ShonaTeam Numbers « 16 »

Kora, Dhatani naAbhiramu vanomukira Mozisi naAroni

16Zvino Kora, mwanakomana waIzari, mwanakomana waKohati, mwanakomana waRevhi, naDhatani naAbhiramu vanakomana vaEriabhu, naOni mwanakomana waPereti, vanakomana vaRubheni, vakatora varume.

2 Ndokusimuka pamberi paMozisi, nevamwe vevana vaIsraeri, machinda mazana maviri nemakumi mashanu eungano, vakasanangurwa veungano, varume vakakurumbira.

3 Vakaunganira kuna Mozisi nekuna Aroni, ndokuti kwavari: Zvawandisa kwamuri, ungano yose zvairi tsvene, umwe neumwe wavo, uye Jehovha ari pakati pavo; zvino munozvikudzirei pamusoro peboka raJehovha?

4 Zvino Mozisi wakati azvinzwa akawira pasi nechiso chake.

5 Ndokutaura kuna Kora nekuboka rake rose achiti: Kuchiidza Jehovha acharatidza kuti ndiani ari wake uye kuti ndiani mutsvene, uye waachaswededza kwaari; iye waanotsaura, achazomuswededza kwaari.

6 Itai izvi: Zvitorerei hadyana dzezvipfungaidzo zvinonhuhwira, Kora neboka rake rose;

7 muise moto madziri ndokuisa zvipfungaidzo zvinonhuhwira pamusoro padzo pamberi paJehovha mangwana. Zvino zvichava kuti murume Jehovha waachasarudza achava mutsvene. Zvawandisa kwamuri imwi vanakomana vaRevhi.

8 Zvino Mozisi wakati kuna Kora: Inzwai henyu imwi vanakomana vaRevhi:

9 Chinhu chidiki kwamuri here kuti Mwari waIsraeri wakakuparadzanisai kubva paungano yaIsraeri kukuswededzai kwaari, kuita basa retabhenakeri yaJehovha, nekumira pamberi peungano kuvashandira?

10 Zvino wakakuswededza, nemadzikoma ako ose vanakomana vaRevhi vanewe. Zvino munotsvakawo upristi here?

11 Nekuda kweizvozvi iwe neboka rako maunganira kupikisana naJehovha. Zvino Aroni ndiani zvamunomugunun'unira?

12 Zvino Mozisi wakatuma kunodana Dhatani naAbhiramu vanakomana vaEriabhu. Asi vakati: Hatikwiri.

13 Chinhu chidiki here kuti wakatikwidza kubva munyika inoyerera mukaka neuchi kuti utiurayire murenje; zvino newe wozviita ishe kwazvo pamusoro pedu here?

14 Uye hauna kutiisa munyika inoyerera mukaka neuchi, kana kutipa nhaka yeminda neyeminda yemizambiringa; zvino ungatumbura meso evarume ava here? Hatikwiri.

15 Zvino Mozisi wakatsamwa kwazvo, ndokuti kuna Jehovha: Musarangarira chipo chavo; handina kutora mbongoro imwe kubva kwavari, uye handina kuitira umwe wavo zvakaipa.

16 Mozisi ndokuti kuna Kora: Iwe neboka rako rose, ivai pamberi paJehovha, iwe naivo naAroni, mangwana.

17 Torai umwe neumwe hadyana yake yezvipfungaidzo zvinonhuhwira, mugoisa zvipfungaidzo zvinonhuhwira madziri, mugodziuisa pamberi paJehovha, umwe neumwe hadyana yake yezvipfungaidzo zvinonhuhwira, hadyana dzezvipfungaidzo zvinonhuhwira mazana maviri nemakumi mashanu; iwewo naAroni, umwe neumwe hadyana yake yezvipfungaidzo zvinonhuhwira.

18 Zvino vakatora umwe neumwe hadyana yake yezvipfungaidzo zvinonhuhwira, ndokuisa moto madziri, akaisawo zvipfungaidzo zvinonhuhwira pamusoro padzo, ndokumira pamukova wetende rekusangana, pamwe naMozisi naAroni.

19 Kora ndokuunganidza ungano yose kupikisana navo pamukova wetende rekusangana. Uye kubwinya kwaJehovha kwakaonekwa kuungano yose.

20 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi nekuna Aroni achiti:

21 Zvitsaurei mubude paungano iyi, kuti ndivapedze mukubwaira kweziso.

22 Zvino vakawira pasi nezviso zvavo ndokuti: Mwari, Mwari wemweya yenyama yose, kwatadza munhu umwe, zvino motsamwira ungano yose here?

23 Jehovha ndokutaura kuna Mozisi achiti:

24 Taura kuungano uchiti: Simukai mubve pakapoteredza tabhenakeri yaKora, Dhatani, naAbhiramu.

25 Zvino Mozisi wakasimuka ndokuenda kuna Dhatani naAbhiramu; vakuru vaIsraeri ndokumutevera.

26 Zvino wakataura kuungano achiti: Ibvai henyu pamatende evarume ava vakaipa, musabata chinhu chavo, zvimwe mungapedzwa muzvivi zvavo zvose.

27 Naizvozvo vakasimuka kubva patabhenakeri yaKora, Dhatani, naAbhiramu kumativi ose; Dhatani naAbhiramu ndokubuda, vakamira pamukova wematende avo, nevakadzi vavo nevana vavo nevana vavo vadiki.

28 Zvino Mozisi akati: Ndizvo zvamuchaziva nazvo kuti Jehovha wakandituma kuita mabasa awa ose; nokuti hazvisi zvepfungwa dzangu.

29 Kana ava vakafa serufu rwevanhu vose, kana vakashanyirwa nekushanyirwa kwevanhu vose, Jehovha haana kundituma.

30 Asi kana Jehovha akasika chinhu chitsva, zvino nyika ikashamisa muromo wayo, ndokuvamedza, nezvose zvavo, vakaburukira mugomba vari vapenyu, ipapo muchaziva kuti varume ava vakazvidza Jehovha.

31 Zvino zvakaitika paakapedza kutaura mashoko awa ose, kuti nyika yaiva pasi pavo yakatsemuka.

32 Nyika ndokushamisa muromo wayo, ndokuvamedza, nedzimba dzavo, nevanhu vose vaiva vari vaKora, nenhumbi dzose.

33 Zvino vakanyura mugomba vari vapenyu ivo nezvose zvavo; ivhu rikavafutsira, vakaparara kubva pakati peungano.

34 Zvino Israeri wose waiva akavakomba akatiza pakuchema kwavo, nokuti vakati: Zvimwe nyika ingatimedza.

35 Zvino kwakabuda moto kubva kuna Jehovha, ukaparadza varume mazana maviri nemakumi mashanu vaipisira zvipfungaidzo zvinonhuhwira.

36 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:

37 Taura kuna Eriazari, mwanakomana waAroni mupristi, kuti anonge hadyana dzezvipfungaidzo zvinonhuhwira pakati pekutsva, iwe ugoparadzira moto kure, nokuti itsvene.

38 Hadyana dzezvipfungaidzo zvinonhuhwira zvevatadzi ava vanopikisana nemweya yeupenyu yavo, ngavadziite marata akafara ave chifukidziro chearitari; nokuti vakadzipa pamberi paJehovha, naizvozvo itsvene; zvino dzichava chiratidzo kuvana vaIsraeri.

39 Zvino Eriazari mupristi wakatora hadyana dzezvipfungaidzo zvinonhuhwira dzendarira, dzavaipa nadzo ivo vakapiswa, dzikaitwa marata echifukidziro chearitari;

40 chive chirangaridzo kuvana vaIsraeri, kuti mutorwa, asati ari wembeu yaAroni, asaswedera kupisa zvipfungaidzo zvinonhuhwira pamberi paJehovha, kuti arege kuva saKora uye seboka rake; Jehovha sezvaakataura kwaari neruoko rwaMozisi.

41 Asi chifume ungano yose yevana vaIsraeri yakagunun'unira Mozisi naAroni, vachiti: Imwi makauraya vanhu vaJehovha.

42 Zvino zvakaitika ungano yaungana kupikisana naMozisi nekupikisana naAroni, kuti vakatarisa kutende rekusangana, zvino tarira, gore rakarifukidza, nekubwinya kwaJehovha kwakaonekwa.

43 Mozisi naAroni ndokuuya pamberi petende rekusangana.

44 Jehovha ndokutaura kuna Mozisi achiti:

45 Simukai mubve pakati peungano iyi, kuti ndivapedze sepakubwaira kweziso. Ivo ndokuwira pasi nezviso zvavo.

46 Zvino Mozisi wakati kuna Aroni: Tora hadyana yezvipfungaidzo zvinonhuhwira, ugoisamo moto unobva paaritari, nekuisa zvipfungaidzo zvinonhuhwira, zvino enda nekukurumidza kuungano, ugovaitira chiyananiso; nokuti kunobuda kutsamwa kubva mberi kwaJehovha; denda ratanga.

47 Aroni ndokuitora Mozisi sezvaaiva ataura, ndokumhanyira mukati meungano, zvino tarira, denda rakatanga pakati pevanhu; iye ndokuisa zvipfungaidzo zvinonhuhwira, ndokuitira vanhu chiyananiso.

48 Zvino wakamira pakati pevakafa nevapenyu; denda ndokumiswa.

49 Zvino avo vaiva vafa nedenda vaiva zvuru gumi nezvina nemazana manomwe, pasina vaiva vafa nenyaya yaKora.

50 Zvino Aroni wakadzokera kuna Mozisi kumukova wetende rekusangana; denda ndokumiswa.