ShonaTeam Numbers « 28 »

28Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi, achiti:

2 Raira vana vaIsraeri ugoti kwavari: Chipo changu, chingwa changu chechipo chemoto, hwema hunonhuhwira hwangu, muchachenjerera kupa kwandiri nenguva yacho yakatarwa.

3 Zvino uchati kwavari: Ichi chipo chemoto chamuchapa kuna Jehovha: Makwayana maviri egore rimwe, asina gwapa, zuva rimwe nerimwe, chive chipo chinopiswa nguva dzose.

4 Rimwe gwayana ucharigadzira mangwanani, uye rimwe gwayana ucharigadzira madekwani;

5 nechegumi cheefa yeupfu hwakatsetseka chive chipo chechidyiwa, hwakakanyiwa nechechina chehini yemafuta akasviniwa.

6 Chipo chinopiswa chenguva dzose, chakagadzwa pagomo reSinai kuva hwema hunonhuhwira, chipo chemoto kuna Jehovha.

7 Nechipo chacho chezvinwiwa zvichava chechina chehini chegwayana rimwe; uchadururira Jehovha chipo chezvinwiwa zvinodhaka panzvimbo tsvene.

8 Zvino rimwe gwayana ucharigadzira madekwani; sechipo chechidyiwa chemangwanani uye sechipo chechinwiwa chacho uchazvipa, chipo chemoto chehwema hunonhuhwira kuna Jehovha.

9 Uye nezuva resabata makwayana maviri egore rimwe, asina gwapa, nezvegumi zviviri zveupfu hwakatsetseka kuva chipo chechidyiwa, hwakakanyiwa nemafuta, nechipo chacho chechinwiwa;

10 chipo chinopiswa chesabata pasabata racho, pamusoro pechipo chinopiswa nguva dzose, nechipo chacho chechinwiwa.

11 Zvino pakuvamba kwemwedzi yenyu muchapa chipo chinopiswa kuna Jehovha: Nzombe diki mhuru dzemombe mbiri, negondohwe rimwe, makwayana manomwe egore rimwe, asina gwapa;

12 nezvegumi zvitatu zveupfu hwakatsetseka chive chipo chechidyiwa, hwakakanyiwa nemafuta, panzombe diki imwe; nezvegumi zviviri zveupfu hwakatsetseka chive chipo chechidyiwa, hwakakanyiwa nemafuta, pagondohwe rimwe;

13 uye ndeichi neichi chegumi cheupfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa nemafuta, chive chipo chechidyiwa, pagwayana rimwe; chive chipo chinopiswa, hwema hunonhuhwira, chipo chemoto kuna Jehovha.

14 Zvino zvipo zvazvo zvechinwiwa zvichava hafu yehini yewaini panzombe diki, nechetatu chehini pagondohwe, nechechina chehini pagwayana; ichi chipo chinopiswa chemwedzi mumwedzi wacho mumwedzi yose yegore.

15 Uye mbudzana yembudzi imwe igadzirwe kuva chipo chezvivi kuna Jehovha, pamusoro pechipo chinopiswa chenguva dzose, nechipo chacho chechinwiwa.

Mitambo mikuru

16 Zvino pamwedzi wekutanga nezuva regumi nemana remwedzi ipasika kuna Jehovha.

17 Zvino nezuva regumi nemashanu remwedzi uno uchava mutambo: Chingwa chisina kuviriswa chichadyiwa mazuva manomwe.

18 Nezuva rekutanga kuchava neungano yakadanwa tsvene; musaita chero basa revaranda;

19 asi muchapa chibairo chemoto, chipo chinopiswa kuna Jehovha: Nzombe diki mhuru dzemombe mbiri, negondohwe rimwe, nemakwayana manomwe egore rimwe, zvichava kwamuri zvisina chazvingapomerwa;

20 nechipo chazvo chechidyiwa, upfu hwakatsetseka hwakakanyiwa nemafuta; muchapa nezvegumi zvitatu panzombe diki, nezvegumi zviviri pagondohwe.

21 Icho neicho chegumi muchapa pagwayana rimwe, pamakwayana manomwe;

22 nenhongo imwe chive chipo chezvivi, kukuitirai chiyananiso.

23 Muchapa izvi kusingaverengwi chipo chinopiswa mangwanani chiri chechipo chinopiswa chenguva dzose.

24 Nenzira iyi muchagadzira zuva rimwe nerimwe, mazuva manomwe, chidyiwa chechipo chemoto, hwema hunonhuhwira kuna Jehovha; chichapiwa pamusoro pechipo chinopiswa nguva dzose, nechipo chacho chechinwiwa.

25 Zvino pazuva rechinomwe muchava neungano yakadanwa tsvene; musaita chero basa revaranda.

26 Uye nezuva rezvibereko zvekutanga, pamunouisa chipo chechidyiwa chitsva kuna Jehovha, pamavhiki enyu, muchava neungano yakadanwa tsvene; musaita chero basa revaranda.

27 Asi muchapa chipo chinopiswa kuva hwema hunonhuhwira kuna Jehovha: Nzombe diki mhuru dzemombe mbiri, gondohwe rimwe, makwayana manomwe egore rimwe;

28 nechipo chazvo chechidyiwa cheupfu hwakatsetseka hwakakanyiwa nemafuta; zvegumi zvitatu panzombe diki imwe, zvegumi zviviri pagondohwe rimwe;

29 icho neicho chegumi pagwayana rimwe, pamakwayana manomwe;

30 mbudzana yembudzi imwe, kukuitirai chiyananiso.

31 Muchagadzira izvi kusingaverengwi chipo chinopiswa nguva dzose, nechipo chacho chechidyiwa; zvive zvisina gwapa kwamuri, nezvipo zvako zvechinwiwa.