ShonaTeam Numbers « 12 »

Miriamu anorohwa nemaperembudzi nokuti iye naAroni vakamukira Mozisi

12Zvino Miriamu naAroni vakataura vachipokana naMozisi nekuda kwemukadzi muItiyopiya waaiva awana; nokuti waiva awana mukadzi muItiyopiya.

2 Zvino vakati: Zvirokwazvo Jehovha wakataura naMozisi oga here? Haana kutaurawo nesu here? Jehovha ndokuzvinzwa.

3 Zvino murume Mozisi waiva munyoro kwazvo kupfuura vanhu vose vaiva pachiso chenyika.

4 Zvino Jehovha wakataura pakarepo kuna Mozisi nekuna Aroni nekuna Miriamu: Budirai imwi vatatu kutende rekusangana. Vatatu ndokubuda.

5 Zvino Jehovha wakaburuka mushongwe yegore, ndokumira pamukova wetende, ndokudana Aroni naMiriamu; ivo vaviri vakabuda.

6 Zvino wakati: Inzwai ikozvino mashoko angu; kana kune muporofita pakati penyu, ini Jehovha ndichazvizivisa kwaari nechiratidzo, ndichataura naye muhope.

7 Muranda wangu Mozisi haana kudaro; wakatendeka paimba yangu yose.

8 Ndinotaura naye muromo nemuromo, uye pachena, uye kwete munhaurwa dzisinganzwisisiki; uye achaona chimiro chaJehovha; naizvozvo sei maiva musingatyi kutaura muchipokana nemuranda wangu, muchipokana naMozisi?

9 Zvino hasha dzaJehovha dzakavapfutira, iye ndokubva.

10 Zvino gore rakabva patende; zvino tarira, Miriamu ava nemaperembudzi, semagada echando; Aroni ndokutarira kuna Miriamu, zvino, tarira ava nemaperembudzi.

11 Zvino Aroni wakati kuna Mozisi: Haiwa, ishe wangu, musaisa henyu chivi pamusoro pedu, chatakaita upenzi nacho uye chatakatadza nacho.

12 Ngaarege kuva sewakafa, anoti kana achibuda mudumbu ramai vake hafu yenyama yake yakadyiwa.

13 Zvino Mozisi wakachema kuna Jehovha achiti: Haiwa Mwari, muporesei henyu.

14 Jehovha ndokuti kuna Mozisi: Dai baba vake vaiva vamuisa mate kwazvo pachiso chake, angadai asina kunyara mazuva manomwe here? Ngaavharirwe panze pemusasa mazuva manomwe, shure kweizvozvo ngaagamuchirwezve.

15 Zvino Miriamu wakavharirwa kunze kwemusasa mazuva manomwe; vanhu ndokusafamba kusvika Miriamu agamuchirwazve.

16 Zvino shure kweizvozvo vanhu vakabva paHazeroti ndokudzika matende murenje reParani.