ShonaTeam Numbers « 4 »

Mabasa evaRevhi

4Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi nekuna Aroni achiti:

2 Tora uwandu hwevanakomana vaKohati kubva pakati pevanakomana vaRevhi zvichienderana nemhuri dzavo neimba yemadzibaba avo,

3 kubva pamwanakomana wemakore makumi matatu zvichikwira kusvika pamwanakomana wemakore makumi mashanu, vose vanopinda pahondo, kuita basa mutende rekusangana.

4 Iyi ishumiro yevanakomana vaKohati mutende rekusangana, chitsvene chezvitsvene.

5 Kana musasa uchisimuka, Aroni achauya, nevanakomana vake, vagobvisa vheiri rechifukidzo, ndokufukidza areka yechipupuriro naro.

6 Zvino vachaisa pamusoro pazvo chikufukidzo chematehwe ezvikumba, ndokuwarira pamusoro mucheka wose weruvara rwedenga, zvino vachaisa zvibatiso zvayo.

7 Uye pamusoro petafura yekuratidzira vachawarira mucheka weruvara rwedenga, ndokuisapo ndiro nemikombe yezvinonhuhwira nembiya nemikombe yezvipo zvinonwiwa; nechingwa chinogara chiripo chichava pamusoro payo.

8 Zvino vachawarira pamusoro pazvo mucheka wezvitsvuku, ndokuufukidza nechifukidzo chematehwe ezvikumba, zvino ndokuisa zvibatiso zvayo.

9 Zvino vachatora mucheka weruvara rwedenga ndokufukidza chigadziko chemwenje wechivheneko, nemwenje yacho, nembato dzacho, nezvaenga zvemadota zvacho, nemidziyo yacho yose yemafuta, yavanoshumira kwachiri nayo.

10 Zvino vachaiisa pamwe nenhumbi dzacho dzose muchifukidzo chematehwe ezvikumba, ndokuchiisa padanda.

11 Nepamusoro pearitari yegoridhe vachawarira mucheka weruvara rwedenga, ndokuifukidza nechifukidzo chematehwe ezvikumba; uye achaisa zvibatiso zvayo.

12 Zvino vachatora nhumbi dzose dzeshumiro dzavanoshumira nadzo paimba tsvene, vagoisa mumucheka weruvara rwedenga, ndokudzifukidza muchifukidzo chematehwe ezvikumba; ndokuzviisa padanda.

13 Zvino vachabvisa madota paaritari, ndokuwarira mucheka weruvara rwehute pamusoro payo.

14 Zvino vachaisa pamusoro payo nhumbi dzayo dzose dzavanoshumira nadzo pairi: Zvaenga zvemoto, zvibaiso zvenyama, nefoshoro, nendiro dzekusasa, zvinhu zvose zvearitari; vagowarira pamusoro payo chifukidzo chematehwe ezvikumba, ndokuisa zvibatiso zvayo.

15 Kana Aroni nevanakomana vake vapedza kufukidza imba tsvene, nenhumbi dzose dzeimba tsvene, pakubviswa kwemusasa, shure kweizvi vanakomana vaKohati vachauya kuitakura; asi havangabati chinhu chitsvene, zvimwe vangafa. Uyu ndiwo mutoro wevanakomana vaKohati mutende rekusangana.

16 Zvino utariri hwaEriazari mwanakomana waAroni mupristi, huchava pamafuta emwenje, nezvipfungaidzo zvinonhuhwira, nechipo chechidyiwa chemazuva ose, nemafuta ekuzodza; utariri patabhenakeri yose nezvose zvirimo, paimba tsvene nepanhumbi dzayo.

17 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi nekuna Aroni achiti:

18 Musagura rudzi rwemhuri yevaKohati kubva pakati pevaRevhi.

19 Asi vaitire izvi kuti vararame uye varege kufa kana vachiswedera kuchitsvene chezvitsvene: Aroni nevanakomana vake vachapinda, ndokuvagadza umwe neumwe pabasa rake nepamutoro wake.

20 Asi havangapindi kuona kana zvitsvene zvakafukidzwa, zvimwe vangafa.

21 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:

22 Tora uwandu hwose hwevana vaGerishoni ivowo, zvichienderana neimba yemadzibaba avo, nemhuri dzavo.

23 Kubva pamwanakomana wemakore makumi matatu zvichikwira kusvika pamwanakomana wemakore makumi mashanu uchavaverenga, wose anopinda kushumira shumiro, kuita basa mutende rekusangana.

24 Iri ibasa remhuri dzevaGerishoni pakushumira nepamitoro:

25 Ivo vachatakura maketeni etabhenakeri, netende rekusangana, chifukidzo charo, nechifukidzo chematehwe ezvikumba chiri pamusoro paro pamusoro, nechiremberedzwa chemukova wetende rekusangana,

26 nezviremberedzwa zvechivanze, neketeni remukova wesuwo rechivanze chiri patabhenakeri nepaaritari kupoteredza, nemabote azvo, nenhumbi dzazvo dzose dzeshumiro, nezvose zvazvakaitirwa; vashumire saizvozvo.

27 Sekuraira kwaAroni nevanakomana vake ndizvo zvichaita shumiro yose yevanakomana vaGerishoni, pamitoro yavo yose, nepashumiro yavo yose; uye uchavagadzira kuchengeta mutoro wavo wose.

28 Iyi ishumiro yemhuri dzevanakomana vaGerishoni patende rekusangana; uye kuchengetedzwa kwayo kuchava pasi peruoko rwaItamari mwanakomana waAroni mupristi.

29 Zvino kuvanakomana vaMerari, uchavaverenga zvichienderana nemhuri dzavo, zvichienderana neimba yemadzibaba avo.

30 Uchavaverenga kubva pamwanakomana wemakore makumi matatu zvichikwira kusvika pamwanakomana wemakore makumi mashanu, umwe neumwe anopinda pashumiro, kuita basa retende rekusangana.

31 Ndiko kuchengetedzwa kwemutoro wavo, zvichienderana neshumiro yavo yose patende rekusangana: Matanda etabhenakeri, nembariro dzayo, nembiru dzayo, nezvigadziko zvayo,

32 nembiru dzechivanze chakapotedza, nezvigadziko zvadzo, nembambo dzadzo, nemabote adzo, nenhumbi dzadzo dzose, uye neshumiro yadzo yose; uye uchataura nemazita nhumbi dzefaniro yemutoro wavo.

33 Iyi ishumiro yemhuri dzevanakomana vaMerari, zvichienderana neshumiro yavo yose mutende rekusangana, muruoko rwaItamari, mwanakomana waAroni mupristi.

34 Zvino Mozisi naAroni nemachinda eungano vakaverenga vanakomana vevaKohati zvichienderana nemhuri dzavo, uye neimba yemadzibaba avo;

35 kubva pamwanakomana wemakore makumi matatu zvichikwira kusvika pamwanakomana wemakore makumi mashanu, umwe neumwe anopinda pashumiro pabasa mutende rekusangana.

36 Zvino vakaverengwa vavo nemhuri dzavo vaiva zvuru zviviri nemazana manomwe nemakumi mashanu.

37 Ava ndivo vakaverengwa vemhuri dzevaKohati, vose vaiita shumiro mutende rekusangana, Mozisi naAroni vavakaverenga, zvichienderana nekuraira kwaJehovha neruoko rwaMozisi.

38 Nevakaverengwa vevanakomana vaGerishoni nemhuri dzavo, uye neimba yemadzibaba avo,

39 kubva pamwanakomana wemakore makumi matatu zvichikwira kusvika pamwanakomana wemakore makumi mashanu, umwe neumwe waipinda pashumiro, pabasa mutende rekusangana.

40 Neavo vakaverengwa vavo nemhuri dzavo neimba yemadzibaba avo vaiva zvuru zviviri nemazana matanhatu nemakumi matatu.

41 Ava ndevakaverengwa vemhuri dzevanakomana vaGerishoni, vose vaibata mutende rekusangana, Mozisi naAroni vavakaverenga, zvichienderana nekuraira kwaJehovha.

42 Nevakaverengwa vemhuri dzevanakomana vaMerari, nemhuri dzavo, neimba yemadzibaba avo,

43 kubva pamwanakomana wemakore makumi matatu zvichikwira kusvika pamwanakomana wemakore makumi mashanu, umwe neumwe aipinda pashumiro, pabasa mutende rekusangana,

44 neavo vakaverengwa vavo nemhuri dzavo vaiva zvuru zvitatu nemazana maviri.

45 Ava ndevakaverengwa vemhuri dzevanakomana vaMerari, Mozisi naAroni vavakaverenga, zvichienderana nekuraira kwaJehovha neruoko rwaMozisi.

46 Vose vakaverengwa vevaRevhi, Mozisi naAroni nemachinda aIsraeri avakaverenga, nemhuri dzavo, uye neimba yemadzibaba avo,

47 kubva pamwanakomana wemakore makumi matatu zvichikwira kusvika pamwanakomana wemakore makumi mashanu, umwe neumwe anopinda kubata basa reshumiro nebasa remutoro mutende rekusangana,

48 vakaverengwa vavo vaiva zvuru zvisere nemazana mashanu nemakumi masere.

49 Zvichienderana nekuraira kwaJehovha vakaverengwa neruoko rwaMozisi, umwe neumwe zvichienderana neshumiro yake, uye zvichienderana nemutoro wake; saizvozvo vakaverengwa naye, Jehovha sezvaakaraira Mozisi.