ShonaTeam Numbers « 23 »

23Zvino Bharamu wakati kuna Bharaki: Ndivakire pano aritari nomwe, ugondigadzirira pano nzombe nomwe nemakondohwe manomwe.

2 Bharaki ndokuita Bharamu sezvaakataura; Bharaki naBharamu ndokupa nzombe diki negondohwe paaritari imwe neimwe.

3 Zvino Bharamu wakati kuna Bharaki: Mira pachipo chako chinopiswa, asi ini ndichaenda; zvimwe Jehovha achauya kuzosangana neni; zvino chinhu chaanondiratidza ndichakuudza. Zvino wakaenda pakakwirira.

4 Zvino Mwari wakasangana naBharamu, iye ndokuti kwaari: Ndagadzira aritari nomwe uye ndapa nzombe diki negondohwe paaritari imwe neimwe.

5 Jehovha ndokuisa shoko mumuromo waBharamu, ndokuti: Dzokera kuna Bharaki ugotaura seizvi.

6 Zvino wakadzokera kwaari, uye tarira, amire pachipo chake chinopiswa, iye nemachinda ose aMoabhu.

7 Zvino wakasimudza mufananidzo wake ndokuti: Bharaki mambo waMoabhu wakandivinga kubva Siriya, pamakomo ekumabvazuva achiti: Uya nditukire Jakove, uye uya unyombe Israeri.

8 Ini ndingatuka sei Mwari waasina kutuka; uye ndinganyomba sei Jehovha waasina kunyomba?

9 Nokuti kubva panhongonya yemabwe ndinomuona, uye kubva pazvikomo ndinomutarisa; tarira, vanhu vachagara voga, uye havangaverengwi pakati pendudzi.

10 Ndiani angaverenga guruva raJakove, neuwandu hwechechina chaIsraeri? Mweya weupenyu wangu ngaufe rufu rwevakarurama, uye magumo angu ngaave seake!

11 Zvino Bharaki wakati kuna Bharamu: Wandiitei? Ndakutora kuti utuke vavengi vangu; zvino tarira, wavaropafadza nekuvaropafadza.

12 Zvino wakapindura ndokuti: Handifaniri kuchenjerera kutaura izvo Jehovha zvaanoisa mumuromo mangu here?

13 Zvino Bharaki wakati kwaari: Uya hako neni kune imwe nzvimbo paungavaona kubvapo; uchaona kuguma kwavo chete, uye haungavaoni vose; ugonditukira ivo kubva ipapo.

14 Zvino wakamutora akamuisa mumunda weZofimu, panhongonya yePisiga, ndokuvaka aritari nomwe, ndokupa nzombe diki negondohwe paaritari imwe neimwe.

15 Zvino wakati kuna Bharaki: Mira pano pachipo chako chinopiswa, zvino ini ndichasangana naJehovha uko.

16 Zvino Jehovha wakasangana naBharamu, ndokuisa shoko mumuromo make, ndokuti: Dzokera kuna Bharaki ugotaura seizvi.

17 Zvino asvika kwaari, tarira, amire pachipo chake chinopiswa, nemachinda aMoabhu anaye. Bharaki ndokuti kwaari: Jehovha wataurei?

18 Zvino wakasimudza mufananidzo wake ndokuti: Simuka Bharaki, ugonzwa; urereke nzeve kwandiri, iwe mwanakomana waZipori:

19 Mwari haasi munhu kuti areve nhema, kana mwanakomana wemunhu kuti ashanduke. Iye wakareva, haangaiti kanhi? Kana wakareva, haangasimbisi kanhi?

20 Tarira, ndagamuchira kuti ndiropafadze; zvino waropafadza, uye handizvidzosi.

21 Haana kutarisira chakaipa kuna Jakove; uye haana kuona kutsauka kuna Israeri; Jehovha Mwari wake anaye, nekudanidzira kwamambo kuri pakati pavo.

22 Mwari wakavabudisa Egipita; ane rakaita sesimba renyati.

23 Zvirokwazvo hakuna un'anga hunopikisa Jakove, kana kuvuka kunopikisa Israeri. Ikozvino zvicharehwa pamusoro paJakove nepamusoro paIsraeri kuti Mwari wakazviita.

24 Tarirai, vanhu vachasimuka seshumbakadzi, vazvisimudze seshumba. Havangarari pasi kusvika vadya chakajimbiwa, uye vanwa ropa revakaurawa.

25 Zvino Bharaki wakati kuna Bharamu: Zvino usatongovatuka kana kutongovaropafadza.

26 Asi Bharamu wakapindura, ndokuti kuna Bharaki: Handina kukuudza here ndichiti: Zvose Jehovha zvaanotaura, ndizvo zvandichaita?

27 Zvino Bharaki wakati kuna Bharamu: Uya hako, ndichakuendesa kune imwe nzvimbo; zvimwe zvingarurama pameso aMwari kuti unditukire ivo kubva ipapo.

28 Zvino Bharaki wakatora ndokuisa Bharamu panhongonya yePeori, pakatarisa pasi pachiso cherenje.

29 Zvino Bharamu wakati kuna Bharaki: Ndivakire pano aritari nomwe, undigadzirire pano nzombe diki nomwe nemakondohwe manomwe.

30 Bharaki ndokuita Bharamu sezvaakataura, ndokupa nzombe diki negondohwe paaritari imwe neimwe.