ShonaTeam Numbers « 24 »

24Zvino Bharamu wakati aona kuti zvakanaka pameso aJehovha kuropafadza Israeri, haana kuendazve sepane dzimwe nguva kusangana neun'anga, asi wakataridza chiso chake kurenje.

2 Zvino Bharamu wakasimudza meso ake ndokuona Israeri agere nemarudzi ake; Mweya waMwari ndokuva pamusoro pake.

3 Zvino wakasimudza mufananidzo wake ndokuti: Chirevo chaBharamu mwanakomana waBheori, nechirevo chemurume weziso rake rakasvinura.

4 Chirevo chaiye anonzwa mashoko aMwari, anoona chiratidzo cheWemasimbaose, achiwa nechiso, uye akasvinudzwa meso ake.

5 Akanaka sei matende ako, Jakove, misha yako, Israeri!

6 Semipata zvakaparadzirwa, semabindu kunhivi dzerwizi, semagavakava Jehovha aakasima, semisidhari pedo nemvura.

7 Mvura inoyerera inobva pazvirongo zvake, nembeu yake zvichava pamvura zhinji; namambo wake achakurira Agagi, neumambo hwake huchazvisimudzira.

8 Mwari akamubudisa kubva Egipita; ane simba serakaita renyati; achadya vahedheni ivo vavengi vake, uye achavhuna mapfupa avo, nekuvabvoora nemiseve yake.

9 Azvambarara, anorara pasi seshumba uye seshumbakadzi; ndiani achamumutsa? Anokuropafadza ngaaropafadzwe, neanokutuka ngaatukwe.

10 Zvino hasha dzaBharaki dzakapfutira Bharamu, iye ndokuzvirova maoko; Bharaki ndokuti kuna Bharamu: Ndakudanira kutuka vavengi vangu, asi tarira, waropafadza nekuropafadza katatu aka.

11 Naizvozvo ikozvino iwe tizira kunzvimbo yako; ndaiti ndichakukudza nekukudza; asi tarira, Jehovha wakudzivirira kurukudzo.

12 Zvino Bharamu wakati kuna Bharaki: Handina kutaurawo kunhume dzako dzawakatuma kwandiri here ndichiti:

13 Kana Bharaki akandipa imba yake izere nesirivha negoridhe, handingagoni kudarika murairo waJehovha, kuita zvakanaka kana zvakaipa nemoyo wangu; zvinotaura Jehovha ndizvo zvandichataura?

14 Zvino ikozvino tarira, ndinoenda kuvanhu vekwangu; uya ndigokuraira kuti vanhu ava vachaitei kuvanhu vekwenyu pamazuva ekupedzisira.

15 Zvino wakasimudza mufananidzo wake ndokuti: Chirevo chaBharamu mwanakomana waBheori, nechirevo chemurume weziso rakasvinura.

16 Chirevo chaiye anonzwa mashoko aMwari, nekuziva zivo yeWekumusoro-soro, anoona chiratidzo cheWemasimbaose, achiwa, uye akasvinudzwa meso ake.

17 Ndichamuona, asi kwete ikozvino; ndichamutarisa, asi kwete pachiri pedo; kuchabuda nyeredzi kubva kuna Jakove, netsvimbo yeushe ichasimuka kubva kuna Israeri; ichabvovora miganhu yaMoabhu, nekuparadza vana vose vaSheti.

18 Zvino Edhomu ichava nhaka yake, neSeiri ichava nhaka yevavengi vake; asi Israeri achaita nesimba.

19 Kuchabva kuna Jakove achatungamirira, uye achaparadza wakasara muguta.

20 Paakatarisa Amareki, wakasimudza mufananidzo wake ndokuti: Amareki ndewekutanga wevahedheni, asi kuguma kwake kuparara nekusingaperi.

21 Paakatarisa vaKeni, wakasimudza mufananidzo wake ndokuti: Hwakasimba ugaro hwako, dendere rako wakariisa paruware.

22 Zvakadaro Kaini achaparadzwa, kusvika Ashuri akutapa.

23 Zvino wakasimudza mufananidzo wake ndokuti: Haiwa! Ndiani achararama kana Mwari achiita izvi?

24 Zvino zvikepe zvichabva kumahombekombe eKitimi, zvigorwadza Ashuri, nekurwadza Ebheri; naiyewo achaparadzwa nekusingaperi.

25 Zvino Bharamu wakasimuka ndokuenda ndokudzokera kunzvimbo yake; naBharaki akaendawo nenzira yake.