ShonaTeam Numbers « 9 »

VaIsraeri vanodya pasika

9Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi murenje reSinai, mumwedzi wekutanga mugore rechipiri shure kwekubuda kwavo munyika yeEgipita achiti:

2 Zvino vana vaIsraeri ngavachengetedze pasika panguva yayo yakatarwa.

3 Nezuva regumi nemana remwedzi uno, madekwani, muchaichengetedza panguva yayo yakatarwa; zvichienderana nezvimiso zvayo zvose uye zvichienderana nemirairo yayo yose muchaichengetedza.

4 Naizvozvo Mozisi wakataura kuvana vaIsraeri kuti vachengetedze pasika.

5 Zvino vakachengetedza pasika nezuva regumi nemana remwedzi wekutanga, madekwani, murenje reSinai; zvichienderana nezvose Jehovha zvaakaraira Mozisi, vaIsraeri vakaita saizvozvo.

6 Zvino kwaiva kune varume vaiva vakasvibiswa nechitunha chemunhu, kuti vaiva vasingagoni kuchengetedza pasika pazuva iro; ndokuswedera pamberi paMozisi nepamberi paAroni pazuva iroro.

7 Varume avo ndokuti kwaari: Takasvibiswa nechitunha chemunhu; sei tichidziviswa kuti tisapa chipo chaJehovha panguva yake yakatarwa pakati pevana vaIsraeri?

8 Mozisi ndokuti kwavari: Mirai, kuti ndinzwe kuti Jehovha acharairei pamusoro penyu.

9 Jehovha ndokutaura kuna Mozisi achiti:

10 Taura kuvana vaIsraeri uchiti: Kana umwe neumwe pakati penyu kana pakati pezvizvarwa zvenyu akava wakasviba nekuda kwechitunha kana ari kurwendo ruri kure, zvakadaro achachengetedza pasika kuna Jehovha.

11 Nemwedzi wechipiri nezuva regumi nemana, madekwani, vachaichengetedza; vachaidya nechingwa chisina kuviriswa nemiriwo inovava.

12 Havangasii chinhu pairi kusvika mangwanani, kana kuvhuna pfupa rimwe rayo; vachaichengetedza zvichienderana nemutemo wose wepasika.

13 Asi munhu wakachena, uye asiri parwendo, anorega kuchengetedza pasika, mweya weupenyu iwoyo uchagurwa kubva pakati pevanhu vekwawo; nokuti haana kupa chipo chaJehovha nenguva yacho yakatarwa; munhu uyo achatakura chivi chake.

14 Zvino kana mweni agere semutorwa pakati penyu achichengetedza pasika kuna Jehovha zvichienderana nechimiso chepasika uye zvichienderana netsika yayo, achaita seizvi; muchava nemutemo umwe zvose wemweni newewakaberekerwa munyika.

Gore nemoto pamusoro petabhenakeri

15 Zvino nezuva tabhenakeri rayakamiswa naro gore rakafukidza tabhenakeri, patende rechipupuriro; nemadekwani raiva pamusoro petabhenakeri sekuonekwa kwemoto kusvika mangwanani.

16 Zvaiva zvakadaro nguva dzose; gore raiifukidza, uye kwakava nekuonekwa kwemoto usiku.

17 Zvino gore raiti rasimudzwa kubva patende, ipapo shure kweizvozvo vana vaIsraeri vaifamba; nepanzvimbo gore paraimira, vana vaIsraeri vaidzika matende avo ipapo.

18 Pakuraira kwaJehovha vana vaIsraeri vaifamba, uye pakuraira kwaJehovha vaidzika matende; nguva yose gore yaraimira nayo pamusoro petabhenakeri vairamba vakadzika.

19 Zvino kana gore richigara pamusoro petabhenakeri mazuva mazhinji, ipapo vana vaIsraeri vaichengetedza faniro yaJehovha, ndokusafamba.

20 Zvino kwakati apo gore raiva pamusoro petabhenakeri mazuva mashoma, zvichienderana nekuraira kwaJehovha vaidzika matende avo, uye zvichienderana nekuraira kwaJehovha vaifamba.

21 Zvino kwakati apo gore riripo kubva madekwani kusvika mangwanani, gore ndokusimudzwa mangwanani, vaifamba; angava masikati kana usiku, paisimudzwa gore vaifamba.

22 Kana mazuva maviri, kana mwedzi, kana gore, dai gore raigara nguva refu pamusoro petabhenakeri, vana vaIsraeri vaidzika matende avo, vakasafamba; asi paraisimudzwa, vaifamba.

23 Pakuraira kwaJehovha vaidzika matende avo, uye pakuraira kwaJehovha vaifamba; vaichengetedza faniro yaJehovha, pakuraira kwaJehovha neruoko rwaMozisi.