ShonaTeam Numbers « 27 »

Mirairo yekugarisa nhaka

27Zvino kwakaswedera vanasikana vaZerofehadhi mwanakomana waHeferi mwanakomana waGiriyadhi mwanakomana waMakiri mwanakomana waManase wemhuri dzaManase mwanakomana waJosefa; uye awa mazita evanasikana vake: Mahira, Nowa, naHogira, naMirika, naTiriza.

2 Zvino vakamira pamberi paMozisi, nepamberi paEriazari mupristi, nepamberi pemachinda, neungano yose, pamukova wetende rekusangana, vachiti:

3 Baba vedu vakafira murenje, asi ivo vaiva vasi pakati peboka revaya vakaunganira kupikisa Jehovha, paboka raKora; asi vakafira muchivi chavo, uye vasina vanakomana.

4 Sei zita rababa vedu richibviswa pakati pemhuri yavo nokuti vaiva vasina vanakomana? Tipei nhaka pakati pehama dzababa vedu.

5 Zvino Mozisi wakaisa nyaya yavo pamberi paJehovha.

6 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:

7 Vanasikana vaZerofehadhi vanotaura chokwadi; zvirokwazvo uchavapa mugove wenhaka pakati pehama dzababa vavo; uye uchapfuudzira kwavari nhaka yababa vavo.

8 Zvino uchataura kuvana vaIsraeri uchiti: Kana munhu akafa, uye asina mwanakomana, muchapfuudzira nhaka yake kumwanasikana wake.

9 Zvino kana asina mwanasikana, ipapo muchapa madzikoma nevanin'ina vake nhaka yake.

10 Zvino kana asina madzikoma nevanin'ina, ipapo muchapa madzikoma nevanin'ina vababa vake nhaka yake.

11 Kana baba vake vasina madzikoma nevanin'ina, ipapo muchapa hama yake iri pedo naye yerudzi rwake nhaka yake, uye ichava yake. Zvino chichava chimiso chemutongo pavana vaIsraeri, Jehovha sezvaakaraira Mozisi.

Mozisi anosarudza Joshua kuva mutungamiriri

12 Zvino Jehovha wakati kuna Mozisi: Kwira mugomo iri reAbharimu, ugoona nyika yandakapa vana vaIsraeri.

13 Kana waiona, iwewo uchaunganidzwa kuvanhu vako, saAroni mukoma wako wakaunganidzwa;

14 nokuti makapandukira murairo wangu murenje reZini, pakupikisa kweungano, kundiita mutsvene pamberi pemeso avo pamvura. Iyo mvura yeMeribha paKadheshi murenje reZini.

15 Zvino Mozisi wakataura kuna Jehovha achiti:

16 Jehovha, Mwari wemweya yenyama yose, ngaagadze murume pamusoro peungano iyi,

17 achabuda pamberi pavo, uye achapinda pamberi pavo, neachavatungamirira vabude, uye achavapinza; kuti ungano yaJehovha isaita semakwai asina mufudzi.

18 Zvino Jehovha wakati kuna Mozisi: Zvitorere Joshua, mwanakomana waNuni, murume maari mune Mweya wangu, ugoisa ruoko rwako pamusoro pake.

19 Zvino muise pamberi paEriazari mupristi uye pamberi peungano yose, ugomupa murairo pamberi pemeso avo.

20 Zvino uchaisa zverukudzo rwako paari, kuti vateerere, ungano yose yevana vaIsraeri.

21 Zvino achamira pamberi paEriazari mupristi, iye achamubvunzira semutongo weUrimi pamberi paJehovha; nemuromo wake vachabuda uye nemuromo wake vachapinda, iye nevana vaIsraeri vose vanaye, uye ungano yose.

22 Zvino Mozisi wakaita Jehovha sezvaakamuraira; zvino akatora Joshua ndokumuisa pamberi paEriazari mupristi, nepamberi peungano yose.

23 Ndokuisa maoko ake pamusoro pake, ndokumupa murairo, Jehovha sezvaakataura neruoko rwaMozisi.