ShonaTeam Leviticus « 25 »

Gore resabata nereJubheri

25Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi pagomo reSinai achiti:

2 Taura kuvana vaIsraeri ugoti kwavari: Kana masvika munyika yandinokupai, nyika ichazorora, isabata kuna Jehovha.

3 Makore matanhatu uchadzvara munda wako, uye makore matanhatu uchachekerera munda wako wemizambiringa, nekuunganidza michero yayo.

4 Asi mugore rechinomwe kuchava nesabata rekuzorora kwenyika, isabata kuna Jehovha; haungadzvari munda wako uye haungachekereri munda wako wemizambiringa.

5 Haungakohwi magoko egoho rako, uye hamungaunganidzi zvibereko zvemunda wako wemizambiringa usina kuchekererwa; richava gore rekuzorora renyika.

6 Zvino sabata renyika richava zvekudya zvenyu: Zvako, nezvemuranda wako, nezvemurandakadzi wako, nezvemushandi wakahaiwa* wako, nezvemutorwa wako, vagere newe sevaeni;

7 nezvezvipfuwo zvako, nezvemhuka dziri munyika yako; zvibereko zvadzo zvose zvichava zvekudya.

8 Zvino uchazviverengera masabata manomwe emakore, makore manomwe akapetwa kanomwe; kuti mazuva emasabata manomwe emakore ave kwauri makore makumi mana nemapfumbamwe.

9 Ipapo uchapfuudza hwamanda yekurira kukuru mumwedzi wechinomwe nereshanu remwedzi; pazuva rechiyananiso muchapfuudza hwamanda panyika yose yekwenyu.

10 Zvino muchaita dzvene gore regore remakumi mashanu, mugoparidza rusununguko panyika kuvagari vose vayo; richava jubheri kwamuri; uye muchadzokera umwe neumwe kunhaka yake, uye muchadzokera umwe neumwe kurudzi rwake.

11 Gore regore remakumi mashanu richava jubheri kwamuri; musadzvara, uye musakohwa naro magoko, uye musaunganidza naro zvemunda wemizambiringa usina kuchekererwa.

12 Nokuti ijubheri; richava dzvene kwamuri; muchadya zvibereko zvaro paminda.

13 Mugore iri rejubheri muchadzokera umwe neumwe kunhaka yake.

14 Zvino kana uchitengesa chinhu kune wekwako, kana kutenga muruoko rwewekwako, musamanikidzana.

15 Zvichienderana neuwandu hwemakore shure kwejubheri uchatenga kune wekwako; zvichienderana neuwandu hwemakore ezvibereko achakutengesera.

16 Zvichienderana neuzhinji hwemakore achakwidza mutengo wazvo, uye zvichienderana neushoma hwemakore uchadzikisa mutengo wazvo; nokuti anokutengesera uwandu hwegoho.

17 Naizvozvo musamanikidzana, asi utye Mwari wako; nokuti ndini Jehovha Mwari wenyu.

18 Naizvozvo itai zvimiso zvangu, nekuchengeta mitongo yangu, nekuzviita, kuti mugare munyika makachengeteka.

19 Zvino nyika ichabereka zvibereko zvayo, mugodya kusvika maguta, mugogaramo makachengeteka.

20 Zvino kana muchiti: Tichadyei mugore rechinomwe? Tarirai, hatidzvari uye hatiunganidzi zvibereko zvedu;

21 ipapo ndicharaira ropafadzo yangu pamusoro penyu mugore rechitanhatu, zvino richaita zvibereko zvemakore matatu.

22 Zvino muchadzvara mugore rerusere, mugodya pazvibereko zvitsaru, kusvika gore repfumbamwe; muchadya zvitsaru kusvika zvibereko zvaro zvichisvika.

23 Nyika haitengeswi nekusingaperi, nokuti nyika ndeyangu; nokuti muri vatorwa nevagere sevaeni neni.

24 Zvino panyika yose yenhaka yenyu muchapa rudzikunuro rwenyika.

25 Kana umwe wako akava murombo, ndokutengesa zvimwe panhaka yake, ipapo mudzikunuri ari pedo kuna iye akauya achadzikinura zvakatengeswa neumwe wake.

26 Zvino kana munhu asina mudzikunuri, asi ruoko rwake rwuchisvikira, akawana zvinokwana rudzikunuro rwake;

27 ipapo achaverenga makore ekutengeswa kwazvo, agodzosera muraudzo kumunhu waakaitengesera, adzokere kunhaka yake.

28 Asi kana ruoko rwake rusina kuwana zvakakwana kudzikinura kwaari, chakatengeswa chake chichava muruoko rwewakachitenga kusvika gore rejubheri; zvino pajubheri chichabuda, iye agodzokera kunhaka yake.

29 Zvino munhu, kana akatengesa imba yekugara muguta rine rusvingo, ipapo kodzero yerudzikinuro rwayo ichavapo kusvika pakupera kwegore rekutengeswa kwayo; kodzero yekuidzikinura ichavapo gore rose.

30 Zvino kana isina kudzikinurwa mukati megore rakazara kwairi, ipapo imba iri muguta rine rusvingo ichasimbiswa nekusingaperi kune wakaitenga mumazera ake; haingabudi pajubheri.

31 Asi dzimba dzemisha dzisina rusvingo kupoteredza dzichaverengwa semunda wenyika; dzichava rudzikinuro kwadziri, uye dzichabuda pajubheri.

32 Maererano nemaguta evaRevhi, dzimba dzemaguta enhaka yavo, kodzero yerudzikinuro yekusingaperi ichava kuvaRevhi.

33 Zvino kana kune anodzikinura kuvaRevhi, ipapo imba yakatengeswa neguta renhaka yake zvichabuda pajubheri; nokuti dzimba dzemaguta evaRevhi inhaka yavo pakati pevana vaIsraeri.

34 Asi munda wekumacheto kwemaguta avo haungatengeswi, nokuti inhaka yavo nekusingaperi.

35 Zvino kana umwe wako akava murombo, neruoko rwake runodedera anewe, ipapo uchamutsigira, mutorwa kana mweni, kuti ararame pamwe newe.

36 Usatora mubereko kana zvibereko kwaari, asi itya Mwari wako, kuti umwe wako ararame newe.

37 Usamupa mari yako pamubereko, uye usapa kudya kwako pazvibereko.

38 Ndini Jehovha Mwari wenyu, wakakubudisai munyika yeEgipita, kuti ndikupei nyika yeKenani, ndive Mwari wenyu.

39 Zvino kana umwe wako anewe akava murombo ndokuzvitengesa kwauri, usamushandisa basa renhapwa;

40 achava kwauri mushandi wakahaiwa,* semweni; agoshanda newe kusvika gore rejubheri.

41 Ipapo achabuda kwauri, iye nevana vake vanaye, agodzokera kurudzi rwake; nekunhaka yemadzibaba ake achadzokera.

42 Nokuti varanda vangu vandakabudisa munyika yeEgipita; havangatengeswi nekutengeswa kwenhapwa.

43 Usamutonga nehasha, asi utye Mwari wako.

44 Zvose nhapwa yako yechirume nenhapwa yako yechikadzi vauchava navo vachava vevechirudzi vanokupoteredzai; kwavari muchatenga nhapwa yechirume nenhapwa yechikadzi.

45 Uyewo pavana vevatorwa vagere sevaeni pakati penyu, muchatenga kwavari, nepamhuri dzavo dzinemwi dzavakabereka panyika yenyu; uye vachava nhaka yenyu.

46 Zvino muchavatora senhaka yevana venyu vanokuteverai, kuti vagare nhaka; muchavashandisa nekusingaperi; asi pakati pevamwe venyu, vana vaIsraeri, umwe neumwe pamusoro peumwe wake, hamungatongi pamusoro pake nehasha.

47 Zvino kana ruoko rwemweni kana mutorwa agere newe rwukasvikira pafuma, asi umwe wako anaye akava murombo ndokuzvitengesa kumweni agere newe, kana kunhengo yekurudzi rwemutorwa uyo,

48 shure kwekuzvitengesa kungava nerudzikinuro rwake; umwe wemadzikoma ake angamudzikinura;

49 kana babamunini vake, kana mwanakomana wababamunini vake, angamudzikinura, kana hama yake yepedo yenyama kubva kurudzi rwake angamudzikinura; kana ruoko rwake rwukazosvikira, angazvidzikinura.

50 Zvino achaverengerana newakamutenga kubva gore raakazvitengesa kwaari naro kusvika gore rejubheri, kuti mari yekutengeswa kwake ive seuwandu hwemakore; semazuva emushandi wakahaiwa, zvichadaro kwaari.

51 Kana pachine makore mazhinji, zvichienderana nawo achadzorera mutengo werudzikinuro rwake kubva pamari yaakatengwa nayo.

52 Zvino kana kwasara makore mashoma kusvika kugore rejubheri, zvino achaverengerana naye; zvichienderana nemakore ake achadzosa mutengo werudzikinuro rwake.

53 Achava naye semushandi wakahaiwa gore negore; haangamutongi nehasha pamberi pemeso ako.

54 Zvino kana asina kudzikinurwa neizvi, ipapo achabuda negore rejubheri, iye nevana vake pamwe naye.

55 Nokuti kwandiri vana vaIsraeri varanda; varanda vangu vandakabudisa kubva munyika yeEgipita; ndini Jehovha Mwari wenyu.