutaura kuvanhu achiti: Varume venyu vashongere zvombo hondo kuti vamirisane nevaMidhiani, vagoita kutsiva kwaJehovha kuvaMidhiani.

4 Tumirai kuhondo churu kurudzi rumwe nerumwe rwemarudzi ose aIsraeri.

5 Zvino kwakapiwa kubva pazvuru zvekwaIsraeri churu parudzi, zvuru gumi nezviviri zvakashongera zvombo hondo.

6 Mozisi ndokuvatuma kuhondo churu parudzi rumwe nerumwe, ivo naPinehasi mwanakomana waEriazari mupristi, kuenda kuhondo, vane nhumbi tsvene nehwamanda dzekuridzisa mhere muruoko rwake.

7 Zvino vakarwa vakamirisana nevaMidhiani, Jehovha sezvaakaraira Mozisi; zvino vakauraya vanhurume vose.

8 Vakaurayawo madzimambo evaMidhiani, kusingaverengwi vakaurawa vavo vaiti: Evhi, naRekemu, naZuri, naHuri, naRebha, madzimambo mashanu evaMidhiani; naBharamu mwanakomana waBheori, vakamuuraya nemunondo.

9 Vana vaIsraeri ndokutapa vakadzi vevaMidhiani nevanana vavo; ndokupamba mombe dzavo dzose nemakwai avo ose nefuma yavo yose.

10 Zvino vakapisa nemoto maguta avo ose mavaiva vagere, nemisasa yavo yose.

11 Zvino vakatora zvakapambiwa zvose, nezvakajimbiwa zvose, zvevanhu nezvezvipfuwo.

12 Vakauya nevatapwa nezvakajimbiwa nezvakapambiwa kuna Mozisi nekuna Eriazari mupristi nekuungano yevana vaIsraeri, kumusasa pamapani aMoabhu, ari paJoridhani paJeriko.

13 Zvino Mozisi naEriazari mupristi nemachinda ose eungano vakabuda kunosangana navo kusvika kunze kwemusasa.

14 Zvino Mozisi wakatsamwira vatariri vehondo, vakuru vezvuru nevakuru vemazana vaibva kumauto ehondo.

15 Mozisi ndokuti kwavari: Makarega here vanhukadzi vose kuti vararame?

16 Tarirai, ndivo vakaita vana vaIsraeri kubudikidza nezano raBharamu kuti vaite chitadzo kuna Jehovha panyaya yaPeori, denda ndokuvapo pakati peungano yaJehovha.

17 Naizvozvo zvino urayai munhurume umwe neumwe pakati pevanana, mugouraya mukadzi umwe neumwe wakaziva murume nekurara nemunhurume;

18 asi vanana vose pakati pevanhukadzi vasina kuziva murume nekurara naye, muzviregere vararame.

19 Zvino imwi, dzikai musasa kunze kwemusasa mazuva manomwe, ani nani wakauraya munhu, uye ani nani wakagunzva wakaurawa, muzvichenure pazuva retatu nepazuva rechinomwe, imwi nevatapwa venyu.

20 Zvino chenurai nguvo imwe neimwe, nechimwe nechimwe chinhu chedehwe, nebasa rose remvere dzembudzi, nezvinhu zvose zvematanda.

21 Eriazari mupristi ndokuti kuvarume vehondo vaiva vabuda kuhondo: Ichi chimiso chemurairo Jehovha waakaraira Mozisi:

22 Koga goridhe, nesirivha, ndarira, dare, tini, nemutobvu,

23 chinhu chimwe nechimwe chingapinda mumoto muchachipfuudza nemumoto chigova chakachena; zvakadaro chichachenurwa nemvura yekuparadzanisa. Uye chose chisingapindi mumoto muchachipfuudza nemumvura.

24 Zvino muchasuka nguvo dzenyu nezuva rechinomwe, mugova vakachena; zvino pashure muchapinda mumusasa.

25 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:

26 Tora uwandu hwose hwezvijimbiwa zvakapambiwa, hwevanhu nehwezvipfuwo, iwe naEriazari mupristi, nemisoro yemadzibaba eungano.

27 Uparadzanise zvakajimbiwa muzvikamu zviviri; pakati pevanobata hondo vakabudira hondo, nepakati peungano yose.

28 Zvino teresera Jehovha mutero kuvarume vehondo vakabudira kuhondo: Mweya weupenyu umwe kumazana mashanu, kuvanhu, nekumombe, nekumbongoro, nekumakwai.

29 Uzvitore pahafu yavo, ugozvipa Eriazari mupristi, chipo chinosimudzwa chaJehovha.

30 Nepahafu yevana vaIsraeri uchatora chikamu chimwe pamakumi mashanu, pavanhu, pamombe, pambongoro, nepamakwai, pazvipfuwo zvose, ugozvipa kuvaRevhi vanochengeta faniro yetabhenakeri yaJehovha.

31 Zvino Mozisi naEriazari mupristi vakaita Jehovha sezvaakaraira Mozisi.

32 Zvino zvakapambiwa, musarirwa wezvakatapwa varume vehondo zvavaiva vabata zvaiva makwai zvuru mazana matanhatu nezvuru makumi manomwe nezvuru zvishanu,

33 nemombe zvuru makumi manomwe nezviviri,

34 nembongoro zvuru makumi matanhatu nechuru chimwe.

35 Zvino mweya yevanhu, kubva pavakadzi vaiva vasina kuziva kurara nemunhurume, mweya yose yaiva zvuru makumi matatu nezviviri.

36 Zvino hafu, mugove wevakabudira kuhondo, pauwandu yaiva makwai zvuru mazana matatu nezvuru makumi matatu nezvinomwe nemazana mashanu.

37 Nemutero waJehovha wemakwai waiva mazana matanhatu nemakumi manomwe nemashanu.

38 Nemombe dzaiva zvuru makumi matatu nezvitanhatu; nemutero waJehovha uri makumi manomwe nembiri.

39 Nembongoro dzaiva zvuru makumi matatu nemazana mashanu; nemutero waJehovha uri makumi matanhatu neimwe.

40 Zvino mweya yevanhu yaiva zvuru gumi nezvitanhatu; nemutero waJehovha uri mweya makumi matatu nemiviri.

41 Mozisi ndokupa mutero, chipo chinosimudzwa chaJehovha, kuna Eriazari mupristi, Jehovha sezvaakaraira Mozisi.

42 Nepahafu yevana vaIsraeri, Mozisi yaakakamura kuvarume vakarwa.

43 Zvino hafu yeungano yemakwai yaiva makwai zvuru mazana matatu nemakumi matatu nezvuru zvinomwe nemazana mashanu,

44 nemombe zvuru makumi matatu nezvuru zvitatu,

45 nembongoro zvuru makumi matatu nemazana mashanu,

46 nemweya yevanhu zvuru gumi nezvitanhatu.

47 Nepahafu yevana vaIsraeri Mozisi wakatora chikamu chimwe kumakumi mashanu, kuvanhu nekuzvipfuwo, ndokuzvipa kuvaRevhi vaichengeta faniro yetabhenakeri yaJehovha, Jehovha sezvaakaraira Mozisi.

48 Zvino vatariri vaiva pamusoro pezvuru zvehondo, vakuru vezvuru, nevakuru vemazana vakaswedera kuna Mozisi,

49 zvino vakati kuna Mozisi: Varanda venyu vatora uwandu hwose hwevarume vehondo vari pasi peruoko rwedu, uye hakuna munhu asipo kwatiri.

50 Naizvozvo tauya nechipo chaJehovha, umwe neumwe zvaakawana, chinhu chegoridhe, uketani, nechindori, mhete, dhikauzi, nechishongo chemuhuro, kuitira mweya yeupenyu yedu chiyananiso pamberi paJehovha.

51 Mozisi naEriazari mupristi ndokugamuchira kwavari goridhe, zvishongo zvose zvakaitwa neunyanzvi.

52 Negoridhe rose rechipo chavakapa Jehovha, chevakuru vezvuru nechevakuru vemazana, raiva mashekeri zvuru gumi nezvitanhatu nemazana manomwe nemakumi mashanu.

53 Varume vehondo vaiva vatora zvakapambiwa, uyo neuyo zvake.

54 Mozisi naEriazari mupristi ndokugamuchira goridhe kuvakuru vezvuru nevemazana, vakariisa mutende rekusangana, chive chirangaridzo kuvana vaIsraeri pamberi paJehovha.