ShonaTeam Numbers « 18 »

Mabasa evapristi nevaRevhi, nekurarama kwavo

18Zvino Jehovha wakati kuna Aroni: Iwe nevanakomana vako neimba yababa vako pamwe newe muchatakura kuipa kweimba tsvene; uye iwe nevanakomana vako pamwe newe muchatakura kuipa kweupristi hwenyu.

2 Nehama dzako, rudzi rwaRevhi, rudzi rwababa vako, dziswededzewo pamwe newe, kuti vabatanidzwe newe, vakubatsire. Asi iwe nevanakomana vako pamwe newe muchava pamberi petende rechipupuriro.

3 Zvino vachachengeta faniro yako nefaniro yetende rose; asi havangaswederi panhumbi dzeimba tsvene nepaaritari, kuti vasafa, ivo nemwiwo.

4 Zvino vachabatanidzwa newe ndokuchengeta faniro yetende rekusangana, pashumiro yose yetende; asi mweni haaswederi kwauri.

5 Zvino muchachengeta faniro yeimba tsvene, nefaniro yearitari, kuti kusazovazve nekutsamwa pamusoro pevana vaIsraeri.

6 Zvino ini, tarirai, ndakatora hama dzenyu vaRevhi kubva pakati pevana vaIsraeri. Chipo kwamuri, vakapiwa kuna Jehovha kuita shumiro yetende rekusangana.

7 Naizvozvo iwe nevanakomana vako pamwe newe muchachengetedza upristi hwenyu pachinhu chimwe nechimwe chearitari nepachiri mukati mevheiri; zvino muchashumira; ndapa upristi kwamuri seshumiro yechipo; asi mutorwa anoswedera achaurawa.

8 Zvino Jehovha wakataura kuna Aroni achiti: Iniwo, tarira, ndakupa kuchengetedzwa kwechipo changu chinosimudzwa chezvinhu zvose zvitsvene zvevana vaIsraeri; ndizvipe iwe nekuda kwekuzodzwa, nekuvanakomana vako, kuva chimiso chekusingaperi.

9 Izvi zvichava zvako kubva pachitsvene chezvitsvene, kubva pamoto: Zvipo zvavo zvose, zvipo zvavo zvose zvechidyiwa, nezvipo zvavo zvose zvezvivi, nezvipo zvavo zvose zvemhosva, zvavachadzosera kwandiri, zvitsvene zvezvitsvene kwauri nekuvanakomana vako.

10 Muchazvidya panzvimbo tsvene-tsvene; murume umwe neumwe achazvidya; zvichava zvitsvene kwauri.

11 Zvino izvi ndezvako: Chipo chinosimudzwa chechipo chavo nezvipo zvose zvinozunguzirwa zvevana vaIsraeri; ndakazvipa kwauri nekuvanakomana vako nekuvanasikana vako vanewe, nechimiso nekusingaperi; umwe neumwe wakachena mumba mako achazvidya.

12 Zvakanakisisa zvose zvemafuta nezvakanakisisa zvose zvewaini nezvezviyo, zvibereko zvitsva zvazvo zvavanopa Jehovha, ndazvipa kwauri.

13 Zvibereko zvekutanga zvezvose zviri panyika yavo vachauisa kuna Jehovha zvichava zvako; umwe neumwe wakachena mumba mako achachidya.

14 Chose chakasanangurwa kwaIsraeri chichava chako.

15 Chose chinozarura chizvaro panyama yose yavanouisa kuna Jehovha, pavanhu kana pazvipfuwo, zvichava zvako; zvakadaro dangwe remunhu ucharidzikinura zvirokwazvo; nedangwe remhuka isina kuchena ucharidzikinura.

16 Nezvichadzikinurwa uchazvidzikinura kubva pamwanakomana wemwedzi, semaonero ako, nemari yemashekeri mashanu, zvichienzaniswa neshekeri reimba tsvene, riri magera makumi maviri.

17 Asi dangwe remombe kana dangwe regwai kana dangwe rembudzi haungadzikinuri, zvitsvene; uchasasa ropa razvo pamusoro pearitari, nekupisa mafuta azvo chive chipo chemoto chehwema hunonhuhwira kuna Jehovha.

18 Nenyama yazvo ichava yako, sechityu chinozunguzirwa nebandauko rerudyi ndezvako.

19 Zvipo zvose zvinosimudzwa zvezvinhu zvitsvene, vana vaIsraeri zvavanopa kuna Jehovha, ndakapa iwe nevanakomana vako nevanasikana vako vanewe nechimiso nekusingaperi; isungano yemunyu nekusingaperi pamberi paJehovha, kwauri nekumbeu yako pamwe newe.

20 Zvino Jehovha wakataura kuna Aroni achiti: Iwe haungavi nenhaka panyika yavo, uye haungavi nemugove pakati pavo; ndiri mugove wako nenhaka yako pakati pevana vaIsraeri.

21 Zvino tarira ndapa vana vaRevhi chegumi chose paIsraeri kuva nhaka, neshumiro yavo yavanoita, shumiro yetende rekusangana.

22 Zvino vana vaIsraeri ngavarege kuswederazve kutende rekusangana, kutakura chivi ndokufa.

23 Asi vaRevhi vachaita shumiro yetende rekusangana, ivo vachatakura kuipa kwavo; chimiso nekusingaperi pamazera enyu; uye havangavi nenhaka pakati pevana vaIsraeri.

24 Nokuti zvegumi zvevana vaIsraeri zvavanopa kuna Jehovha, zvive chipo chinosimudzwa, ndakazvipa kuvaRevhi kuva nhaka; naizvozvo ndakati kwavari: Havangavi nenhaka pakati pevana vaIsraeri.

25 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:

26 Taura kuvaRevhi seizvi, ugoti kwavari: Kana muchitora kuvana vaIsraeri zvegumi zvandakupai kubva kwavari kuva nhaka yenyu, zvino muchapa Jehovha chipo chinosimudzwa chazvo, chive chegumi chechegumi ichi.

27 Zvino chipo chenyu chinosimudzwa chichaverengerwa kwamuri sezviyo zvepaburiro uye sekuzara kwechisviniro chewaini.

28 Saizvozvo imwiwo muchapa chipo chinosimudzwa chaJehovha pazvegumi zvenyu zvose zvamunogamuchira pavana vaIsraeri; uye muchapa pazviri chipo chinosimudzwa chaJehovha kuna Aroni mupristi.

29 Pazvipo zvenyu zvose muchapa chipo chinosimudzwa chimwe nechimwe chaJehovha, pane zvakanakisisa zvazvo, chikamu chazvo chitsvene kubva pachiri.

30 Naizvozvo uchati kwavari: Kana masimudza chakanakisisa chazvo kubva pazviri, zvichaverengerwa vaRevhi sezvibereko zvepaburiro, uye sezvibereko zvewaini.

31 Zvino muchaidya panzvimbo imwe neimwe, imwi neimba yenyu; nokuti mubairo wenyu weshumiro yenyu mutende rekusangana.

32 Zvino hamungatakuri chivi nekuda kwazvo, kana masimudza pazviri zvakanakisisa zvazvo; uye hamungasvibisi zvinhu zvitsvene zvevana vaIsraeri, zvimwe mungafa.