ShonaTeam Numbers « 10 »

Vanorairwa kuita hwamanda mbiri dzesirivha

10Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:

2 Zviitire hwamanda dzesirivha mbiri; uchadziita dzive basa rakapfurwa; uye dzichava dzako pakudana ungano, nepakusimuka kwemusasa.

3 Kana vachidziridza ungano yose ichaunganira kwauri pamukova wetende rekusangana.

4 Asi kana vachiridza imwe, ipapo machinda, misoro yezvuru zvaIsraeri, vachaungana kwauri.

5 Pamunoridza ruzha, ipapo misasa yakadzikwa kumabvazuva ichasimuka.

6 Pamunoridza ruzha rwechipiri, ipapo misasa yakadzikwa kuchamhembe ichasimuka; vacharidza ruzha rwenzendo dzavo.

7 Asi pakuunganidza ungano mucharidza, asi musaridza ruzha.

8 Zvino vanakomana vaAroni, vapristi, vacharidza nehwamanda; uye vachava kwamuri chimiso nekusingaperi pamazera enyu.

9 Zvino kana muchienda kuhondo munyika menyu makatarisana nemuvengi anokudzvinyirirai, ipapo mucharidza ruzha nehwamanda; zvino mucharangarirwa pamberi paJehovha Mwari wenyu, mugoponeswa pavavengi venyu.

10 Uye nezuva rekufara kwenyu uye nemitambo yenyu yakatarwa nepakutanga kwemwedzi yenyu mucharidza nehwamanda pamusoro pezvipo zvenyu zvinopiswa nepamusoro pezvibairo zvezvipo zvenyu zvekuyananisa, kuti zvive kwamuri chirangaridzo pamberi paMwari wenyu; ndini Jehovha Mwari wenyu.

VaIsraeri vanosimuka paSinai

11 Zvino zvakaitika negore rechipiri nemwedzi wechipiri neremakumi maviri remwedzi, gore rakasimudzwa rikabva pamusoro petabhenakeri yeuchapupu.

12 Zvino vana vaIsraeri vakafamba kubva murenje reSinai, nenzendo dzavo; gore ndokumira murenje reParani.

13 Zvino vakatanga kusimuka sekuraira kwaJehovha neruoko rwaMozisi.

14 Kwakasimuka mureza wemusasa wevana vaJudha pakutanga nehondo dzavo; nepamusoro pehondo yake paiva naNaashoni mwanakomana waAminadhabhu.

15 Nepamusoro pehondo yerudzi rwevana vaIsasikari paiva naNetaneri mwanakomana waZuwari.

16 Nepamusoro pehondo yerudzi rwevana vaZebhuruni paiva naEriabhu mwanakomana waHeroni.

17 Zvino tabhenakeri yakawiswa; vanakomana vaGerishoni nevanakomana vaMerari ndokusimuka vakatakura tabhenakeri.

18 Zvino kwakasimuka mureza wemusasa waRubheni nehondo dzavo; nepamusoro pehondo yake paiva naErizuri mwanakomana waShedheuri.

19 Nepamusoro pehondo yerudzi rwevana vaSimioni paiva naSherumieri mwanakomana waZurishadhai.

20 Nepamusoro pehondo yerudzi rwevana vaGadhi paiva naEriasafi mwanakomana waDheueri.

21 Zvino kwakasimuka VaKohati, vakatakura imba tsvene; nevamwe vakamisa tabhenakeri vasati vasvika.

22 Zvino kwakasimuka mureza wemusasa wevana vaEfuremu nehondo dzavo; nepamusoro pehondo yake paiva naErishama mwanakomana waAmihudhi.

23 Nepamusoro pehondo yerudzi rwevana vaManase paiva naGamarieri mwanakomana waPedhazuri.

24 Nepamusoro pehondo yerudzi rwevana vaBhenjamini paiva naAbhidhani mwanakomana waGidheoni.

25 Zvino kwakasimuka mureza wemusasa wevana vaDhani, vaiva vekupedzisira pamisasa yose nehondo dzavo; nepamusoro pehondo yake paiva naAhiezeri mwanakomana waAmishadhai.

26 Nepamusoro pehondo yerudzi rwevana vaAsheri paiva naPagieri mwanakomana waOkirani.

27 Nepamusoro pehondo yerudzi rwevana vaNafutari paiva naAhira mwanakomana waEnani.

28 Uku kusimuka kwevana vaIsraeri nehondo dzavo kana vachifamba.

29 Zvino Mozisi wakati kuna Hobhabhu, mwanakomana waReueri, muMidhiani, mukarahwa waMozisi: Isu tobva toenda kunzvimbo Jehovha yaakati pamusoro payo: Ndichakupai iyo. Handei nesu, tigokuitirai zvakanaka; nokuti Jehovha wakataura zvakanaka pamusoro paIsraeri.

30 Iye akati kwaari: Handingaendi, asi ndichaenda kunyika yekwedu nekuhama dzangu.

31 Iye ndokuti: Musatisiya henyu, nokuti sezvamunoziva kuti tinodzika sei matende edu murenje, muchava semeso edu.

32 Zvichaitika kuti kana muchifamba nesu, hongu zvichaitika izvo zvakanaka Jehovha zvaachatiitira zvakanaka nazvo, tichakuitirai zvakanaka.

33 Zvino vakabva pagomo raJehovha, rwendo rwemazuva matatu; areka yesungano yaJehovha ikafamba pamberi pavo rwendo rwemazuva matatu, kuvatsvakira nzvimbo yekuzorora.

34 Zvino gore raJehovha raiva pamusoro pavo masikati pakusimuka kwavo pamusasa.

35 Zvino zvakaitika pakusimuka kweareka, Mozisi wakati: Mukai, Jehovha, kuchaparara vavengi venyu, nevanokuvengai ngavatize pamberi penyu.

36 Zvino pakuzorora kwayo, akati: Dzokai Jehovha, kuzvuru gumi zvezvuru zvaIsraeri.