ShonaTeam Leviticus « 23 »

Mitambo yakatarwa

23Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:

2 Taura kuvana vaIsraeri ugoti kwavari: Mitambo yakatarwa yaJehovha yamuchaparidzira ive ungano yakadanwa tsvene; iyi mitambo yangu yakatarwa.

3 Basa richaitwa mazuva matanhatu; asi pazuva rechinomwe isabata rezororo, iungano yakadanwa tsvene; musatongobata basa; isabata raJehovha mumisha yenyu yose.

4 Iyi mitambo yakatarwa yaJehovha, ungano dzakadanwa tsvene, dzamuchaparidzira nenguva dzadzo dzakatarwa:

5 Nemwedzi wekutanga neregumi nemana remwedzi madekwani ipasika yaJehovha.

6 Uye nezuva regumi nemashanu remwedzi iwoyo mutambo wechingwa chisina kuviriswa kuna Jehovha; mazuva manomwe muchadya chingwa chisina kuviriswa.

7 Nezuva rekutanga muchava neungano yakadanwa tsvene; musatongobata basa revaranda.

8 Asi muchapa chipo chemoto kuna Jehovha mazuva manomwe; pazuva rechinomwe iungano yakadanwa tsvene; musatongobata basa revaranda.

9 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:

10 Taura kuvana vaIsraeri ugoti kwavari: Pamuchapinda munyika yandichakupai uye makohwa goho rayo, zvino uyai nechisote chezvibereko zvekutanga zvegoho renyu kumupristi.

11 Zvino achazunguzira chisote pamberi paJehovha, kuti chigamuchirwe kwamuri. Mupristi achachizunguzira nezuva rinotevera sabata.

12 Zvino nezuva ramunozunguzira naro chisote muchapa gwayana risina charingapomerwa regore rimwe chive chipo chinopiswa kuna Jehovha.

13 Nechipo chacho chechidyiwa chichava chezvegumi zviviri zveupfu hwakatsetseka hwakakanyiwa nemafuta, chipo chemoto kuna Jehovha, hwema hunonhuhwira; nechipo chacho chechinwiwa chive chewaini, chechina chehini.

14 Uye hamungadyi chingwa kana zviyo zvakakangwa kana hura itsva kusvika zuva iroro, kusvika mauya nechipo chaMwari wenyu. Chimiso chekusingaperi pamazera enyu pamisha yenyu yose.

15 Zvino muchazviverengera kubva pazuva rinotevera sabata, kubva pazuva ramakauya naro nechisote chechipo chinozunguzirwa; achava masabata manomwe akakwana.

16 Kusvika kwava zuva rinotevera sabata rechinomwe muchaverenga mazuva makumi mashanu; mugopa Jehovha chipo chitsva chechidyiwa.

17 Muchatora kubva mumisha yenyu zvingwa zviviri zvinozunguzirwa zvezvegumi zviviri; zvichava zveupfu hwakatsetseka; zvichabhekewa nembiriso; zvibereko zvitsva kuna Jehovha.

18 Zvino muchapa pamwe nechingwa makwayana manomwe asina chipomerwa egore rimwe, nenzombe diki mhuru yemombe, nemakondohwe maviri; achava chipo chinopiswa kuna Jehovha, pamwe nechipo chazvo chechidyiwa nezvipo zvazvo zvinodururwa, chipo chemoto chehwema hunonhuhwira kuna Jehovha.

19 Uye muchapa mbudzana imwe yembudzi yechipo chezvivi, nemakwayana maviri egore rimwe echibairo chezvipo zvekuyananisa.

20 Zvino mupristi achazvizunguzira pamwe nechingwa chezvibereko zvitsva, chive chipo chinozunguzirwa pamberi paJehovha, pamwe nemakwayana maviri; zvichava zvitsvene kuna Jehovha, zvive zvemupristi.

21 Zvino muchaparidza nezuva iroro; ichava ungano yakadanwa tsvene kwamuri; musatongobata basa revaranda; chive chimiso nekusingaperi pamisha yenyu yose pamazera enyu.

22 Zvino kana muchikohwa goho renyika yenyu, pakukohwa kwako rega kupedza mucheto wemunda wako, uye usaunganidza zvinosara zvegoho rako; uzvisiire murombo nemweni; ndini Jehovha Mwari wenyu.

23 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:

24 Taura kuvana vaIsraeri uchiti: Nemwedzi wechinomwe nerekutanga remwedzi richava kwamuri zororo, chirangaridzo chemutinhiro mukuru wehwamanda, ungano yakadanwa tsvene.

25 Musatongobata basa revaranda; asi ipai chipo chemoto kuna Jehovha.

26 Jehovha ndokutaura kuna Mozisi achiti:

27 Asi neregumi remwedzi uyu wechinomwe richava zuva rechiyananiso; ichava ungano yakadanwa tsvene; mucharwadzisa mweya yeupenyu yenyu, nekupa chipo chemoto kuna Jehovha.

28 Uye nezuva iroro musatongobata basa, nokuti izuva rechiyananiso, kukuitirai chiyananiso pamberi paJehovha Mwari wenyu.

29 Nokuti mweya weupenyu upi neupi usingarwadziwi nezuva iroro uchagurwa kubva pavanhu vekwawo.

30 Nemweya weupenyu upi neupi unobata basa ripi neripi nezuva iroro, ndiwo mweya wandichaparadza kubva pakati pevanhu vekwawo.

31 Musaita basa ripi neripi. Chimiso nekusingaperi pamazera enyu pamisha yenyu yose.

32 Richava kwamuri sabata rezororo, uye mucharwadzisa mweya yeupenyu yenyu; nerepfumbamwe remwedzi madekwani, kubva madekwani kusvika madekwani, muchichengetedza sabata renyu.

33 Jehovha ndokutaura kuna Mozisi achiti:

34 Taura kuvana vaIsraeri uchiti: Nezuva regumi nemashanu remwedzi uyu wechinomwe kuchava nemutambo wematumba mazuva manomwe kuna Jehovha.

35 Nezuva rekutanga ichava ungano yakadanwa tsvene; musaita chero basa revaranda.

36 Mazuva manomwe muchapa chipo chemoto kuna Jehovha; nezuva rerusere muchava neungano yakadanwa tsvene, uye muchapa chipo chemoto kuna Jehovha; iungano yakadzama, musaita chero basa revaranda.

37 Iyi mitambo yaJehovha, yamuchaparidza kuva ungano yakadanwa tsvene, kupa chipo chemoto kuna Jehovha, chipo chinopiswa, nechipo chechidyiwa, chibairo, nezvipo zvinodururwa, chinhu chezuva muzuva racho;

38 kunze kwemasabata aJehovha, uye kunze kwezvipo zvenyu, uye kunze kwemhiko dzenyu dzose, uye kunze kwezvipo zvenyu zvose zvekuzvidira, zvamunopa kuna Jehovha.

39 Asi pazuva regumi nemashanu remwedzi wechinomwe, kana maunganidza goho renyika, muchachengetedza mutambo waJehovha mazuva manomwe; nezuva rekutanga izororo, uye nezuva rerusere izororo.

40 Zvino nezuva rekutanga muchazvitorera zvibereko zvemiti yakanaka, matavi emiti yemichindwe, nematavi emiti zvine mashizha, nemikonachando yemurukova; mugofara pamberi paJehovha Mwari wenyu mazuva manomwe.

41 Zvino muchauchengetedza uri mutambo kuna Jehovha mazuva manomwe pagore; chimiso nekusingaperi kumazera enyu; muchauchengetedza nemwedzi wechinomwe.

42 Imwi muchagara mumatumba mazuva manomwe; vose vakaberekwa kwaIsraeri vachagara mumatumba;

43 kuti mazera enyu azive kuti ndakagarisa vana vaIsraeri mumatumba pandakavabudisa munyika yeEgipita; ndini Jehovha Mwari wenyu.

44 Mozisi ndokutaurira vana vaIsraeri mitambo yakatarwa yaJehovha.