ShonaTeam Numbers « 7 »

Zvipiriso zvinopiwa paaritari

7Zvino zvakaitika nezuva Mozisi raakapedza naro kumisa tabhenakeri, uye aizodza, uye aiita tsvene, nenhumbi dzayo dzose, nearitari nemidziyo yayo yose, uye azvizodza nekuzviita zvitsvene,

2 kuti machinda aIsraeri, misoro yeimba yemadzibaba avo, vaiva machinda emarudzi, vaiva vatariri pavakaverengwa, ape zvibairo.

3 Ndokuuya nezvipo zvavo pamberi paJehovha, ngoro nhanhatu dzakafukidzwa, nenzombe gumi nembiri; ngoro yemachinda maviri, uye nzombe pane umwe; ndokuuya nazvo pamberi petabhenakeri.

4 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:

5 Gamuchira kwavari, kuti zvive zvekubata basa retende rekusangana; uye uchazvipa kuvaRevhi, umwe neumwe zvichienderana nebasa rake.

6 Naizvozvo Mozisi wakagamuchira ngoro nenzombe ndokuzvipa kuvaRevhi.

7 Ngoro mbiri nenzombe ina wakapa kuvanakomana vaGerishoni zvichienderana nebasa ravo.

8 Zvino ngoro ina nenzombe sere wakapa kuvanakomana vaMerari zvichienderana nebasa ravo, paruoko rwaItamari, mwanakomana waAroni mupristi.

9 Asi kuvanakomana vaKohati haana kupa, nokuti basa renzvimbo tsvene raiva pamusoro pavo, vautakure pamafudzi.

10 Machinda akapa zvekutsaurwa kwearitari nezuva rayakazodzwa naro; nemachinda akapa zvipo zvawo pamberi pearitari.

11 Zvino Jehovha wakati kuna Mozisi: Muchinda umwe neumwe nezuva rake, vachapa zvipo zvavo zvekutsaurira aritari.

12 Neanopa chipo chake zuva rekutanga waiva Naashoni, mwanakomana waAminadhabhu, werudzi rwaJudha.

13 Zvino chipo chake chaiva ndiro huru yesirivha imwe, uremu hwayo mashekeri zana nemakumi matatu, ndiro yekusasa yesirivha imwe yemashekeri makumi manomwe, zvichienderana neshekeri reimba tsvene; zviviri zvazvo zvizere neupfu hwakatsetseka hwakakanyiwa nemafuta, zvive chipo chechidyiwa;

14 mukombe umwe wegoridhe wemashekeri gumi, uzere nezvipfungaidzo zvinonhuhwira,

15 nzombe diki imwe mhuru yemombe, gondohwe rimwe, gwayana rimwe regore rimwe, zvive chipo chinopiswa;

16 mbudzana imwe yembudzi, ive chipo chezvivi;

17 uye zvechibairo chezvipo zvekuyananisa, nzombe mbiri, makondohwe mashanu, nhongo shanu dzembudzi, makwayana mashanu egore rimwe; ichi chipo chaNaashoni, mwanakomana waAminadhabhu.

18 Nezuva repiri Netaneri, mwanakomana waZuwari, muchinda waIsasikari wakapa chipo.

19 Wakapa chipo chake: Ndiro huru yesirivha imwe, uremu hwayo mashekeri zana nemakumi matatu, ndiro yekusasa yesirivha imwe yemashekeri makumi manomwe, zvichienderana neshekeri reimba tsvene; zvose zviviri zvizere neupfu hwakatsetseka hwakakanyiwa nemafuta, zvive chipo chechidyiwa;

20 mukombe umwe wegoridhe remashekeri gumi, uzere nezvipfungaidzo zvinonhuhwira;

21 nzombe diki imwe mhuru yemombe, gondohwe rimwe, gwayana rimwe regore rimwe, zvive chipo chinopiswa;

22 mbudzana imwe yembudzi, ive chipo chezvivi;

23 uye zvechibairo chezvipo zvekuyananisa, nzombe mbiri, makondohwe mashanu, nhongo shanu dzembudzi, makwayana mashanu egore rimwe; ichi chipo chaNetaneri, mwanakomana waZuwari.

24 Nezuva retatu kwakauya Eriabhu mwanakomana waHeroni muchinda wevana vaZebhuruni.

25 Chipo chake chaiva ndiro huru yesirivha imwe, uremu hwayo mashekeri zana nemakumi matatu, ndiro yekusasa yesirivha imwe yemashekeri makumi manomwe, zvichienderana neshekeri reimba tsvene; zvose zviviri zvizere neupfu hwakatsetseka hwakakanyiwa nemafuta, zvive chipo chechidyiwa;

26 mukombe umwe wegoridhe wemashekeri gumi, uzere nezvipfungaidzo zvinonhuhwira;

27 nzombe diki imwe mhuru yemombe, gondohwe rimwe, gwayana rimwe regore rimwe, zvive chipo chinopiswa;

28 mbudzana yembudzi imwe, ive chipo chezvivi;

29 nezvechibairo chezvipo zvekuyananisa, nzombe mbiri, makondohwe mashanu, nhongo shanu dzembudzi, makwayana mashanu egore rimwe; ichi chipo chaEriabhu, mwanakomana waHeroni.

30 Nezuva rechina kwakauya Erizuri, mwanakomana waShedheuri, muchinda wevana vaRubheni.

31 Chipo chake chaiva ndiro huru yesirivha imwe, uremu hwayo hwaiva mashekeri zana nemakumi matatu, ndiro yekusasa yesirivha imwe yemashekeri makumi manomwe, zvichienderana neshekeri reimba tsvene; zvose zviviri zvizere neupfu hwakatsetseka hwakakanyiwa nemafuta, zvive chipo chechidyiwa;

32 mukombe umwe wegoridhe wemashekeri gumi, uzere nezvipfungaidzo zvinonhuhwira;

33 nzombe diki imwe mhuru yemombe, gondohwe rimwe, gwayana rimwe regore rimwe, zvive chipo chinopiswa;

34 mbudzana imwe yembudzi, ive chipo chezvivi;

35 nezvechibairo chezvipo zvekuyananisa, nzombe mbiri, makondohwe mashanu, nhongo shanu dzembudzi, makwayana mashanu egore rimwe; ichi chipo chaErizuri, mwanakomana waShedheuri.

36 Nezuva reshanu kwakauya Sherumieri mwanakomana waZurishadhai, muchinda wevana vaSimioni.

37 Chipo chake chaiva ndiro huru yesirivha imwe, uremu hwayo hwaiva mashekeri zana nemakumi matatu, ndiro yekusasa yesirivha imwe yemashekeri makumi manomwe, zvichienderana neshekeri reimba tsvene; zvose zviviri zvizere neupfu hwakatsetseka hwakakanyiwa nemafuta, zvive chipo chechidyiwa;

38 mukombe umwe wegoridhe wemashekeri gumi uzere nezvipfungaidzo zvinonhuhwira,

39 nzombe diki imwe mhuru yemombe, gondohwe rimwe, gwayana rimwe regore rimwe, zvive chipo chinopiswa;

40 mbudzana imwe yembudzi, ive chipo chezvivi;

41 nezvechibairo chezvipo zvekuyananisa, nzombe mbiri, makondohwe mashanu, nhongo shanu dzembudzi, makwayana mashanu egore rimwe; ichi chipo chaSherumieri, mwanakomana waZurishadhai.

42 Nezuva retanhatu kwakauya Eriasafi, mwanakomana waDheueri, muchinda wevana vaGadhi.

43 Chipo chake chaiva ndiro huru imwe yesirivha, uremu hwayo hwaiva mashekeri zana nemakumi matatu, ndiro yekusasa yesirivha imwe yemashekeri makumi manomwe, zvichienderana neshekeri reimba tsvene; zvose zviviri zvizere neupfu hwakatsetseka hwakakanyiwa nemafuta, zvive chipo chechidyiwa;

44 mukombe umwe wegoridhe wemashekeri gumi, uzere nezvipfungaidzo zvinonhuhwira;

45 nzombe diki imwe mhuru yemombe, gondohwe rimwe, gwayana rimwe regore rimwe, zvive chipo chinopiswa;

46 mbudzana imwe yembudzi, ive chipo chezvivi;

47 nezvechibairo chezvipo zvekuyananisa, nzombe mbiri, makondohwe mashanu, nhongo shanu dzembudzi, makwayana mashanu egore rimwe; ichi chipo chaEriasafi, mwanakomana waDheueri.

48 Nezuva rechinomwe kwakauya Erishama, mwanakomana waAmihudhi, muchinda wevana vaEfuremu.

49 Chipo chake chaiva ndiro huru yesirivha imwe, uremu hwayo hwaiva mashekeri zana nemakumi matatu, ndiro yekusasa yesirivha imwe yemashekeri makumi manomwe, zvichienderana neshekeri reimba tsvene; zvose zviviri zvizere neupfu hwakatsetseka hwakakanyiwa nemafuta, zvive chipo chechidyiwa;

50 mukombe umwe wegoridhe wemashekeri gumi uzere nezvipfungaidzo zvinonhuhwira,

51 nzombe diki imwe mhuru yemombe, gondohwe rimwe, gwayana rimwe regore rimwe, zvive chipo chinopiswa;

52 mbudzana imwe yembudzi, ive chipo chezvivi;

53 nezvechibairo chezvipo zvekuyananisa, nzombe mbiri, makondohwe mashanu, nhongo shanu dzembudzi, makwayana mashanu egore rimwe; ichi chipo chaErishama, mwanakomana waAmihudhi.

54 Nezuva rerusere kwakauya Gamarieri, mwanakomana waPedhazuri, muchinda wevana vaManase.

55 Chipo chake chaiva ndiro huru yesirivha imwe, uremu hwayo hwaiva mashekeri zana nemakumi matatu, ndiro yekusasa yesirivha imwe yemashekeri makumi manomwe, zvichienderana neshekeri reimba tsvene; zvose zviviri zvizere neupfu hwakatsetseka hwakakanyiwa nemafuta, zvive chipo chechidyiwa;

56 mukombe umwe wegoridhe wemashekeri gumi uzere nezvipfungaidzo zvinonhuhwira,

57 nzombe diki imwe mhuru yemombe, gondohwe rimwe, gwayana rimwe regore rimwe, zvive chipo chinopiswa;

58 mbudzana imwe yembudzi, ive chipo chezvivi;

59 nezvechibairo chezvipo zvekuyananisa, nzombe mbiri, makondohwe mashanu, nhongo shanu dzembudzi, makwayana mashanu egore rimwe; ichi chipo chaGamarieri, mwanakomana waPedhazuri.

60 Nezuva repfumbamwe kwakauya Abhidhani, mwanakomana waGidheoni, muchinda wevana vaBhenjamini.

61 Chipo chake chaiva ndiro huru yesirivha imwe, uremu hwayo hwaiva mashekeri zana nemakumi matatu, ndiro yekusasa yesirivha imwe yemashekeri makumi manomwe, zvichienderana neshekeri reimba tsvene; zvose zviviri zvizere neupfu hwakatsetseka hwakakanyiwa nemafuta, zvive chipo chechidyiwa;

62 mukombe umwe wegoridhe wemashekeri gumi uzere nezvipfungaidzo zvinonhuhwira,

63 nzombe diki imwe mhuru yemombe, gondohwe rimwe, gwayana rimwe regore rimwe, zvive chipo chinopiswa;

64 mbudzana imwe yembudzi, ive chipo chezvivi;

65 nezvechibairo chezvipo zvekuyananisa, nzombe mbiri, makondohwe mashanu, nhongo shanu dzembudzi, makwayana mashanu egore rimwe; ichi chipo chaAbhidhani, mwanakomana waGidheoni.

66 Nezuva regumi kwakauya Ahiezeri, mwanakomana waAmishadhai, muchinda wevana vaDhani.

67 Chipo chake chaiva ndiro huru yesirivha imwe, uremu hwayo hwaiva mashekeri zana nemakumi matatu, ndiro yekusasa yesirivha imwe yemashekeri makumi manomwe, zvichienderana neshekeri reimba tsvene; zvose zviviri zvizere neupfu hwakatsetseka hwakakanyiwa nemafuta, zvive chipo chechidyiwa;

68 mukombe umwe wegoridhe wemashekeri gumi uzere nezvipfungaidzo zvinonhuhwira,

69 nzombe diki imwe mhuru yemombe, gondohwe rimwe, gwayana rimwe regore rimwe, zvive chipo chinopiswa;

70 mbudzana imwe yembudzi, ive chipo chezvivi;

71 nezvechibairo chezvipo zvekuyananisa, nzombe mbiri, makondohwe mashanu, nhongo shanu dzembudzi, makwayana mashanu egore rimwe; ichi chipo chaAhiezeri, mwanakomana waAmishadhai.

72 Nezuva regumi nerimwe kwakauya Pagieri mwanakomana waOkirani, muchinda wevana vaAsheri.

73 Chipo chake chaiva ndiro huru yesirivha imwe, uremu hwayo hwaiva mashekeri zana nemakumi matatu, ndiro yekusasa imwe yesirivha yemashekeri makumi manomwe, zvichienderana neshekeri reimba tsvene; zvose zviviri zvizere neupfu hwakatsetseka hwakakanyiwa nemafuta, zvive chipo chechidyiwa;

74 mukombe umwe wegoridhe wemashekeri gumi, uzere nezvipfungaidzo zvinonhuhwira,

75 nzombe diki imwe mhuru yemombe, gondohwe rimwe, gwayana rimwe regore rimwe, zvive chipo chinopiswa;

76 mbudzana imwe yembudzi, ive chipo chezvivi;

77 nezvechibairo chezvipo zvekuyananisa, nzombe mbiri, makondohwe mashanu, nhongo shanu dzembudzi, makwayana mashanu egore rimwe; ichi chipo chaPagieri, mwanakomana waOkirani.

78 Nezuva regumi nemaviri kwakauya Ahira mwanakomana waEnani, muchinda wevana vaNafutari.

79 Chipo chake chaiva ndiro huru yesirivha imwe, uremu hwayo hwaiva mashekeri zana nemakumi matatu, ndiro yekusasa yesirivha yemashekeri makumi manomwe, zvichienderana neshekeri reimba tsvene; zvose zviviri zvizere neupfu hwakatsetseka hwakakanyiwa nemafuta, zvive chipo chechidyiwa;

80 mukombe umwe wegoridhe wemashekeri gumi uzere nezvipfungaidzo zvinonhuhwira,

81 nzombe diki imwe mhuru yemombe, gondohwe rimwe, gwayana rimwe regore rimwe, zvive chipo chinopiswa;

82 mbudzana imwe yembudzi, ive chipo chezvivi;

83 nezvechibairo chezvipo zvekuyananisa, nzombe mbiri, makondohwe mashanu, nhongo shanu dzembudzi, makwayana mashanu egore rimwe; ichi chipo chaAhira, mwanakomana waEnani.

84 Uku ndiko kwaiva kutsaurwa kwearitari nezuva rayakazodzwa naro, nemachinda aIsraeri: Ndiro huru dzesirivha gumi nembiri, ndiro dzekusasa dzesirivha gumi nembiri, mikombe yegoridhe gumi nemiviri.

85 Imwe neimwe ndiro huru yesirivha yaiva mashekeri zana nemakumi matatu, uye imwe neimwe ndiro yekusasa mashekeri makumi manomwe; sirivha yose yendiro yaiva mashekeri zvuru zviviri nemazana mana, zvichienderana neshekeri reimba tsvene.

86 Mikombe yegoridhe gumi nemiviri izere nezvipfungaidzo zvinonhuhwira, umwe neumwe waiva mashekeri gumi, zvichienderana neshekeri reimba tsvene; goridhe rose remikombe raiva mashekeri zana nemakumi maviri.

87 Zvipfuwo zvose zvechipo chinopiswa zvaiva nzombe diki gumi nembiri, makondohwe gumi nemaviri, makwayana egore rimwe gumi nemaviri, nechipo chazvo chechidyiwa; nembudzana dzembudzi gumi nembiri, zvive chipo chezvivi.

88 Nezvipfuwo zvose zvechibairo chechipo chekuyananisa zvaiva nzombe diki makumi maviri nena, makondohwe makumi matanhatu, nhongo dzembudzi makumi matanhatu, makwayana egore rimwe makumi matanhatu. Uku ndiko kwaiva kutsaurwa kwearitari, shure kwekuzodzwa kwayo.

89 Zvino Mozisi wakati apinda mutende rekusangana kutaura naye, wakanzwa inzwi richitaura naye kubva pamusoro pechigaro chengoni chaiva pamusoro peareka yechipupuriro kubva pakati pemakerubhi maviri; ndokutaura naye.