ShonaTeam Numbers « 1 »

Kuverengwa kwevana vaIsraeri

1 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi murenje reSinai, mutende rekusangana, nerekutanga remwedzi wechipiri, mugore rechipiri shure kwekubuda kwavo kubva munyika yeEgipita, achiti:

2 Torai uwandu hweungano yose yevana vaIsraeri zvichienderana nemhuri dzavo, zvichienderana neimba yemadzibaba avo, neuwandu hwemazita, murume umwe neumwe, nemisoro yavo.

3 Kubva pamwanakomana wemakore makumi maviri zvichikwira, vose vanogona kubudira kuhondo kwaIsraeri, muchavaverenga nemauto avo, iwe naAroni.

4 Pachava nemwi murume werudzi rumwe nerumwe, musoro umwe neumwe weimba yemadzibaba ake.

5 Zvino awa mazita evarume vachamira nemwi: WekwaRubheni, Erizuri, mwanakomana waShedheuri.

6 WekwaSimioni, Sherumieri, mwanakomana waZurishadhai.

7 WekwaJudha, Nashoni, mwanakomana waAminadhabhi.

8 WekwaIsasikari, Netaneri, mwanakomana waZuwari.

9 WekwaZebhuruni, Eriabhu, mwanakomana waHeroni.

10 Vekuvana vaJosefa: WekwaEfuremu, Erishama, mwanakomana waAmihudhi; wekwaManase, Gamarieri, mwanakomana waPedhazuri.

11 WekwaBhenjamini, Abhidhani, mwanakomana waGidhioni.

12 WekwaDhani, Ahiezeri, mwanakomana waAmishadhai.

13 WekwaAsheri, Pagieri, mwanakomana waOkirani.

14 WekwaGadhi, Eriasafi, mwanakomana waDheueri.

15 WekwaNafutari, Ahira, mwanakomana waEnani.

16 Ndivo vakadanwa veungano, ari machinda emarudzi emadzibaba avo; yaiva misoro yezvuru kwaIsraeri.

17 Zvino Mozisi naAroni vakatora varume ava vadomewa nemazita.

18 Zvino vakaunganidza ungano yose nerekutanga remwedzi wechipiri, ndokurondedzera marudzi avo pamhuri dzavo, neimba yemadzibaba avo, zvichienderana neuwandu hwemazita, kubva pamwanakomana wemakore makumi maviri zvichikwira, nemisoro yavo.

19 Jehovha sezvaakaraira Mozisi, saizvozvo wakavaverenga murenje reSinai.

20 Zvino vana vaRubheni dangwe raIsraeri, nemazera avo zvichienderana nemhuri dzavo, neimba yemadzibaba avo, zvichienderana neuwandu hwemazita, nemisoro yavo, murume umwe neumwe kubva pamwanakomana wemakore makumi maviri zvichikwira, vose vaigona kubudira kuhondo,

21 vakaverengwa vavo, verudzi rwaRubheni, zvuru makumi mana nezvitanhatu nemazana mashanu.

22 Vekuvana vaSimioni, mazera avo zvichienderana nemhuri dzavo, neimba yemadzibaba avo, vakaverengwa vavo zvichienderana neuwandu hwemazita, nemisoro yavo, murume umwe neumwe kubva pamwanakomana wemakore makumi maviri zvichikwira, vose vaigona kubudira kuhondo,

23 vakaverengwa vavo verudzi rwaSimioni, zvuru makumi mashanu nezvipfumbamwe nemazana matatu.

24 Vekuvana vaGadhi, mazera avo zvichienderana nemhuri dzavo, neimba yemadzibaba avo zvichienderana neuwandu hwemazita, kubva pamwanakomana wemakore makumi maviri zvichikwira, vose vaigona kubudira kuhondo,

25 vakaverengwa vavo verudzi rwaGadhi, zvuru makumi mana nezvishanu nemazana matanhatu nemakumi mashanu.

26 Vekuvana vaJudha, mazera avo zvichienderana nemhuri dzavo, neimba yemadzibaba avo, zvichienderana neuwandu hwemazita, kubva pamwanakomana wemakore makumi maviri zvichikwira, vose vaigona kubudira kuhondo,

27 vakaverengwa vavo verudzi rwaJudha, zvuru makumi manomwe nezvina nemazana matanhatu.

28 Vekuvana vaIsasikari, mazera avo zvichienderana nemhuri dzavo, neimba yemadzibaba avo, zvichienderana neuwandu hwemazita, kubva pamwanakomana wemakore makumi maviri zvichikwira, vose vaigona kubudira kuhondo,

29 vakaverengwa vavo verudzi rwaIsasikari, zvuru makumi mashanu nezvina nemazana mana.

30 Vekuvana vaZebhuruni, mazera avo zvichienderana nemhuri dzavo, neimba yemadzibaba avo, zvichienderana neuwandu hwemazita, kubva pamwanakomana wemakore makumi maviri zvichikwira, vose vaigona kubudira kuhondo,

31 vakaverengwa vavo verudzi rwaZebhuruni, zvuru makumi mashanu nezvinomwe nemazana mana.

32 Vekuvana vaJosefa: Vekuvana vaEfuremu, mazera avo zvichienderana nemhuri dzavo, neimba yemadzibaba avo, zvichienderana neuwandu hwemazita, kubva pamwanakomana wemakore makumi maviri zvichikwira, vose vaigona kubudira kuhondo,

33 vakaverengwa vavo verudzi rwaEfuremu, zvuru makumi mana nemazana mashanu.

34 Vekuvana vaManase, mazera avo zvichienderana nemhuri dzavo, neimba yemadzibaba avo, zvichienderana neuwandu hwemazita, kubva pamwanakomana wemakore makumi maviri zvichikwira, vose vaigona kubudira kuhondo,

35 vakaverengwa vavo, verudzi rwaManase, zvuru makumi matatu nezviviri nemazana maviri.

36 Vekuvana vaBhenjamini, mazera avo zvichienderana nemhuri dzavo, neimba yemadzibaba avo, zvichienderana neuwandu hwemazita, kubva pamwanakomana wemakore makumi maviri zvichikwira, vose vaigona kubudira kuhondo,

37 vakaverengwa vavo, verudzi rwaBhenjamini, zvuru makumi matatu nezvishanu nemazana mana.

38 Vekuvana vaDhani, mazera avo zvichienderana nemhuri dzavo, neimba yemadzibaba avo, zvichienderana neuwandu hwemazita, kubva pamwanakomana wemakore makumi maviri zvichikwira, vose vaigona kubudira kuhondo,

39 vakaverengwa vavo, verudzi rwaDhani, zvuru makumi matanhatu nezviviri nemazana manomwe.

40 Vekuvana vaAsheri, mazera avo zvichienderana nemhuri dzavo, neimba yemadzibaba avo, zvichienderana neuwandu hwemazita, kubva pamwanakomana wemakore makumi maviri zvichikwira, vose vaigona kubudira kuhondo,

41 vakaverengwa vavo, verudzi rwaAsheri, zvuru makumi mana nechimwe nemazana mashanu.

42 Vana vaNafutari, mazera avo zvichienderana nemhuri dzavo, neimba yemadzibaba avo, zvichienderana neuwandu hwemazita, kubva pamwanakomana wemakore makumi maviri zvichikwira, vose vaigona kubudira kuhondo,

43 vakaverengwa vavo, verudzi rwaNafutari, zvuru makumi mashanu nezvitatu nemazana mana.

44 Ava ndivo vakaverengwa, Mozisi naAroni vavakaverenga, nemachinda aIsraeri, vari varume gumi nevaviri, umwe neumwe weimba yababa vake.

45 Vaiva vakadaro vose vakaverengwa vevana vaIsraeri, neimba yemadzibaba avo, kubva pamwanakomana wemakore makumi maviri zvichikwira, vose vaigona kubudira kuhondo kwaIsraeri.

46 Zvino vose vakaverengwa vaiva zvuru mazana matanhatu nezvitatu nemazana mashanu nemakumi mashanu.

47 Asi vaRevhi nerudzi rwemadzibaba avo havana kuverengwa pakati pavo.

48 Nokuti Jehovha waiva ataura kuna Mozisi achiti:

49 Koga usaverenga rudzi rwaRevhi uye usatora uwandu hwavo pakati pevana vaIsraeri.

50 Asi iwe, gadza vaRevhi pamusoro petabhenakeri yechipupuriro, uye pamusoro penhumbi dzayo dzose, nepamusoro pezvinhu zvose zvayo; vachatakura tabhenakeri nenhumbi dzayo dzose, uye vachaishumira, nekudzika misasa kupoteredza tabhenakeri.

51 Nepakusimuka kwetabhenakeri, vaRevhi vachaiwisira pasi; uye kana tabhenakeri ichidzikwa, vaRevhi vachaimisa; uye mweni akaswedera achaurawa.

52 Zvino vana vaIsraeri vachadzika matende, umwe neumwe pamusasa wake, uye umwe neumwe pamureza wake, zvichienderana nehondo dzavo.

53 Asi vaRevhi vachadzika matende kupoteredza tabhenakeri yechipupuriro, kuti kusava nehasha pamusoro peungano yevana vaIsraeri; uye vaRevhi vachachengetedza chirindo chetabhenakeri yechipupuriro.

54 Zvino vana vaIsraeri vakaita zvinoenderana nezvose Jehovha zvaakaraira Mozisi; vakaita saizvozvo.