ShonaTeam Numbers « 26 »

VaIsraeri, vanogona kurwa, vanoverengwa

26Zvino zvakaitika shure kwedenda, kuti Jehovha wakataura kuna Mozisi nekuna Eriazari mwanakomana waAroni mupristi achiti:

2 Tora uwandu hwose hweungano yose yevana vaIsraeri, kubva pamwanakomana wemakore makumi maviri zvichikwira, neimba yemadzibaba avo, vose vanogona kubudira kuhondo kwaIsraeri.

3 Zvino Mozisi naEriazari mupristi vakataura navo pamapani aMoabhu paJoridhani paJeriko, vachiti:

4Verengai kubva pamwanakomana wemakore makumi maviri zvichikwira; Jehovha sezvaakaraira Mozisi nevana vaIsraeri, vakabuda kubva panyika yeEgipita.

5 Rubheni, dangwe raIsraeri: Vanakomana vaRubheni: Hanoki, kwakabva mhuri yevaHanoki; kwaParu mhuri yevaParu;

6 kwaHezironi mhuri yevaHezironi; kwaKarimi mhuri yevaKarimi.

7 Idzi imhuri dzevaRubheni; nevakaverengwa kwavari vaiva zvuru makumi mana nezvitatu nemazana manomwe nemakumi matatu.

8 Nevanakomana vaParu: Eriabhu.

9 Nevanakomana vaEriabhu: Nemueri naDhatani naAbhiramu. Ndivo Dhatani naAbhiramu vaiva vakadanwa veungano, vakapikisa Mozisi naAroni paboka raKora, pavakapikisa Jehovha,

10 nyika ndokushamisa muromo wayo, ndokuvamedza pamwe naKora pakafa boka iro; paya moto pawakaparadza varume mazana maviri nemakumi mashanu, ivo ndokuva chiratidzo.

11 Asi vanakomana vaKora havana kufa.

12 Vanakomana vaSimioni nemhuri dzavo: KwaNemueri kwakabva mhuri yevaNemueri; kwaJamini mhuri yevaJamini; kwaJakini mhuri yevaJakini;

13 kwaZera mhuri yevaZera; kwaShauri mhuri yevaShauri.

14 Idzi imhuri dzevaSimioni, zvuru makumi maviri nezviviri nemazana maviri.

15 Vanakomana vaGadhi nemhuri dzavo: KwaZefoni kwakabva mhuri yevaZefoni; kwaHagi mhuri yevaHagi; kwaShuni mhuri yevaShuni;

16 kwaOzini mhuri yevaOzini; kwaEri mhuri yevaEri;

17 kwaArodhi mhuri yevaArodhi; kwaAreri mhuri yevaAreri.

18 Idzi imhuri dzevanakomana vaGadhi zvichienderana nevakaverengwa vavo, zvuru makumi mana nemazana mashanu.

19 Vanakomana vaJudha: Eri naOnani; Eri naOnani ndokufira munyika yeKenani.

20 Zvino vanakomana vaJudha nemhuri dzavo ndeava: KwaShera kwakabva mhuri yevaShera; kwaPerezi mhuri yevaPerezi; kwaZera mhuri yevaZera.

21 Zvino vanakomana vaPerezi vaiva: KwaHezironi kwakabva mhuri yevaHezironi; kwaHamuri mhuri yevaHamuri.

22 Idzi imhuri dzaJudha zvichienderana nevakaverengwa vavo, zvuru makumi manomwe nezvitanhatu nemazana mashanu.

23 Vanakomana vaIsasikari nemhuri dzavo: KwaTora kwakabva mhuri yevaTora; kwaPuwa mhuri yevaPuwa;

24 kwaJashubhi mhuri yevaJashubhi; kwaShimironi mhuri yevaShimironi.

25 Idzi imhuri dzaIsasikari zvichienderana nevakaverengwa vavo, zvuru makumi matanhatu nezvina nemazana matatu.

26 Vanakomana vaZebhuruni nemhuri dzavo: KwaSeredhi kwakabva mhuri yevaSeredhi; kwaEroni mhuri yevaEroni; kwaJahareeri mhuri yevaJahareeri.

27 Idzi imhuri dzevaZebhuruni zvichienderana nevakaverengwa vavo, zvuru makumi matanhatu nemazana mashanu.

28 Vanakomana vaJosefa nemhuri dzavo: Manase naEfuremu.

29 Vanakomana vaManase: KwaMakiri kwakabva mhuri yevaMakiri. Zvino Makiri wakabereka Giriyadhi; kwaGiriyadhi kwakabva mhuri yevaGiriyadhi.

30 Ava vanakomana vaGiriyadhi: KwaJezeri kwakabva mhuri yevaJezeri; kwaHereki mhuri yevaHereki;

31 uye kwaAsirieri mhuri yevaAsirieri; nekwaShekemu mhuri yevaShekemu;

32 uye kwaShemidha mhuri yevaShemidha; nekwaHeferi mhuri yevaHeferi.

33 Zvino Zerofehadhi mwanakomana waHeferi waiva asina vanakomana, asi vanasikana; uye mazita evanasikana vaZerofehadhi aiva Makira, naNowa, Hogira, Mirika, naTiriza.

34 Idzi imhuri dzaManase; uye vakaverengwa vavo, zvuru makumi mashanu nezviviri nemazana manomwe.

35 Ava vanakomana vaEfuremu nemhuri dzavo: KwaShutera kwakabva mhuri yevaShutera; kwaBhekeri mhuri yevaBhekeri; kwaTahani mhuri yevaTahani.

36 Uye ava vanakomana vaShutera: KwaErani kwakabva mhuri yevaErani.

37 Idzi imhuri dzevanakomana vaEfuremu zvichienderana nevakaverengwa vavo, zvuru makumi matatu nezviviri nemazana mashanu. Ava vanakomana vaJosefa nemhuri dzavo.

38 Vanakomana vaBhenjamini nemhuri dzavo: KwaBhera kwakabva mhuri yevaBhera; kwaAshibheri mhuri yevaAshibheri; kwaAhirami mhuri yevaAhirami;

39 kwaShefufami mhuri yevaShufami; kwaHufami mhuri yevaHufami.

40 Zvino vanakomana vaBhera vaiva Aridhi naNaamani; kwaAridhi mhuri yevaAridhi; kwaNaamani mhuri yevaNamaani.

41 Ava vanakomana vaBhenjamini nemhuri dzavo; uye vakaverengwa vavo vaiva zvuru makumi mana nezvishanu nemazana matanhatu.

42 Ava vanakomana vaDhani nemhuri dzavo: KwaShuhami kwakabva mhuri yevaShuhami. Idzi imhuri dzaDhani nemhuri dzavo.

43 Mhuri dzose dzevaShuhami zvichienderana nevakaverengwa vavo vaiva zvuru makumi matanhatu nezvina nemazana mana.

44 Vanakomana vaAsheri nemhuri dzavo: KwaJimina kwakabva mhuri yevaJimina; kwaIshivhi mhuri yevaIshivhi; kwaBheria mhuri yevaBheria.

45 Kuvanakomana vaBheria: KwaHebheri kwakabva mhuri yevaHebheri; kwaMarikieri mhuri yevaMarikieri.

46 Zvino zita remwanasikana waAsheri raiva Sera.

47 Idzi imhuri dzevanakomana vaAsheri zvichienderana nevakaverengwa vavo, zvuru makumi mashanu nezvitanhatu nemazana mana.

48 Vanakomana vaNafutari nemhuri dzavo: KwaJazeeri kwakabva mhuri yevaJazeri; kwaGuni mhuri yevaGuni;

49 kwaJezeri mhuri yevaJezeri; kwaShiremi mhuri yevaShiremi.

50 Idzi imhuri dzaNafutari zvichienderana nemhuri dzavo; nevakaverengwa vavo vaiva zvuru makumi mana nezvishanu nemazana mana.

51 Ava ndevakaverengwa vevana vaIsraeri: Zvuru mazana matanhatu nechuru chimwe nemazana manomwe nemakumi matatu.

52 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:

53 Kune ava nyika ichagoverwa kuva nhaka zvichienderana neuwandu hwemazita.

54 Kuvazhinji uchapa nhaka yavo yakawedzerwa uye kuvashoma uchapa nhaka yavo shoma; kune umwe neumwe kuchapiwa nhaka yake zvichienderana nevakaverengwa vake.

55 Zvakadaro nyika ichagoverwa nemujenya; zvichienderana nemazita endudzi dzemadzibaba avo vachagara nhaka.

56 Zvichienderana nemujenya nhaka yawo ichatsaurwa pakati pevazhinji nevashoma.

57 Zvino ava ndevakaverengwa vevaRevhi nemhuri dzavo: KwaGerishoni kwakabva mhuri yevaGerishoni; kwaKohati mhuri yevaKohati; kwaMerari mhuri yevaMerari.

58 Idzi imhuri dzevaRevhi: Mhuri yevaRibhini, mhuri yevaHebhuroni, mhuri yevaMahiri, mhuri yevaMushi, mhuri yevaKora. Kohati ndokubereka Amiramu.

59 Zvino zita remukadzi waAmiramu raiva Jokebhedhi mwanasikana waRevhi, waakaberekera Revhi muEgipita; ndokuberekera Amiramu Aroni naMozisi naMiriamu hanzvadzi yavo.

60 Zvino kuna Aroni kwakaberekerwa Nadhabhi, naAbhihu, Eriazari, naItamari.

61 Zvino Nadhabhi naAbhihu vakafa pavakapa moto usingazikanwi pamberi paJehovha.

62 Zvino avo vakaverengwa vavo vaiva zvuru makumi maviri nezvitatu, vanhurume vose kubva pane ane mwedzi zvichikwira; nokuti havana kuverengwa pakati pevana vaIsraeri, nokuti havana kupiwa nhaka pakati pevana vaIsraeri.

63 Ava ndevakaverengwa naMozisi naEriazari mupristi, vavakaverenga vana vaIsraeri pamapani aMoabhu, paJoridhani paJeriko.

64 Asi pakati peava paiva pasina murume kubva kune vakaverengwa naMozisi naAroni mupristi, pavakaverenga vana vaIsraeri murenje reSinai.

65 Nokuti Jehovha waiva ati pamusoro pavo: Zvirokwazvo vachafira murenje. Zvino hakuna kusara munhu kwavari kunze kwaKarebhu mwanakomana waJefune, naJoshua mwanakomana waNuni.