ShonaTeam Numbers « 19 »

Kunatswa kwevasina kuchena

19Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi nekuna Aroni achiti:

2 Ichi chimiso chemurairo Jehovha waakaraira achiti: Taura kuvana vaIsraeri kuti vakuvigire tsiru dzvuku risina gwapa, risina chipomerwa pariri, pasina kumboiswa joko pariri.

3 Zvino mucharipa kuna Eriazari mupristi, kuti aribudisire kunze kwemusasa, ndokuriuraya pamberi pechiso chake.

4 Zvino Eriazari mupristi achatora paropa raro nemunwe wake, ndokusasa zveropa raro pakatarisa mberi kwetende rekusangana kanomwe.

5 Zvino kuchapiswa tsiru pamberi pemeso ake; kuchapiswa dehwe raro nenyama yaro neropa raro pamwe nemazvizvi aro.

6 Zvino mupristi achatora rutanda rwemusidhari, nehisopi, nezvitsvuku, ndokukandira pakati pekupiswa kwetsiru.

7 Zvino mupristi achasuka nguvo dzake, uye achashambidza muviri wake mumvura, uye pashure achapinda mumusasa; mupristi agova asina kuchena kusvika madekwani.

8 Neanoripisa achasuka nguvo dzake mumvura, nekushambidza muviri wake mumvura, agova asina kuchena kusvika madekwani.

9 Zvino murume wakachena achaunganidza madota etsiru, ndokuaisa kunze kwemusasa panzvimbo yakachena, kuti achengeterwe ungano yevana vaIsraeri, ive mvura yekuparadzanisa; kunatswa kwechivi.

10 Zvino anounganidza madota etsiru achasuka nguvo dzake, agova asina kuchena kusvika madekwani; chichava chimiso nekusingaperi kuvana vaIsraeri nekumweni agere semutorwa pakati pavo.

11 Anogunzva wakafa, chitunha chemweya weupenyu chemunhu upi neupi, achava asina kuchena mazuva manomwe.

12 Iye achazvichenura nayo nezuva retatu, uye nezuva rechinomwe achava wakachena; asi kana asingazvichenuri nezuva retatu, haangavi akachena nezuva rechinomwe.

13 Ani nani anogunzva wakafa, chitunha chemweya weupenyu chemunhu wakafa, akasazvichenura, anosvibisa tabhenakeri yaJehovha; uye mweya weupenyu uyu uchagurwa kubva kwaIsraeri; nokuti mvura yekuparadzanisa haina kusaswa paari, achava asina kuchena; kusachena kwake kuchiri pamusoro pake.

14 Uyu murairo panofa munhu mutende: Umwe neumwe anopinda mutende neumwe neumwe ari mutende achava asina kuchena mazuva manomwe.

15 Nemudziyo umwe neumwe wakashama usina chifunhiro chakasungirwa pauri uchava usina kuchena.

16 Uye ani nani anogunzva wakaurawa mubani nemunondo, kana wakafa, kana pfupa remunhu, kana bwiro, achava asina kuchena mazuva manomwe.

17 Zvino vachatorera asina kuchena pamadota ekupiswa kwekuchenurwa kwechivi, mvura inoyerera igoiswa pamusoro pawo mumudziyo.

18 Zvino murume wakachena achatora hisopi ndokuinyika mumvura, ndokuisasa patende nepamidziyo yose nepavanhu vaivapo nepane akagunzva pfupa kana wakaurawa kana wakafa kana bwiro.

19 Zvino wakachena achasasa pane asina kuchena nezuva retatu nepazuva rechinomwe; zvino nezuva rechinomwe achamuchenura; iye agosuka nguvo dzake nekuzvishambidza mumvura, agova wakachena madekwani.

20 Asi murume asina kuchena akasazvichenura, mweya weupenyu uyu uchagurwa kubva pakati peungano, nokuti wasvibisa imba tsvene yaJehovha; mvura yekuparadzanisa haina kusaswa paari; haana kuchena.

21 Zvino chichava chimiso nekusingaperi kwavari, kuti anosasa mvura yekuparadzanisa achasuka nguvo dzake; uye anogunzva mvura yekuparadzanisa achava asina kuchena kusvika madekwani.

22 Nechipi nechipi asina kuchena chaanogunzva chichava chisina kuchena; uye mweya weupenyu unochigunzva uchava usina kuchena kusvika madekwani.