ShonaTeam Leviticus « 24 »

Kuchengetedzwa kwemwenje

24Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:

2 Raira vana vaIsraeri kuti vaunze kwauri mafuta akakwana emaorivhi akatakirwa kuvhenekera, kuti mwenje ipfute nguva dzose.

3 Kunze kwevheiri rechipupuriro, mutende rekusangana, Aroni achairongedza kubva madekwani kusvika mangwanani pamberi paJehovha rinhi narinhi; chimiso chekusingaperi pamazera enyu.

4 Acharongedza mwenje pachigadziko chemwenje chakazara pamberi paJehovha rinhi narinhi.

5 Zvino uchatora upfu hwakatsetseka, ugobheka makeke gumi nemaviri nahwo; zvegumi zviviri zvichava mukeke rimwe.

6 Zvino uchazviisa mumitsetse miviri, zvitanhatu mumutsetse patafura yakazara pamberi paJehovha.

7 Uye uchaisa chipfungaidzo chinonhuhwira chakazara pamutsetse, kuti chive chechirangaridzo chechingwa, chipo chemoto kuna Jehovha.

8 Pazuva rimwe nerimwe resabata achazvirongedza pamberi paJehovha rinhi narinhi, kubva kuvana vaIsraeri, iri sungano nekusingaperi.

9 Zvino chichava chaAroni nevanakomana vake; uye vachachidyira panzvimbo tsvene; nokuti chitsvene chezvitsvene kwaari pazvipo zvemoto zvaJehovha, chimiso chekusingaperi.

Mirairo pamusoro pekunyomba

10 Zvino wakabuda mwanakomana wemukadzi muIsraeri, waiva mwanakomana wemurume muEgipita pakati pevana vaIsraeri; mwanakomana uyu wemukadzi muIsraeri wakarwa nemurume muIsraeri pamusasa.

11 Zvino mwanakomana wemukadzi muIsraeri wakanyomba zita raJehovha, ndokutuka; zvino vakamuunza kuna Mozisi. Uye zita ramai vake raiva Sheromiti, mwanasikana waDhibhiri, werudzi rwaDhani.

12 Zvino vakamuisa muchitokisi, kuti vanyatsoziviswa zvinoenderana nemuromo waJehovha.

13 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:

14 Budisirai mutuki kunze kwemusasa; uye vose vakamunzwa vaise maoko avo pamusoro pemusoro wake; ungano yose igomutaka nemabwe.

15 Zvino uchataura kuvana vaIsraeri uchiti: Ani nani paanotuka Mwari wake achatakura chivi chake.

16 Neanonyomba zita raJehovha, zvirokwazvo achaurawa; ungano yose ichamutaka-taka nemabwe; mutorwa achava sewakaberekerwa munyika; kana achinyomba zita raJehovha, achaurawa.

17 Zvino munhu anouraya mweya umwe neumwe wemunhu achaurawa zvirokwazvo.

18 Neanouraya upenyu hwemhuka, achairipa, upenyu neupenyu.

19 Zvino munhu, kana akapa urema wekwake, sezvaakaita iye, zvichaitwa saizvozvo kwaari:

20 Kuvhunika nekuvhunika, ziso neziso, zino nezino, sezvaakapa urema umwe, achapiwa saizvozvo.

21 Neanouraya chipfuwo, achachiripa; neanouraya munhu, achaurawa.

22 Muchava nemutemo umwe; mutorwa achava sewakaberekerwa munyika; nokuti ndini Jehovha Mwari wenyu.

23 Zvino Mozisi wakataura kuvana vaIsraeri, kuti vabudisire kunze kwemusasa mutuki, ndokumutaka nemabwe. Vana vaIsraeri ndokuita Jehovha sezvaakaraira Mozisi.