ShonaTeam Numbers « 20 »

Mvura yeMeribha

20Ipapo vana vaIsraeri, ungano yose, vakasvika murenje reZini nemwedzi wekutanga; vanhu ndokugara muKadheshi; Miriamu ndokufirapo, ndokuvigwapo.

2 Zvino paiva pasina mvura yeungano; zvino vakaunganira Mozisi naAroni.

3 Vanhu ndokupikisana naMozisi, ndokutaura, vachiti: Dai takafa panguva yakafa hama dzedu pamberi paJehovha!

4 Makauisirei ungano yaJehovha murenje rino, kuti isu nezvipfuwo zvedu tifiremo?

5 Zvino makatikwidzirei kubva muEgipita, kutiunza panzvimbo iyi yakaipa? Haizi nzvimbo yembeu kana yemaonde kana yemizambiringa kana yemapomegiranati*; uye hapana mvura yekunwa.

6 Zvino Mozisi naAroni vakabva pamberi peungano kuenda kumukova wetende rekusangana ndokuwira pasi nezviso zvavo; kubwinya kwaJehovha ndokuonekwa kwavari.

7 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:

8 Tora tsvimbo, ugounganidza ungano, iwe naAroni mukuru wako, mugotaura kudombo pamberi pemeso avo, zvino richapa mvura yaro, uye iwe uchavabudisira mvura kubva padombo, kuti ugopa ungano nezvipfuwo zvavo zvinwe.

9 Zvino Mozisi wakatora tsvimbo kubva pamberi paJehovha sezvaakamuraira.

10 Zvino Mozisi naAroni vakaunganidza ungano pamberi pedombo, ndokuti kwavari: Inzwai ikozvino, imwi vapanduki, tichakubudisirai mvura kubva padombo iri here?

11 Zvino Mozisi wakasimudza ruoko rwake, ndokurova dombo kaviri netsvimbo yake; mvura zhinji ndokubuda, ungano ikanwa, nezvipfuwo zvavo.

12 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi nekuna Aroni achiti: Nokuti hamuna kunditenda, kundiita mutsvene pameso evana vaIsraeri, naizvozvo hamungapinzi ungano iyi munyika yandakavapa.

13 Iyi imvura yeMeribha, nokuti vana vaIsraeri vakapikisana naJehovha; zvino akaitwa mutsvene mavari.

14 Zvino Mozisi wakatuma nhume kuna mambo weEdhomu kubva kuKadheshi achiti: Ndizvo zvinoreva munin'ina wako Israeri: Iwe unoziva nhamo dzose dzakatiwira;

15 kuti madzibaba edu akaburukira Egipita, uye takagara muEgipita mazuva mazhinji, vaEgipita ndokutiitira zvakaipa isu nemadzibaba edu.

16 Patakachema kuna Jehovha, wakanzwa inzwi redu, ndokutuma mutumwa ndokutibudisa paEgipita; zvino tarirai, tiri muKadheshi, guta riri pamucheto wemuganhu wenyika yako.

17 Tirege hako tipfuure nepanyika yako; hatingaguri nepaminda, kana nepaminda yemizambiringa; uye hatinganwi mvura yematsime; tichafamba nenzira yamambo; hatingatsaukiri kurudyi kana kuruboshwe, kusvika tapfuura muganhu wako.

18 Zvino Edhomu wakati kwaari: Haungapfuuri nekwandiri, zvimwe ndingakubudira nemunondo.

19 Vana vaIsraeri ndokuti kwaari: Tichafamba nenzira huru; uye kana ini nezvipfuwo zvangu tikanwa pamvura yako, ipapo ndichapa mutengo wayo; koga ndichapfuura nemakumbo angu pasina chimwe.

20 Iye ndokuti: Haungapfuuri. Zvino Edhomu wakamubudira nevanhu vazhinji uye neruoko rwune simba.

21 Naizvozvo Edhomu wakaramba kutendera Israeri kupfuura nepamuganhu wake. Ipapo Israeri wakatsauka kwaari.

Kufa kwaAroni

22 Zvino vana vaIsraeri, ungano yose, vakabva paKadheshi vakasvika pagomo reHori.

23 Jehovha ndokutaura kuna Mozisi nekuna Aroni mugomo reHori, pamucheto wenyika yaEdhomu, achiti:

24 Aroni achaunganidzwa kuvanhu vake; nokuti haangapindi munyika yandakapa vana vaIsraeri, nokuti makapandukira inzwi rangu pamvura yeMeribha.

25 Tora Aroni nemwanakomana wake Eriazari, ugovakwidza pagomo reHori.

26 Zvino ukurure Aroni nguvo dzake, ugodzipfekedza Eriazari mwanakomana wake; zvino Aroni achaunganidzwa kuvanhu vake, uye achafirapo.

27 Zvino Mozisi wakaita Jehovha sezvaakaraira; zvino vakakwira mugomo reHori pamberi pemeso eungano yose.

28 Zvino Mozisi wakakurura Aroni nguvo dzake ndokudzipfekedza Eriazari mwanakomana wake; Aroni ndokufirapo pamusoro wegomo. Mozisi naEriazari ndokuburuka mugomo.

29 Zvino ungano yose yakati yaona kuti Aroni wafa, vakachemera Aroni mazuva makumi matatu, imba yose yaIsraeri.