ShonaTeam Numbers « 2 »

Misasa yavo

2Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi nekuna Aroni achiti:

2 Vana vaIsraeri vachadzika matende, umwe neumwe nemureza wake, nerupawo rweimba yemadzibaba avo; vachadzika matende vakatarisana netende rekusangana vakarikomberedza.

3 Zvino vachadzika matende nechekumabvazuva kunobuda zuva vari verupawo rwemusasa wekwaJudha zvichienderana nehondo dzavo; uye Nashoni mwanakomana waAminadhabhi achava muchinda wevana vaJudha.

4 Zvino hondo yake nevakaverengwa vavo, zvuru makumi manomwe nezvina nemazana matanhatu.

5 Nevanodzika matende kurutivi rwavo rudzi rwaIsasikari; uye Netaneri mwanakomana waZuwari achava muchinda wevana vaIsasikari.

6 Zvino hondo yake nevakaverengwa vake, zvuru makumi mashanu nezvina nemazana mana.

7 Rudzi rwaZebhuruni; muchinda wevana vaZebhuruni achava Eriabhu mwanakomana waHeroni.

8 Zvino hondo yake nevakaverengwa vake, zvuru makumi mashanu nezvinomwe, nemazana mana.

9 Vose vakaverengwa mumusasa waJudha zvuru zana nezvuru makumi masere nezvitanhatu nemazana mana, nehondo dzavo. Vachatanga kusimuka.

10 Mureza wemusasa waRubheni uchava nechekuchamhembe zvichienderana nehondo dzavo; uye muchinda wevana vaRubheni achava Erizuri mwanakomana waShedheuri.

11 Zvino hondo yake nevakaverengwa vake zvuru makumi mana nezvitanhatu nemazana mashanu.

12 Neavo vakadzika matende kurutivi rwake rudzi rwaSimioni; uye muchinda wevana vaSimioni achava Sherumieri mwanakomana waZurishadhai.

13 Zvino hondo yake nevakaverengwa vavo zvuru makumi mashanu nezvipfumbamwe nemazana matatu.

14 Zvino rudzi rwaGadhi; uye muchinda wevanakomana vaGadhi achava Eriasafi mwanakomana waReueri.

15 Zvino hondo yake nevakaverengwa vavo zvuru makumi mana nezvishanu nemazana matanhatu nemakumi mashanu.

16 Vose vakaverengwa mumusasa waRubheni zvuru zana nemakumi mashanu nechuru chimwe nemazana mana nemakumi mashanu, nehondo dzavo. Zvino vachasimuka pechipiri.

17 Zvino tende rekusangana richasimuka pamwe nemusasa wevaRevhi pakati pemusasa; sekudzika kwavo musasa saizvozvo vachasimuka, umwe neumwe panzvimbo yake pamireza yavo.

18 Mureza wemusasa waEfuremu uchava nechekumavirazuva zvichienderana nehondo dzavo; uye muchinda wevanakomana vaEfuremu achava Erishama mwanakomana waAmihudhi.

19 Zvino hondo yake nevakaverengwa vavo zvuru makumi mana nemazana mashanu.

20 Uye kurutivi rwake rudzi rwaManase; uye muchinda wevana vaManase achava Gamarieri, mwanakomana waPedhazuri.

21 Zvino hondo yake nevakaverengwa vavo zvuru makumi matatu nezvuru zviviri nemazana maviri.

22 Nerudzi rwaBhenjamini; uye muchinda wevanakomana vaBhenjamini achava Abhidhani mwanakomana waGidheoni.

23 Zvino hondo yake nevakaverengwa vavo zvuru makumi matatu nezvishanu nemazana mana.

24 Vose vakaverengwa vemusasa waEfuremu zvuru zana nezvisere nezana, nehondo dzavo. Zvino vachasimuka pechitatu.

25 Mureza wemusasa waDhani uchava nechekumaodzanyemba zvichienderana nehondo dzavo; uye muchinda wevana vaDhani achava Ahiezeri mwanakomana waAmishadhai.

26 Zvino hondo yake nevakaverengwa vavo zvuru makumi matanhatu nezviviri nemazana manomwe.

27 Nevanodzika musasa parutivi rwake rudzi rwaAsheri; uye muchinda wevana vaAsheri achava Pagieri mwanakomana waOkirani.

28 Zvino hondo yake nevakaverengwa vavo zvuru makumi mana nechimwe nemazana mashanu.

29 Nerudzi rwaNafutari; uye muchinda wevana vaNafutari achava Ahira mwanakomana waEnani.

30 Zvino hondo yake nevakaverengwa vavo zvuru makumi mashanu nezvitatu nemazana mana.

31 Vose vakaverengwa mumusasa waDhani zvuru zana nemakumi mashanu nezvinomwe nemazana matanhatu. Vachasimuka pekupedzisira nemireza yavo.

32 Ava ndivo vakaverengwa vevana vaIsraeri neimba yemadzibaba avo; vose vakaverengwa vemisasa nehondo dzavo zvuru mazana matanhatu nezvitatu nemazana mashanu nemakumi mashanu.

33 Asi vaRevhi havana kuverengwa pakati pevana vaIsraeri, Jehovha sezvaakaraira Mozisi.

34 Vana vaIsraeri ndokuita sezvose Jehovha zvaakaraira Mozisi; saizvozvo vakadzika misasa pamireza yavo, saizvozvowo vakasimuka, umwe neumwe pamhuri dzake, paimba yemadzibaba ake.