ShonaTeam Numbers « 21 »

Vana vaIsraeri vanorwiswa nevaKenani

21Zvino mambo weAradhi muKenani waiva agere kunyika yekuchamhembe wakanzwa kuti Israeri wouya nenzira yevashori, ipapo akarwisa Israeri, ndokutapa nhapwa kubva kwavari.

2 Israeri ndokupika mhiko kuna Jehovha, ndokuti: Kana mukapa kwazvo vanhu ava muruoko rwangu, ipapo ndichaparadza kwazvo maguta avo.

3 Jehovha ndokuteerera kuinzwi raIsraeri, ndokupa vaKenani kwavari; zvino vakavaparadza chose nemaguta avo; naizvozvo wakatumidza nzvimbo iyo Horima.

4 Zvino vakabva pagomo reHori nenzira yeGungwa Dzvuku kuti vanyenyeredze nyika yaEdhomu; mweya weupenyu wevanhu ndokuodzwa nekuda kwenzira.

5 Vanhu ndokutaura vachipikisana naMwari uye vachipikisana naMozisi, vakati: Makatikwidzirei kutibudisa muEgipita kuzofira murenje? Nokuti hapana zvekudya uye hapana mvura; zvino mweya weupenyu wedu unosema zvekudya izvi zvisingabatsiri.

6 Zvino Jehovha wakatuma nyoka dzinopisa pakati pevanhu ndokuruma vanhu; vanhu vazhinji vaIsraeri ndokufa.

7 Naizvozvo vanhu vakauya kuna Mozisi ndokuti: Takatadza, nokuti takataura tichipikisa Jehovha nekupikisa imwi; nyengeterai kuna Jehovha kuti abvise nyoka kwatiri. Mozisi ndokunyengeterera vanhu.

8 Zvino Jehovha wakati kuna Mozisi: Uzviitire nyoka inopfuta, ugoiisa padanda; zvino zvichaitika kuti umwe neumwe anorumwa paanoitarisa achararama.

9 Zvino Mozisi wakaita nyoka yendarira, ndokuiisa padanda; zvino zvakaitika kuti kana nyoka ikaruma munhu, paanotarisa nyoka yendarira, wakararama.

10 Zvino vana vaIsraeri vakabva ndokudzika matende paObhoti.

11 Zvino vakabva Obhoti ndokudzika matende paIje-Abharimi murenje rakanangana neMoabhu nechekumabvazuva.

12 Vakabvapo vakadzika matende pamupata weZeredhi.

13 Vakabvapo vakadzika matende mhiri kweArinoni rwaiva murenje rwuchibuda kumiganhu yevaAmori; nokuti Arinoni muganhu waMoabhu, pakati paMoabhu nevaAmori.

14 Naizvozvo zvinonzi mubhuku reHondo dzaJehovha: Whahebhi paSufa, nehova dzeArinoni,

15 nemateru ehova dzinosvika kuugaro hweAri, dzinotevedza muganhu waMoabhu.

16 Zvino vakabvapo vakaenda Bheeri; ndiro tsime Jehovha raakareva kuna Mozisi achiti: Unganidza vanhu, zvino ndichavapa mvura.

17 Ipapo Israeri wakaimba rwiyo urwu: Vhaira, iwe tsime; imwi riimbirei.

18 Machinda akachera tsime iri, makurukota evanhu akarichera, nemupi wemurairo, netsvimbo dzawo. Zvino kubva murenje vakaenda Matana;

19 ndokubva Matana kuenda Naharieri; ndokubva Naharieri kuenda Bhamoti;

20 zvino kubva Bhamoti kumupata uri kubani raMoabhu, kunhongonya yePisiga rakatarisa pasi pachiso cherenje.

21 Zvino Israeri wakatuma nhume kuna Sihoni mambo wevaAmori achiti:

22 Rega ndipfuure panyika yako; hatingatsaukiri kuminda kana kuminda yemizambiringa; hatinganwi mvura yetsime; tichafamba nenzira yamambo kusvika tapfuura pamiganhu yako.

23 Asi Sihoni haana kutendera Israeri kupfuura nepamiganhu yake; asi Sihoni wakaunganidza vanhu vake vose, ndokubudira kunorwa naIsraeri kurenje, zvino wakasvika paJahazi ndokurwa naIsraeri.

24 Zvino Israeri wakamurova nekwakapinza kwemunondo ndokuva mwene wenyika yake, kubva paArinoni kusvika paJabhoki kusvika pavana vaAmoni; nokuti muganhu wevana vaAmoni waiva wakasimba.

25 Zvino Israeri wakatora maguta ose awa; Israeri ndokugara mumaguta ose evaAmori muHeshibhoni nemumisha yaro yose.

26 Nokuti Heshibhoni raiva guta raSihoni mambo wevaAmori; iye waiva arwa namambo wekutanga waMoabhu, ndokutora nyika yake yose kubva muruoko rwake kusvika paArinoni.

27 Naizvozvo vanoshandisa tsumo vanoti: Uyai muHeshibhoni, guta raSihoni ngarivakwe, risimbiswe.

28 Nokuti moto wakabuda muHeshibhoni, murazvo paguta raSihoni, wakaparadza Ari weMoabhu, madzishe enzvimbo dzakakwirira dzaArinoni.

29 Une nhamo iwe Moabhu, maparadzwa, haiwa vanhu veKemoshi! Wakapa vanakomana kuva vatizi, nevanasikana vake muutapwa, kuna Sihoni mambo wevaAmori.

30 Takavapfura; Heshibhoni rakaparara kusvika kuDhibhoni; zvino takaaparadza kusvika kuNofa rinosvika kuMedhebha.

31 Israeri ndokugara munyika yevaAmori.

32 Zvino Mozisi wakatuma kunoshora Jazeri; zvino vakatapa misha yaro, ndokudzingira kunze vaAmori vaivapo.

33 Zvino vakadzoka ndokukwira nenzira yeBhashani; Ogi mambo weBhashani ndokuvabudira, iye nevanhu vake vose, kuhondo paEdhirei.

34 Zvino Jehovha wakati kuna Mozisi: Usamutya, nokuti ndamukumikidza muruoko rwako, nevanhu vake vose, nenyika yake; zvino uchamuitira sezvawakaitira Sihoni mambo wevaAmori waigara paHeshibhoni.

35 Naizvozvo vakamurova nevanakomana vake nevanhu vake vose, kusvika kusina wakapona wakasara kwaari; vakagara nhaka yenyika yake.