ShonaTeam Leviticus « 26 »

Maropafadzo ekuteerera

26Musazviitira zvifananidzo, uye musazvimisira mufananidzo wakavezwa kana shongwe iri mufananidzo; musaisa panyika yekwenyu ibwe rine mufananidzo kurifugamira; nokuti ndini Jehovha Mwari wenyu.

2 Muchachengetedza masabata angu, nekukudza imba yangu tsvene; ndini Jehovha.

3 Kana muchifamba nezvimiso zvangu, nekuchengeta mirairo yangu, nekuiita,

4 ipapo ndichapa mvura yenyu panguva yayo, nenyika ichabereka zvibereko zvayo, nemiti yesango ichabereka michero yayo.

5 Nenguva yekupura kwenyu ichasvikira panguva yekukohwa mazambiringa, nenguva yekukohwa mazambiringa ichasvikira panguva yekudzvara; zvino muchadya zvekudya zvenyu mukaguta, nekugara munyika yenyu makachengeteka.

6 Zvino ndichapa rugare panyika, mugorara pasi pagosava neanovhundusa; uye ndichabvisa zvikara zvakaipa panyika, nemunondo haungapfuuri nemunyika yekwenyu.

7 Uye muchadzingirira vavengi venyu, vagowa pamberi penyu nemunondo.

8 Zvino vashanu venyu vachadzingirira zana, nezana renyu richadzingirira zvuru gumi, uye vavengi venyu vachawa nemunondo pamberi penyu.

9 Zvino ndichatendeukira kwamuri, nekukuberekesai, nekukuwanzai, nekusimbisa sungano yangu nemwi.

10 Muchadya zvasharuka zvakachengetwa, mugobudisa zvasharuka nekuda kwezvitsva.

11 Zvino ndichamisa tabhenakeri yangu pakati penyu; nemweya weupenyu wangu haungakusemii.

12 Uye ndichafamba pakati penyu, ndigova Mwari wenyu, nemwi muchava vanhu vangu.

13 Ndini Jehovha Mwari wenyu, wakakubudisai kubva munyika yeEgipita, kuti musava vatapwa vavo; uye ndakavhuna matanda ejoko renyu, ndokukufambisai makarurama.

14 Asi kana musinganditeereri, musingaiti mirairo iyi yose,

15 uye kana muchizvidza zvimiso zvangu, uye kana mweya weupenyu wenyu uchisema mitongo yangu, kuti musaita mirairo yangu yose, kugura sungano yangu,

16 iniwo ndichaita izvi kwamuri: Ndichauisawo kutyisa pamusoro penyu, kuperezeka, nekupisa muviri, zvinopedza meso nekutsvaira mweya. Zvino muchadzvara mbeu yenyu pasina, nokuti vavengi venyu vachaidya.

17 Zvino ndichamisa chiso changu ndichipokana nemwi; uye mucharohwa pamberi pevavengi venyu; uye vanokuvengai vachakutongai; uye muchatiza pasina anokudzingirirai.

18 Asi kana pane izvi musinganditeereri, ipapo ndichakurangai kakapetwa kanomwe nekuda kwezvivi zvenyu.

19 Ipapo ndichagura kuzvikudza kwesimba renyu, ndigoita denga renyu seutare, nenyika yenyu sendarira.

20 Nesimba renyu richaperera pasina, nokuti nyika yenyu haingabereki zvibereko zvayo, nemiti yenyika haingabereki michero yayo.

21 Zvino kana muchifamba zvinopesana neni, musingadi kunditeerera, ndichawedzera matambudziko manomwe pamusoro penyu zvichienderana nezvivi zvenyu.

22 Ndichatumawo zvikara zvesango pakati penyu, zvichakutorerai vana venyu, nekuparadza zvipfuwo zvenyu, nekukuitai vashoma; nenzira dzenyu dzichava renje.

23 Zvino kana musingadzorwi neni nezvinhu izvi, asi muchifamba zvinopesana neni,

24 neniwo ndichafamba zvinopesana nemwi, iniwo ndigokurangaizve kanomwe nekuda kwezvivi zvenyu.

25 Zvino ndichauisa munondo pamusoro penyu, uchatsiva kutsiva kwesungano; kana maungana mumaguta enyu, ndichatuma denda pakati penyu; uye muchakumikidzwa muruoko rwemuvengi.

26 Pandinokuvhunirai mudonzvo wenyu wechingwa, vakadzi gumi vachabheka chingwa chenyu muhovhoni imwe, uye vachidzosera chingwa chenyu neuremu; uye muchadya, asi hamungaguti.

27 Zvino kana musinganditeereri pane izvi, asi muchifamba zvinopesana neni,

28 ipapo neni ndichafamba zvinopesana nemwi mukutsamwa, ndichakurangai kanomwe nekuda kwezvivi zvenyu.

29 Zvino muchadya nyama yevanakomana venyu, nenyama yevanasikana venyu muchadya.

30 Zvino ndichaparadza nzvimbo dzenyu dzakakwirira, nekugura aritari dzenyu dzezuva, nekukanda zvitunha zvenyu pamusoro pezvitunha zvezvifananidzo zvenyu; uye mweya weupenyu wangu uchakusemai.

31 Zvino ndichaita maguta enyu dongo, nekuparadza dzimba dzenyu tsvene, uye handinganhuhwidzi munhuhwi wenyu unotapira.

32 Uye ini ndichaparadza nyika; nevavengi venyu vanogaramo vachashamiswa kwazvo nayo.

33 Zvino ndichakuparadzirai pakati pevahedheni, nekuvhomora munondo shure kwenyu; uye nyika yenyu ichava renje, nemaguta enyu ave dongo.

34 Ipapo nyika ichafarira masabata ayo mazuva ose ekuva kwayo renje, nemwi muri munyika yevavengi venyu; ipapo nyika ichazorora, ichifarira masabata ayo.

35 Mazuva ose ekuva kwayo renje ichazorora, nokuti haina kuzorora pamasabata enyu, pamakagara pairi.

36 Maererano nevakasara pakati penyu, ndichapinza umbwende pamoyo yavo munyika dzevavengi vavo; nekurira kweshizha rinosundwa kuchavadzingirira, uye vachatiza sevanotiza munondo, vagowa pasina anodzingirira.

37 Zvino vachagumburana sevari mberi kwemunondo, pasina anodzingirira; uye hamungavi nesimba rekumira pamberi pevavengi venyu.

38 Zvino muchaparara pakati pevahedheni, nenyika yevavengi venyu ichakudyai.

39 Zvino vanosara pakati penyu vachaonda mukuipa kwavo munyika dzevavengi vavo; uyewo mukuipa kwemadzibaba avo vachaonda pamwe navo.

40 Kana vachireurura kuipa kwavo nekuipa kwemadzibaba avo, nekudarika kwavo kwavakadarika nako kwandiri, uye kutiwo vakafamba zvinopesana neni,

41 neniwo ndakafamba zvinopesana navo, ndikavauisa kunyika yevavengi vavo; zvino kana moyo yavo isina kudzingiswa ikazvininipisa, zvino ipapo vakagamuchira murango wekuipa kwavo;

42 ipapo ndicharangarira sungano yangu naJakove, uye nesungano yangu naIsaka, uye nesungano yangu naAbhurahama, ndichairangarira; nenyika ndichairangarira.

43 Nyikawo ichasiiwa navo, ichafarira masabata ayo, ichaparadzwa vasipo; ivo vachagamuchira murango wekuipa kwavo; nokuti, hongu nokuti vakazvidza mitongo yangu, uye mweya weupenyu wavo wakasema zvimiso zvangu.

44 Asiwo izvi zvakadaro, kana vari munyika yevavengi vavo, handingavarasiri kure, kana kuvasema, kuvapedza, kuputsa sungano yangu navo; nokuti ndini Jehovha Mwari wavo.

45 Asi ndichavarangaririra sungano yemadziteteguru avo, vandakabudisa kubva munyika yeEgipita pamberi pemeso evahedheni, kuti ndive Mwari wavo; ndini Jehovha.

46 Izvi zvimiso nemitongo nemitemo Jehovha yaakapa pakati pake nevana vaIsraeri pagomo reSinai neruoko rwaMozisi.