ShonaTeam Numbers « 6 »

Murairo wevaNaziri

6Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:

2 Taura kuvana vaIsraeri ugoti kwavari: Murume kana mukadzi paanozvitsaurira mhiko, mhiko yemuNaziri, kuti azvitsaurire Jehovha,

3 achazviparadzanisa newaini nezvinwiwa zvinodhaka, asanwa vhiniga yewaini kana vhiniga yezvinwiwa zvinodhaka, uye asanwa chero muto wemizambiringa, kana kudya mazambiringa manyoro kana akaomeswa.

4 Mazuva ose ekuzvitsaura kwake haangadyi chinhu chinoitwa kubva pamuti wemuzambiringa, kubva pamhodzi kusvika pamateko.

5 Mazuva ose emhiko yekuzvitsaura kwake hapangavi nechisvo chichapfuura pamusoro wake; kusvika kwazadzisika mazuva aakazvitsaurira maari kuna Jehovha achava mutsvene, arege mhotsi dzevhudzi remusoro wake rikure.

6 Mazuva ose aakazvitsaurira kuna Jehovha haangaswederi kuchitunha.

7 Nekuda kwababa vake kana nekuda kwamai vake, nekuda kwemunin'ina wake kana nekuda kwehanzvadzi yake, haangazviiti asina kuchena nekuda kwavo pakufa kwavo; nokuti kuzvitsaurira Mwari wake kuri pamusoro pemusoro wake.

8 Mazuva ose ekuzvitsaura kwake mutsvene kuna Jehovha.

9 Zvino kana munhu upi akafa kamwe-kamwe paari, ndokusvibisa musoro wake wakatsaurwa; ipapo achaveura musoro wake nezuva rekunatswa kwake; nezuva rechinomwe achauveura.

10 Uye nezuva rerusere achauya nenjiva mbiri kana vana vaviri vehangaiwa kumupristi pamukova wetende rekusangana.

11 Zvino mupristi achabaira imwe ive chipo chezvivi, neimwe ive chipo chinopiswa, amuitire chiyananiso pane zvaakatadza nekuda kwewakafa, agoita musoro wake mutsvene nezuva iroro.

12 Zvino achatsaurira Jehovha mazuva ekuzvitsaura kwake, ndokuuya negwayana regore rimwe, rive chipo chemhosva; asi mazuva ekutanga achawa, nokuti kuzvitsaura kwake kwakasvibiswa.

13 Zvino uyu murairo wemuNaziri: Kana mazuva ekuzvitsaura kwake azadziswa, achariuisa kumukova wetende rekusangana;

14 agopa chipo chake kuna Jehovha, gwayana rimwe regore rimwe risina chipomerwa rive chipo chinopiswa, negwayana gadzi rimwe regore rimwe risina chipomerwa rive chipo chezvivi, negondohwe rimwe risina chipomerwa rive chipo chekuyananisa,

15 netswanda yezvingwa zvisina kuviriswa, makeke eupfu hwakatsetseka hwakakanyiwa nemafuta, nezvingwa zvitete zvisina kuviriswa zvakazodzwa nemafuta, nechipo chazvo chechidyiwa, nezvipo zvazvo zvechinwiwa.

16 Zvino mupristi achazviuisa pamberi paJehovha, ndokupa chipo chake chezvivi nechipo chake chinopiswa.

17 Ndokupa gondohwe rive chibairo chezvipo zvekuyananisa kuna Jehovha, pamwe netswanda yezvingwa zvisina kuviriswa; mupristi achapawo chipo chake chechidyiwa, nechipo chake chechinwiwa.

18 Zvino muNaziri achaveura musoro wake wakatsaurwa pamukova wetende rekusangana, ndokutora vhudzi remusoro wake wakatsaurwa ndokuriisa mumoto uri pasi pechibairo chezvipo zvekuyananisa.

19 Zvino mupristi achatora bandauko rakabikwa pagondohwe, nekeke rimwe risina kuviriswa patswanda, nechingwa chitete chisina kuviriswa, ndokuisa pamaoko emuNaziri aveura kuzvitsaura kwake.

20 Zvino mupristi achazvizunguzira, chipo chinozunguzirwa pamberi paJehovha; chitsvene kumupristi, pamwe nechityu chinozunguzirwa, nebandauko rekusimudzwa; zvino shure kweizvi muNaziri anganwa waini.

21 Uyu murairo wemuNaziri wakapikira chipo chake chekutsaurira kwake kuna Jehovha, kunze kweizvi ruoko rwake zvarwunosvikira; nemhiko yake yaakapika, achaita saizvozvo, semurairo wekuzvitsaura kwake.

Kuropafadza kwemupristi

22 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:

23 Taura kuna Aroni nekuvanakomana vake uchiti: Ndizvo mucharopafadza vana vaIsraeri muchiti kwavari:

24 Jehovha akuropafadze, akuchengete.

25 Jehovha avhenekerese chiso chake kwauri, uye ave nenyasha kwauri;

26 Jehovha ngaasimudzire chiso chake kwauri, agokupa rugare.

27 Saizvozvo vachaisa zita rangu pamusoro pevana vaIsraeri; neni ndichavaropafadza.