ShonaTeam Numbers « 22 »

Bharamu anoropafadza Israeri

22Zvino vana vaIsraeri vakasimuka ndokudzika matende pamapani eMoabhu kurutivi runo rwaJoridhani paJeriko.

2 Zvino Bharaki, mwanakomana waZipori, wakaona zvose Israeri zvaakaitira vaAmori.

3 Moabhu ndokutya kwazvo chiso chevanhu ava, nokuti vaiva vazhinji; Moabhu ndokuvhunduka nekuda kwevana vaIsraeri.

4 Zvino Moabhu wakati kuvakuru veMidhiani: Zvino boka iri richananzva zvose zvakatipoteredza, semombe inonanzva uswa hwemafuro. Zvino Bharaki, mwanakomana waZipori waiva ari mambo waMoabhu panguva iyo.

5 Naizvozvo wakatuma nhume kuna Bharamu mwanakomana waBheori kuPetori iri parwizi rwenyika yevana vevanhu vekwake kunomudana achiti: Tarira kune vanhu vakabuda kubva Egipita, tarira, vakafukidzira chiso chenyika, uye vogara pakanangana neni.

6 Naizvozvo uya hako ikozvino, nditukire vanhu ava; nokuti vane simba kundipfuura; zvimwe tingagona kuvarova uye ndivadzingire kunze kwenyika; nokuti ndinoziva kuti wawaropafadza waropafadzwa, uye wawatuka watukwa.

7 Zvino vakuru vaMoabhu nevakuru vaMidhiani vakabva vane mubairo wekuvuka muruoko rwavo, ndokusvika kuna Bharamu, ndokutaura kwaari mashoko aBharaki.

8 Iye ndokuti kwavari: Rarai pano usiku huno, ndigokudzoserai shoko, Jehovha sezvaachataura kwandiri. Machinda aMoabhu ndokugara naBharamu.

9 Zvino Mwari wakauya kuna Bharamu ndokuti: Varume vaunavo ndivana ani?

10 Bharamu ndokuti kuna Mwari: Bharaki mwanakomana waZipori mambo waMoabhu watuma shoko kwandiri achiti:

11 Tarira, vanhu vakabuda kubva Egipita vakafukidza chiso chenyika; uya ikozvino unditukire ivo; zvimwe ndingagona kurwa navo, nekuvadzinga.

12 Mwari ndokuti kuna Bharamu: Usaenda navo; usatuka vanhu ava; nokuti vakaropafadzwa.

13 Zvino Bharamu wakamuka mangwanani ndokuti kumachinda aBharaki: Endai kunyika yenyu, nokuti Jehovha aramba kunditendera kuenda nemwi.

14 Zvino machinda aMoabhu akasimuka, ndokuenda kuna Bharaki ndokuti: Bharamu waramba kuenda nesu.

15 Zvino Bharaki wakatumazve zvekare machinda, mazhinji uye anokudzwa kupfuura ivo.

16 Zvino vakasvika kuna Bharamu ndokuti kwaari: Saizvozvo Bharaki mwanakomana waZipori anoti: Usadziviswa hako kuuya kwandiri.

17 Nokuti ndichakukudza zvikuru kwazvo, uye ndichaita zvose zvauchareva kwandiri; naizvozvo uya hako, nditukire vanhu ava.

18 Asi Bharamu wakapindura ndokuti kuvaranda vaBharaki: Kana dai Bharaki akandipa imba yake izere nesirivha negoridhe, handingagoni kudarika shoko raJehovha Mwari wangu, kuita zvidiki kana zvikuru.

19 Naizvozvo ikozvino nemwi garai henyu pano usiku huno, kuti ndizive kuti Jehovha achati chiizve kwandiri.

20 Zvino Mwari wakauya kuna Bharamu usiku ndokuti kwaari: Kana varume vakauya kuzokudana, simuka uende navo, asi koga shoko randichataura kwauri, iro uchariita.

21 Zvino Bharamu wakamuka mangwanani ndokuisa chigaro pambongoro hadzi yake ndokuenda nemachinda aMoabhu.

22 Zvino hasha dzaMwari dzakapfuta nokuti wakaenda; mutumwa waJehovha ndokuzviisa munzira kuva muvengi naye. Zvino waiva akatasva mbongoro hadzi yake, nevaranda vake vaviri vanaye.

23 Zvino mbongoro hadzi yakaona mutumwa waJehovha amire munzira, nemunondo wake wakavhomorwa muruoko rwake; mbongoro hadzi ndokutsaukira kunze kwenzira, ndokuenda mumunda; Bharamu ndokurova mbongoro hadzi kuitendeusira kunzira.

24 Zvino mutumwa waJehovha wakamira panzira yakamanikana yeminda yemizambiringa, rusvingo kurutivi runo nerusvingo kune rumwe rutivi.

25 Mbongoro hadzi payakaona mutumwa waJehovha yakazvimbandidzira kurusvingo ndokumbandidzira rutsoka rwaBharamu parusvingo; iye ndokuirovazve.

26 Zvino mutumwa waJehovha wakaenderera mberi, ndokumira pakamanikana, paiva pasina nzira yekutendeukira kurudyi kana kuruboshwe.

27 Mbongoro hadzi payakaona mutumwa waJehovha yakarara pasi, pasi paBharamu. Zvino hasha dzaBharamu dzakapfuta, ndokurova mbongoro hadzi netsvimbo.

28 Zvino Jehovha wakazarura muromo wembongoro hadzi, iyo ndokuti kuna Bharamu: Ndakakuitirei kuti undirove katatu aka?

29 Bharamu ndokuti kumbongoro hadzi: Nokuti wakandiita chiseko; dai panga pane munondo muruoko rwangu, ndingadai ndakuuraya ikozvino.

30 Mbongoro hadzi ndokuti kuna Bharamu: Ko ini handizi mbongoro hadzi yako yawakatasva kubva pandakava yako kusvika zuva rino here? Ndakambova netsika yekuramba kukuitirai saizvozvo here? Iye ndokuti: Kwete.

31 Zvino Jehovha wakafukura meso aBharamu, iye ndokuona mutumwa waJehovha amire munzira, nemunondo wake wakavhomorwa muruoko rwake; zvino wakagwadamisa musoro wake ndokukotamisa chiso chake pasi.

32 Mutumwa waJehovha ndokuti kwaari: Waroverei mbongoro hadzi yako katatu aka? Tarira, ini ndabuda kuva mudzivisi, nokuti nzira yako yakatsauka kwandiri.

33 Zvino mbongoro hadzi yandiona ndokutsauka mberi kwangu katatu aka; kunze kwekuti yatsauka mberi kwangu, zvirokwazvo ikozvino ndingadai ndakuurayawo, uye ndaichengeta iri mhenyu.

34 Zvino Bharamu wakati kumutumwa waJehovha: Ndatadza, nokuti ndange ndisingazivi kuti umire munzira uchindipikisa; naizvozvo ikozvino, kana zvakaipa pameso ako, ndichadzokera.

35 Zvino mutumwa waJehovha wakati kuna Bharamu: Enda nevarume ava, asi koga shoko randichataura kwauri, ndiro rauchataura. Naizvozvo Bharamu akaenda nemachinda aBharaki.

36 Bharaki akati anzwa kuti Bharamu wasvika, akabuda kunosangana naye paIri-Moabhu riri pamuganhu weArinoni, riri pamugumo wemuganhu.

37 Zvino Bharaki wakati kuna Bharamu: Handina kutuma kwazvo nhume kwauri ndichikudana here? Sei usina kusvika kwandiri? Handigoni kwazvo kukukudza here?

38 Bharamu ndokuti kuna Bharaki: Tarira, ndasvika kwauri. Ikozvino ndinogona kwazvo kutaura chipi nechipi here? Shoko Mwari raanoisa mumuromo mangu ndiro randichataura.

39 Zvino Bharamu wakaenda naBharaki ndokusvika paKiriati-Huzoti.

40 Bharaki ndokubaya nzombe nemakwai ndokutumira kuna Bharamu nekumachinda aiva naye.

41 Zvino zvakaitika mangwanani kuti Bharaki wakatora Bharamu ndokumukwidza panzvimbo dzakakwirira dzaBhaari, kuti aone aripo magumo evanhu.