ShonaTeam Numbers « 30 »

Mirairo yemhiko

30Zvino Mozisi wakataura kuvakuru vemarudzi evana vaIsraeri achiti: Ichi chinhu Jehovha chaakaraira:

2 Kana murume achivimbisa chivimbiso kuna Jehovha kana kupika mhiko kusunga mweya weupenyu wake nechisungo, haangadariki shoko rake; achaita zvinoenderana nezvose zvinobuda mumuromo make.

3 Kana mukadziwo akavimbisa chivimbiso kuna Jehovha, ndokuzvisunga nechisungo mumba mababa vake paudiki hwake;

4 baba vake ndokunzwa chivimbiso chake nechisungo chake chaakasunga mweya weupenyu wake nacho, baba vake ndokumunyararira, ipapo zvivimbiso zvake zvose zvichamira, nechisungo chipi nechipi chaakasunga mweya wake nacho chichamira.

5 Asi kana baba vake vakamurambidza nezuva ravanonzwa naro, hakuna chimwe chezvivimbiso zvake kana chezvisungo zvake chaakasunga mweya weupenyu wake nacho chichamira; uye Jehovha achamukanganwira, nokuti baba vake vakamurambidza.

6 Zvino kana achitongova nemurume, nezvivimbiso zvake zviri pamusoro pake, kana shoko rekusafungisisa remiromo yake, asunge naro mweya weupenyu wake,

7 murume wake ndokunzwa, ndokumunyararira nezuva raanonzwa naro, ipapo zvivimbiso zvake zvichamira, nezvisungo zvake zvaakasunga nazvo mweya weupenyu wake zvichamira.

8 Asi kana murume wake akamurambidza nezuva raanonzwa naro, ipapo iye achashaisa basa chivimbiso chiri paari neshoko rekusafungisisa remiromo yake, raakasunga naro mweya weupenyu wake, uye Jehovha achamukanganwira.

9 Asi chivimbiso chechirikadzi, nechewakarambiwa, chose chaakasunga mweya weupenyu wake nacho chichamirisana naye.

10 Zvino kana akavimbisa ari mumba memurume wake, kana kusunga mweya weupenyu wake nechisungo nemhiko,

11 murume wake ndokunzwa, ndokumunyararira, asingamurambidzi, ipapo zvivimbiso zvake zvose zvichamira, nechisungo chipi nechipi chaanosunga nacho mweya weupenyu wake chichamira.

12 Asi kana murume wake akazvishaisisa basa nezuva raanonzwa naro, chose chinobuda mumiromo yake maererano nezvivimbiso zvake kana maererano nechisungo chemweya weupenyu wake hazvingamiri; murume wake wazvishaisa basa; uye Jehovha achamukanganwira.

13 Chivimbiso chimwe nechimwe, nemhiko imwe neimwe yechisungo kurwadzisa mweya weupenyu, murume wake angazvisimbisa, kana murume wake angazvishaisa basa.

14 Asi kana murume wake akamunyararira chose zuva nezuva, ipapo anosimbisa zvivimbiso zvake zvose kana zvisungo zvake zvose zviri pamusoro pake; anozvisimbisa nokuti anomunyararira nezuva raanonzwa naro.

15 Asi kana akatongozvishaisa basa shure kwekunge anzwa, achatakura uipi hwake.

16 Izvi zvimiso Jehovha zvaakaraira Mozisi, pakati pemurume nemukadzi wake, pakati pababa nemwanasikana wavo, paudiki hwake mumba mababa vake.