ShonaTeam Numbers « 14 »

VaIsraeri vanomukira Jehovha

14Zvino ungano yose yakasimudza ndokupa inzwi rayo; vanhu ndokuchema usiku ihwohwo.

2 Nevana vaIsraeri vose vakagunun'unira Mozisi naAroni; ungano yose ndokuti kwavari: Dai takafira munyika yeEgipita! Kana: Dai takafira murenje rino!

3 Zvino sei Jehovha akatiuisa kunyika ino, tigowa nemunondo? Vakadzi vedu nevana vedu vachava vadzimbiwa. Hazvingavi zvakanaka kwatiri kuti tidzokere kuEgipita here?

4 Zvino vakati umwe kune umwe: Ngatigadzei mutungamiriri, tigodzokera kuEgipita.

5 Mozisi naAroni ndokuwa nezviso zvavo pamberi peboka rose reungano yevana vaIsraeri.

6 NaJoshua mwanakomana waNuni, naKarebhu mwanakomana waJefune, veavo vakanoshora nyika, vakabvarura nguvo dzavo.

7 Ndokutaura kuungano yose yevana vaIsraeri vachiti: Nyika yatakagura mairi kuishora, inyika yakanaka kwazvo-kwazvo.

8 Kana Jehovha achifara nesu, ipapo achatiisa kunyika iyi, ndokuipa kwatiri; nyika inoyerera mukaka neuchi.

9 Koga musapandukira Jehovha, uye imwi musatya vanhu venyika iyo, nokuti ivo izvekudya zvedu; mumvuri wavo wabva kwavari, uye Jehovha anesu, musavatya.

10 Asi ungano yose yakataura kuvataka nemabwe. Kubwinya kwaJehovha ndokuonekwa mutende rekusangana kuvana vaIsraeri vose.

11 Zvino Jehovha wakati kuna Mozisi: Kusvika rinhi vanhu ava vachindizvidza? Uye kusvika rinhi vasinganditendi nezvishamiso zvose zvandakaita pakati pavo?

12 Ndichavarova nedenda, nekuvatorera nhaka, ndikuite rudzi rukuru rune simba pana ivo.

13 Mozisi ndokuti kuna Jehovha: Zvino vaEgipita vachazvinzwa; nokuti makakwidza vanhu ava pakati pavo nesimba renyu;

14 uye vachaudza vagari venyika ino. Vakanzwa kuti imwi Jehovha muri pakati pevanhu ava; nokuti imwi Jehovha munoonekwa chiso nechiso, uye gore renyu rinomira pamusoro pavo, nemwi munovatungamirira masikati mushongwe yegore, nepausiku mushongwe yemoto.

15 Zvino mukauraya vanhu ava semunhu umwe, ndudzi dzakanzwa mukurumbira wenyu dzichataura dzichiti:

16 Nokuti Jehovha wakakonewa kuisa vanhu ava kunyika yaakavapikira, saka akavauraya murenje.

17 Zvino ikozvino ndinokumbira kuti simba raIshe wangu rive guru, sezvamakataura, muchiti:

18 Jehovha anononoka kutsamwa, uye mukuru panyasha, achikanganwira zvakaipa nekudarika, asi haangatongoregeri ane mhosva, anotsiva kuipa kwemadzibaba pavana, parudzi rwechitatu neparwechina.

19 Ndinokumbira, kanganwirai zvakaipa zvevanhu ava seukuru hwenyasha dzenyu, uye sezvamakakanganwira vanhu ava kubva Egipita kusvika ikozvino.

20 Jehovha ndokuti: Ndakanganwira maererano neinzwi rako.

21 Asi zvirokwazvo, ndichirarama, nyika yose ichazara nekubwinya kwaJehovha.

22 Nokuti varume ava vose vakaona kubwinya kwangu nezviratidzo zvangu zvandakaita muEgipita nemurenje, vakandiidza kagumi aka, uye vakasateerera inzwi rangu,

23 zvirokwazvo havachaoni nyika yandakapikira madzibaba avo; uye hakuna umwe wevakandizvidza achaiona.

24 Asi muranda wangu Karebhu, nokuti umwe mweya waiva anaye, ndokunditevera zvakazara, ndichamupinza munyika maakambopinda; nevana vake vachadya nhaka yayo.

25 Zvino vaAmareki nevaKenani vaigara mumupata uyo; mangwana dzokai, imwi mubve muende kurenje nenzira yeGungwa Dzvuku.

26 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi nekuna Aroni achiti:

27 Kusvika rinhi paungano iyi yakaipa inondigunun'unira? Ndakanzwa kugunun'una kwevana vaIsraeri kwavakandigunun'unira nako.

28 Uti kwavari: Ndichirarama, anoreva Jehovha, zvirokwazvo sezvamakataura munzeve dzangu, ndizvo zvandichakuitirai.

29 Zvitunha zvenyu zvichawira murenje rino; nevose vakaverengwa venyu, zvichienderana neuwandu hwenyu hwose, kubva pazera remakore makumi maviri zvichikwira, vakandigunun'unira,

30 zvirokwazvo, imwi hamuchapindi munyika yandapikira kukugarisai mairi, kunze kwaKarebhu mwanakomana waJefune, naJoshua mwanakomana waNuni.

31 Asi vana venyu vamakati vachadzimbiwa, ndivo vandichapinza; uye vachaziva nyika yamakaramba.

32 Asi imwi, zvitunha zvenyu zvichawira murenje rino.

33 Zvino vana venyu vachava vafudzi murenje makore makumi mana, vakatakura ufeve hwenyu, kusvika zvitunha zvenyu zvaparadzwa murenje.

34 Maererano neuwandu hwemazuva amakashora nawo nyika, mazuva makumi mana, zuva pagore, zuva pagore, muchatakura kuipa kwenyu, makore makumi mana, mugoziva kufuratira kwangu.

35 Ini Jehovha ndakataura: Zvirokwazvo ndichazviita kuungano iyi yose yakaipa, yakaungana kupikisana neni; murenje rino vachaparadzwa, uye vachafirapo.

36 Zvino varume Mozisi vaakatuma kunoshora nyika, vakadzoka ndokuita kuti ungano yose imugunun'unire, nekuuisa nhema dzakaipa pamusoro penyika iyo,

37 avawo varume vakauya nenhema dzakaipa maererano nenyika iyo vakafa nedenda pamberi paJehovha.

38 Asi Joshua mwanakomana waNuni naKarebhu mwanakomana waJefune vakararama pavarume avo vakanoshora nyika.

39 Zvino Mozisi wakareva mashoko awa kuvana vaIsraeri vose; vanhu ndokuungudza kwazvo.

40 Zvino vakamuka mangwanani-ngwanani, vakakwira kunhongonya yegomo, vachiti: Tarirai, tiri pano, uye tichakwira kunzvimbo Jehovha yaakataura, nokuti tatadza.

41 Mozisi ndokuti: Munodarikirei murairo waJehovha? Nokuti hazvingabudiriri.

42 Musakwira, nokuti Jehovha haasi pakati penyu; kuti murege kurohwa pamberi pevavengi venyu.

43 Nokuti vaAmareki nevaKenani varipo mberi kwenyu; zvino muchawa nemunondo, nokuti makadzoka pakutevera Jehovha, naizvozvo Jehovha haachavi nemwi.

44 Asi vakazvikudza kukwira kunhongonya yegomo; asi areka yesungano yaJehovha naMozisi hazvina kubuda mukati memusasa.

45 Ipapo vaAmareki nevaKenani vaiva vagere mugomo iro vakaburuka, ndokuvarova nekuvadzingirira kusvika kuHorima.