ShonaTeam Numbers « 17 » |
Tsvimbo yaAroni
17Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:
2 Taura kuvana vaIsraeri, ugotora kubva kune umwe neumwe wavo tsvimbo zvichienderana neimba yemadzibaba, pamachinda avo ose zvichienderana neimba yemadzibaba avo, tsvimbo gumi nembiri. Nyora zita reumwe neumwe patsvimbo yake.
3 Zvino uchanyora zita raAroni patsvimbo yaRevhi; nokuti tsvimbo imwe ichava yemusoro weimba yemadzibaba avo.
4 Zvino uchadziisa mutende rekusangana pamberi pechipupuriro, pandinosangana nemwi.
5 Zvino zvichati tsvimbo yemurume wandichasarudza ichabuka, uye ndichagumisa kubva pandiri kugunun'una kwevana vaIsraeri kwavanokugunun'unirai nako.
6 Zvino Mozisi wakataura kuvana vaIsraeri; nemachinda ose avo akamupa tsvimbo, imwe tsvimbo kune umwe neumwe muchinda, zvichienderana nedzimba dzemadzibaba avo, tsvimbo gumi nembiri; netsvimbo yaAroni yaiva pakati petsvimbo dzavo.
7 Mozisi ndokuisa tsvimbo pamberi paJehovha mutende rechipupuriro.
8 Zvino kwakati chifume Mozisi wakapinda mutende rechipupuriro, zvino tarira, tsvimbo yaAroni yeimba yaRevhi yakabuka, ndokubudisa mabukira, ndokubudisa maruva, ndokubereka maarimondi*.
9 Zvino Mozisi wakabudisira tsvimbo dzose kubva pamberi paJehovha kuvana vaIsraeri vose; zvino vakatarira vakatora umwe neumwe tsvimbo yake.
10 Zvino Jehovha wakati kuna Mozisi: Dzosera tsvimbo yaAroni pamberi pechipupuriro, ichengeterwe chiratidzo kune vakandipandukira; kuti upedze kugunun'una kwavo kwandiri, kuti vasafa.
11 Zvino Mozisi wakaita Jehovha sezvaakamuraira, ndizvo zvaakaita.
12 Zvino vana vaIsraeri vakataura kuna Mozisi vachiti: Tarira, tofa, topera, topera tose.
13 Umwe neumwe anoswedera, anoswedera kutabhenakeri yaJehovha achafa; tichapera kufa kanhi?