ShonaTeam Numbers « 11 »

Vanhu vanonyunyuta paTabhera

11Zvino vanhu vakati vachinyunyuta, zvaiva zvakaipa munzeve dzaJehovha; zvino Jehovha wakati azvinzwa, hasha dzake dzikapfuta; moto waJehovha ndokupfuta pakati pavo, ndokuparadza pamucheto wemusasa.

2 Zvino vanhu vakachema kuna Mozisi; Mozisi ndokunyengetera kuna Jehovha; moto ukadzimwa.

3 Zvino wakatumidza zita renzvimbo iyo Tabhera, nokuti moto waJehovha wakapfuta pakati pavo.

Vanhu vanonyunyutazve paKibhuroti-Hatava; vanopiwa zvihuta

4 Zvino zvaunga zvakasangana zvaiva zviri pakati pavo vakashuva chishuvo; naizvozvo vana vaIsraeri vakachemawo zvekare misodzi ndokuti: Ndiani achatipa nyama kuti tidye?

5 Tinorangarira hove dzatakadya muEgipita pachena, magaka, nemavisi, nerikisi*, nehanyanisi, negariki*.

6 Asi ikozvino mweya weupenyu wedu unooma, hapana chinhu zvachose, kunze kwemana* iyi pamberi pemeso edu.

7 Zvino mana yaiva yakaita sembeu yekorianderi*, nekutarisika kwayo kwakaita sekutarisika kwebhedhora*.

8 Vanhu vaifamba-famba ndokuunganidza ndokukuya pamakuyo kana kutswa mumaturi, ndokubika muhari, ndokuita makeke nayo; uye kunaka kwayo kwaiita sekunaka kwemuto wemafuta.

9 Kana dova richiwira pamusasa usiku, mana yaiwa pamusoro pawo.

10 Zvino Mozisi wakanzwa vanhu vachichema misodzi padzimba dzavo, umwe neumwe pamukova wetende rake; zvino hasha dzaJehovha dzikapfuta zvikuru; ndokuva zvakaipa pameso aMozisi.

11 Mozisi ndokuti kuna Jehovha: Makarwadzisirei muranda wenyu, uye ndakaregerei kuwana nyasha pameso enyu, kuti muise mutoro wevanhu ava vose pamusoro pangu?

12 Ini ndakatora mimba yevanhu vose ava here? Ndini ndakavabereka here, kuti muti kwandiri: Vatakure pachipfuva chako, semureri wechirume anotakura mwana anoyamwa, uvaise kunyika yamakapikira kumadzibaba avo?

13 Ndichawanepi nyama yekupa vanhu ava vose? Nokuti vanondichemera vachiti: Tipe nyama kuti tidye.

14 Ini handigoni kutakura vanhu ava vose ndoga, nokuti zvinondiremera kwazvo.

15 Zvino kana mandiitira saizvozvo, ndiurayei zvekundiuraya henyu, kana ndawana nyasha pameso enyu, ndigorega kuona zvakaipa zvangu.

16 Zvino Jehovha wakati kuna Mozisi: Ndiunganidzire varume makumi manomwe vevakuru vaIsraeri, vaunoziva kuti vakuru vevanhu, nevatariri vavo; ugouya navo kutende rekusangana, kuti vamirepo newe.

17 Zvino ndichaburuka ndigotaura newe ipapo; zvino ndichatsaura kubva pamweya uri pamusoro pako, ndigoisa pamusoro pavo; zvino vachatakura mutoro wevanhu pamwe newe, kuti iwe urege kutakura woga.

18 Zvino uti kuvanhu: Zviitirei vatsvene mangwana, nokuti muchadya nyama; nokuti makachema munzeve dzaJehovha muchiti: Ndiani achatipa nyama tidye? Nokuti zvaiva zvakatinakira muEgipita. Naizvozvo Jehovha achakupai nyama, uye muchadya.

19 Hamungadyi zuva rimwe, kwetewo mazuva maviri, kwetewo mazuva mashanu, kwetewo mazuva gumi, kwetewo mazuva makumi maviri.

20 Kusvika pamwedzi wose, kusvika yabuda kumhino dzenyu, ndokusemesa kwamuri; nokuti makaramba Jehovha ari pakati penyu, mukachema pamberi pake muchiti: Takabudirei kubva muEgipita?

21 Asi Mozisi wakati: Vanhu vetsoka vandiri pakati pavo zvuru mazana matanhatu, zvino moti: Ndichavapa nyama, kuti vadye mwedzi wose!

22 Makwai nemombe zvichabairwa ivo kuti zvivaringane here? Kana vachaunganidzirwa hove dzose dzegungwa kuti dzivaringane here?

23 Zvino Jehovha wakati kuna Mozisi: Ikozvino ruoko rwaJehovha rwakafupiswa here? Ikozvino uchaona kana shoko rangu richiitika kwauri kana kwete.

24 Zvino Mozisi wakabuda ndokuudza vanhu mashoko aJehovha; ndokuunganidza varume makumi manomwe vevakuru vevanhu, ndokuvamisa vakakomba tende.

25 Zvino Jehovha wakaburuka mugore ndokutaura kwaari, ndokutsaura pamweya waiva pamusoro pake ndokuupa kuvakuru makumi manomwe; zvino zvakaitika mweya wakati achigara pamusoro pavo vakaporofita, asi havana kuzoitazve.

26 Asi kwakasara varume vaviri pamusasa; zita reumwe raiva Eridhadhi, nezita reumwe Medhadhi; mweya ndokugara pamusoro pavo, nokuti vaiva vari pakati pevakanyorwa, asi havana kubudira kutende; ndokuporofita pamusasa.

27 Zvino kwakamhanya jaya, ndokuudza Mozisi ndokuti: Eridhadhi naMedhadhi vanoporofita pamusasa.

28 Zvino Joshua mwanakomana waNuni muranda waMozisi weujaya hwake wakapindura ndokuti: Ishe wangu, Mozisi, vadzivisei.

29 Mozisi ndokuti kwaari: Une godo nekuda kwangu here? Dai vanhu vose vaJehovha vaiva vaporofita, kuti Jehovha aise mweya wake pamusoro pavo!

30 Zvino Mozisi wakadzokera kumusasa, iye nevakuru vaIsraeri.

31 Zvino kwakabuda mhepo kubva kuna Jehovha, ndokuunza zvihuta kubva kugungwa, ndokuwisira pamusasa, panenge rwendo rwezuva kurutivi rumwe, nerwendo rwezuva kune rumwe, kupoteredza musasa; uye zvaiva makubhiti maviri pamusoro penyika.

32 Zvino vanhu vakasimuka zuva iro rose, neusiku hwose, nezuva rose raitevera, zvino vakaunganidza zvihuta. Uyo waiva nezvishomasa wakaunganidza mahomeri gumi; vakazvinikira-nikira kumativi ose emusasa.

33 Nyama ichiri pakati pemazino avo, isati yatsengwa, kutsamwa kwaJehovha kwakapfutira vanhu, Jehovha ndokurova vanhu nehosha huru kwazvo.

34 Naizvozvo wakatumidza zita renzvimbo iyo Kibhuroti-Hatava, nokuti ipapo vakaviga vanhu vakachiva.

35 Vanhu vakasimuka kubva Kibhuroti-Hatava kuenda kuHazeroti; ndokugara paHazeroti.