ShonaTeam Numbers « 13 »

Vashori gumi nevaviri vanotumwa kuKenani

13Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:

2 Iwe tuma varume kuti vanoshora nyika yeKenani, yandinopa vana vaIsraeri; utume murume umwe werudzi rumwe nerumwe rwemadzibaba avo, wose ari mutungamiriri pakati pavo.

3 Zvino Mozisi wakavatuma vabva murenje reParani, nekuraira kwaJehovha; vose varume avo vaiva misoro yevana vaIsraeri.

4 Zvino awa mazita avo: Vekurudzi rwaRubheni, Shamua mwanakomana waZakuri.

5 Vekurudzi rwaSimioni, Shafati mwanakomana waHori.

6 Vekurudzi rwaJudha, Karebhu mwanakomana waJefune.

7 Vekurudzi rwaIsasikari, Igari mwanakomana waJosefa.

8 Vekurudzi rwaEfuremu, Hoshea mwanakomana waNuni.

9 Vekurudzi rwaBhenjamini, Paruti mwanakomana waRafu.

10 Vekurudzi rwaZebhuruni, Gadhieri mwanakomana waSodhi.

11 Vekurudzi rwaJosefa: Vekurudzi rwaManase, Gadhi, mwanakomana waSusi.

12 Vekurudzi rwaDhani, Amieri mwanakomana waGemari.

13 Vekurudzi rwaAsheri, Seturi mwanakomana waMikayeri.

14 Vekurudzi rwaNafutari, Nabhi mwanakomana waVhofusi.

15 Vekurudzi rwaGadhi, Geueri mwanakomana waMaki.

16 Awa mazita evarume Mozisi vaakatuma kunoshora nyika. Mozisi ndokutumidza Hoshea mwanakomana waNuni kuti Joshua.

17 Mozisi ndokuvatuma kunoshora nyika yeKenani, ndokuti kwavari: Kwirai nenzira iyi nechekuchamhembe, mukwire mumakomo;

18 mugonoona nyika, kuti yakadini, nevanhu vanogara mairi, kana vakasimba, kana madera, kana vashoma, kana vazhinji;

19 uye kuti yakadini nyika yavagere mairi, kana yakanaka kana yakaipa; uye kuti akadini maguta avanogara maari, kana mumisasa kana munhare;

20 uye kuti nyika yakadini, kana yakaorera kana chimhamhare, kana mune miti kana kwete; uye mutsunge moyo, ndokutora kubva pachibereko chenyika iyo. Zvino mazuva aiva mazuva ezvibereko zvekutanga zvemazambiringa.

21 Zvino vakakwira vakanoshora nyika, kubva murenje reZini kusvika Rehobhu, pavanopinda Hamati.

22 Zvino vakakwira nekuchamhembe, ndokusvika paHebhuroni; paiva pana Ahimani, Sheshai, naTarimai, vana vaAnaki. Zvino Hebhuroni rakavakwa makore manomwe kutangira Zoani paEgipita.

23 Zvino vakasvika pamupata weEshikori, uye kubva ipapo vakatema davi raiva nesumbu rimwe remazambiringa, vakaritakura padanda pakati pevanhu vaviri; uye vakatora pamapomegiranati* nepamaonde.

24 Zvino nzvimbo iyo yakatumidzwa mupata weEshikori nekuda kwesumbu remazambiringa vana vaIsraeri ravakagura kubva ipapo.

25 Zvino vakadzoka kubva kunoshora nyika shure kwemazuva makumi mana.

26 Zvino vakaenda vakasvika kuna Mozisi nekuna Aroni nekuungano yose yevana vaIsraeri, kurenje reParani kuKadheshi, ndokudzosa shoko kwavari nekuungano yose, ndokuvaratidza zvibereko zvenyika iyo.

27 Zvino vakamuudza ndokuti: Takasvika kunyika yamakatituma kwairi; uye zvirokwazvo inoyerera mukaka neuchi; uye izvi ndizvo zvibereko zvayo.

28 Zvakadaro vanhu vakasimba vagere munyika iyo, nemaguta akakombwa nemasvingo, makuru kwazvo; uye takaonapo vana vaAnaki.

29 VaAmareki vagere munyika yechamhembe, nevaHiti nevaJebhusi nevaAmori vagere mumakomo; nevaKenani vagere pagungwa nekurutivi rwaJoridhani.

30 Zvino Karebhu wakanyaradza vanhu pamberi paMozisi ndokuti: Ngatikwire zvekukwira, tidye nhaka yayo, nokuti tinogona kuikunda.

31 Asi varume vakwira naye vakati: Hatigoni kukwirira vanhu avo, nokuti vakasimba kutipfuura.

32 Ndokuuisa shoko rakaipa pamusoro penyika yavaiva vashora kuvana vaIsraeri, vachiti: Nyika yatagura nemairi kuishora inyika inopedza vanhu vanogara mukati mayo; uye vanhu vose vatakaona mairi varume vakakura kwazvo.

33 Zvino takaonapo vanhu vane simba, vana vaAnaki, pavane simba; uye pameso edu taiva takaita semhashu, taiva takadaro nepameso avo.