ShonaTeam Numbers « 5 »

Vasina kuchena vanobudiswa kunze kwemusasa

5Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:

2 Raira vana vaIsraeri kuti vabudise mumusasa umwe neumwe ane maperembudzi uye umwe neumwe ane kuyerera uye umwe neumwe akasvibiswa neakafa.

3 Kubva kumunhurume kusvika kumunhukadzi, uchabudisa; muvabudise kusvika kunze kwemusasa; kuti vasasvibisa misasa yavo, yandigere pakati payo.

4 Zvino vana vaIsraeri vakaita saizvozvo; ndokuvabudisa kusvika kunze kwemusasa; Jehovha sezvaakataura kuna Mozisi, ndizvo zvakaita vana vaIsraeri.

5 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:

6 Taura kuvana vaIsraeri uti: Kana murume kana mukadzi akaita chipi pazvivi zvevanhu, kutadza chitadzo kuna Jehovha, mweya uyu ndokuva nemhosva.

7 Zvino vachareurura chivi chavo chavakaita, ndokuripira kudarika kwake muuwandu hwako hwose, ndokuwedzera cheshanu chayo pairi, ndokupa kune waakatadzira.

8 Asi kana munhu uyo asina muripirwi wechikama kuripa mhosva kwaari, mhosva icharipirwa kuna Jehovha, kumupristi, kunze kwegondohwe rechiyananiso, raachayananisirwa naro.

9 Nechipo chose chezvitsvene zvose zvevana vaIsraeri, zvavanouya nazvo kumupristi, zvichava zvake.

10 Nezvinhu zvitsvene zvemunhu umwe neumwe zvichava zvake; chinhu munhu upi neupi chaanopa kumupristi chichava chake.

Murairo pamukadzi asina kutendeka

11 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:

12 Taura kuvana vaIsraeri ugoti kwavari: Kana mukadzi wemurume upi neupi akatsauka ndokumutadzira chitadzo,

13 uye murume akarara naye neurume hwekusangana, zvikavanzika pameso emurume wake, asina kuonekwa, iye asvibiswa, asi pasina uchapupu hunomupikisa, uye iye asina kubatwa;

14 uye mweya weshanje ukauya pamusoro pake ndokuva neshanje nemukadzi wake, uye iye akasvibiswa; kana mweya weshanje ukauya pamusoro pake iye ndokuva neshanje nemukadzi wake, asi iye asina kusvibiswa;

15 murume achauya nemukadzi wake kumupristi, achauyawo nechipo chake pamusoro pake, chegumi cheefa yeupfu hwebhari; haangadiri mafuta pamusoro pahwo, kana kuisa zvipfungaidzo zvinonhuhwira pahuri; nokuti chipo chechidyiwa cheshanje, chipo chechidyiwa chechirangaridzo, achirangaridza kuipa.

16 Zvino mupristi achamuswededza, ndokumuisa pamberi paJehovha.

17 Zvino mupristi achatora mvura tsvene mumudziyo wevhu, nepaguruva riri pasi petabhenakeri mupristi achatora, ndokuisa mumvura.

18 Zvino mupristi achaisa mukadzi pamberi paJehovha, ndokufukura musoro wemukadzi, ndokuisa chipo chechidyiwa chechirangaridzo mumaoko ake, chiri chipo chechidyiwa cheshanje; zvino muruoko rwemupristi muchava nemvura inovava inouisa kutukwa.

19 Zvino mupristi achamupikisa, achiti kumukadzi: Kana pasina murume akarara newe, uye kana usina kutsaukira kukusachena, uri pasi pemurume wako, sununguka pamvura iyi inovava, inouisa kutukwa;

20 asi iwe kana wakatsauka, uri pasi pemurume wako, uye kana wakasvibiswa, umwe murume akarara newe asati ari murume wako;

21 zvino mupristi achapikisa mukadzi nemhiko yekutukwa, mupristi ndokuti kumukadzi: Jehovha ngaakuite chakatukwa nemhiko pakati perudzi rwako, Jehovha paanoondesa chidya chako nekuzvimbisa dumbu rako.

22 Zvino mvura iyi inouisa kutukwa ichapinda muura hwako, kuita dumbu rako rizvimbe, nechidya chako chionde. Zvino mukadzi achati: Ameni, ameni.

23 Zvino mupristi achanyora matukano awa murugwaro agosuka nemvura inovava.

24 Zvino achanwisa mukadzi mvura inovava inouisa kutukwa; nemvura inouisa zvakatukwa ichapinda maari, kuvavisisa.

25 Zvino mupristi achatora chipo chechidyiwa cheshanje kubva paruoko rwemukadzi, ndokuzunguzira chipo chechidyiwa pamberi paJehovha, ndokuchipa paaritari.

26 Mupristi ndokutora ruoko rwuzere rwechipo chechidyiwa, chive chirangaridzo chacho, ndokupisa paaritari, shure kweizvozvo ndokunwisa mukadzi mvura iyo.

27 Zvino kana amunwisa mvura iyo, zvino zvichaitika kana asvibiswa, atadzira murume wake chitadzo, mvura iyo inouisa kutukwa yapinda maari kuvavisisa, dumbu rake richazvimba, nechidya chake chichaonda; uye mukadzi uyu achava chakatukwa pakati pevanhu vekwake.

28 Asi kana mukadzi asina kusvibiswa, asi akachena, ipapo achasununguka, agogamuchira mbeu.

29 Ndiwo murairo weshanje, kana mukadzi akatsauka ari pasi pemurume wake, ndokusvibiswa;

30 kana zvimwe mweya weshanje wauya pamusoro pake, ndokuva neshanje pamusoro pemukadzi wake, ndokuisa mukadzi pamberi paJehovha, mupristi agomuitira murairo uyu wose.

31 Zvino murume achasununguka pamhosva, asi mukadzi uyu achatakura kuipa kwake.