ShonaTeam Numbers « 25 »

VaIsraeri vanoita upombwe nekunamata zvifananidzo paShitimu

25Zvino Israeri wakagara muShitimu, vanhu ndokutanga kuita ufeve nevakunda veMoabhu.

2 Zvino vakadanira vanhu kuzvibairo zvavamwari vavo; vanhu ndokudya, ndokufugamira vamwari vavo.

3 Zvino Israeri wakazvibatanidza naBhaari-Peori; hasha dzaJehovha ndokupfutira Israeri.

4 Zvino Jehovha wakati kuna Mozisi: Tora misoro yose yevanhu, uiremberedze pamberi paJehovha pakatarisana nezuva, kuti kupfuta kwehasha dzaJehovha kudzoke kubva kuna Israeri.

5 Mozisi ndokuti kuvatongi vaIsraeri: Urayai umwe neumwe varume vake vakazvibatanidza naBhaari-Peori.

6 Zvino tarira, munhu wevana vaIsraeri wakauya ndokuuya kuhama dzake nemukadzi muMidhiani pamberi pemeso aMozisi nepamberi pemeso eungano yose yevana vaIsraeri vaiva vachichema pamukova wetende rekusangana.

7 Pinehasi, mwanakomana waEriazari, mwanakomana waAroni mupristi paakazviona, wakasimuka kubva pakati peungano ndokutora pfumo muruoko rwake,

8 ndokutevera murume muIsraeri mutende, ndokuvabaya vari vaviri, murume muIsraeri, nemukadzi nemudumbu rake; naizvozvo denda rakamiswa kubva pavana vaIsraeri.

9 Zvino vakafa mudenda iro vaiva zvuru makumi maviri nezvina.

10 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:

11 Pinehasi mwanakomana waEriazari mwanakomana waAroni mupristi wadzora hasha dzangu kubva kuvana vaIsraeri; nokuti waiva neshungu maererano neshungu dzangu pakati pavo, naizvozvo handina kuparadza vana vaIsraeri neshungu dzangu.

12 Naizvozvo uti: Tarira, ndinomupa sungano yangu yerugare;

13 uye achava nayo, nembeu yake inomutevera, isungano yeupristi husingaperi, nokuti ane shungu naMwari wake, ndokuitira vana vaIsraeri chiyananiso.

14 Zvino zita remurume wekwaIsraeri wakaurawa, wakaurawa pamwe nemukadzi muMidhiani, raiva Zimiri, mwanakomana waSaru, muchinda weimba yemadzibaba pakati pevaSimioni.

15 Nezita remukadzi muMidhiani wakaurawa raiva Kozibhi mwanasikana waZuri; iye waiva mukuru wevanhu veimba yemadzibaba paMidhiani.

16 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:

17 Tambudzai vaMidhiani, mugovarova;

18 nokuti vakakutambudzai nemano avo, avakakunyengerai nawo panyaya yaPeori nepanyaya yaKozibhi, mwanasikana wemuchinda wevaMidhiani, hanzvadzi yavo, wakaurawa nezuva redenda panyaya yaPeori.