ShonaTeam Leviticus « 22 »

Utsvene hwezvipo

22Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:

2 Taura kuna Aroni nekuvanakomana vake kuti vazvitsaure pazvinhu zvitsvene zvevana vaIsraeri, uye vasasvibisa zita rangu dzvene, nokuti zvitsvene kwandiri. Ndini Jehovha.

3 Uti kwavari: Ani nani kuvana venyu vose kumazera enyu, unopa kuzvinhu zvitsvene, vana vaIsraeri zvavanoita zvitsvene kuna Jehovha, kusachena kwake kuri paari, mweya weupenyu uyo uchagurwa kubva pachiso changu; ndini Jehovha.

4 Ani nani kuvana vaAroni ane maperembudzi kana kuyerera haangadyi pazvinhu zvitsvene, kusvika achena, uye anogunzva chinhu chipi nechipi chakasvibiswa newakafa, kana munhu paari panobuda urume hwekusangana.

5 Kana ani nani anogunzva chipi nechipi chinokambaira chingamusvibisa, kana munhu angamusvibisa, maererano nekusachena kwake kose.

6 Mweya weupenyu unogunzva izvo uchava usina kuchena kusvika madekwani, uye haungadyi pazvinhu zvitsvene, kunze kwekuti asuka nyama yake nemvura.

7 Kana zuva ravira uchava wakachena; uye pashure uchadya pazvinhu zvitsvene; nokuti ndezvekudya zvake.

8 Chakafa choga kana chakabvamburwa haangachidyi kuti azvisvibise nazvo; ndini Jehovha.

9 Naizvozvo vachachengeta murairo wangu kuti vasatakura chivi nekuda kwawo, vagofa nacho, kana vausvibisa; ndini Jehovha ndinovaita vatsvene.

10 Zvino kusava nemweni anodya chinhu chitsvene; agere nemupristi kana mushandi wakahaiwa* haangadyi chinhu chitsvene.

11 Asi mupristi, kana akatenga mweya weupenyu ari mutengo wemari yake, iye angazvidya; uye anoberekerwa mumba make, ivo vachadya zvekudya zvake.

12 Uye mwanasikana wemupristi, kana akava wemweni, iye haangadyi pachipo chezvinhu zvitsvene.

13 Asi mwanasikana wemupristi, kana ari chirikadzi, kana warambiwa, uye asina mwana, akadzokera kumba kwababa vake, sepaudiki hwake, achadya zvekudya zvababa vake; asi hakungavi nemweni anodya pazviri.

14 Zvino munhu, kana achidya chinhu chitsvene nekusaziva, achawedzera cheshanu chacho pachiri, agopa kumupristi chinhu chitsvene.

15 Zvino havangasvibisi zvinhu zvitsvene zvevana vaIsraeri zvavanopa kuna Jehovha;

16 vavaite vatakure kuipa kwemhosva, pavanodya zvinhu zvavo zvitsvene; nokuti ndini Jehovha ndinovaita vatsvene.

Zvipo zvinofanira kuva zvakadini

17 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:

18 Taura kuna Aroni nekuvanakomana vake nekuvana vaIsraeri vose ugoti kwavari: Ani nani weimba yaIsraeri kana wevatorwa pakati paIsraeri achapa chipo chake maererano nemhiko dzavo dzose nemaererano nezvose zvipo zvavo zvekuzvidira zvavanopa kuna Jehovha kuva chipo chinopiswa;

19 kuti mugamuchirike, mukono usina chaungapomerwa, wemombe, wemakwai, kana wembudzi.

20 Musapa chero chipi pachiri pane chipomerwa, nokuti hachingagamuchiriki kwamuri.

21 Zvino ani nani, kana anopa chibairo chezvipo zvekuyananisa kuna Jehovha kuzadzisa mhiko, kana chipo chekuzvidira, pamombe kana pamakwai, chinofanira kuva chakakwana kuti chigamuchirwe; hapangavi nechipomerwa chipi nechipi pazviri.

22 Bofu kana chakavhunika kana chakaremara kana chine ronda rinoyerera ropa kana chine chisasa kana chine mhizi, hamungapi izvi kuna Jehovha, uye musapa pane izvi chipo chemoto kuna Jehovha paaritari.

23 Asi nzombe diki kana gwayana zvine chakarebesa kana chakapfupika pamitezo mungapa kuva chipo chekuzvidira, asi pamhiko hazvingagamuchiriki.

24 Uye musapa kuna Jehovha chine manhu akakuvara, kana akapwanyika, kana akaputswa, kana akachekwa; uye musazviita panyika yenyu.

25 Nezvinobva muruoko rwemutorwa musapa zvekudya zvaMwari wenyu pane chimwe cheizvi, nokuti kuipa kwazvo kuri mazviri, chipomerwa chiri mazviri, hazvingagamuchiriki kwamuri.

26 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:

27 Kana nzombe diki kana gwai kana mbudzi zvichiberekwa, zvino zvichava pasi pamai vazvo mazuva manomwe. Uye kubva pazuva rerusere nekubva ipapo zvichagamuchirwa kuva chipo chechipo chemoto kuna Jehovha.

28 Uye nzombe kana gwai hamungariurayi pamwe nemwana waro pazuva rimwe.

29 Uye kana muchibaira kuna Jehovha chibairo chekuvonga, muchabaira kuti mugamuchirike.

30 Chichadyiwa nemusi iwoyo; hamungasii pachiri kusvika mangwana; ndini Jehovha.

31 Naizvozvo chengetai mirairo yangu, muiite; ndini Jehovha.

32 Uye musasvibisa zita rangu dzvene; asi ndichaitwa mutsvene pakati pevana vaIsraeri; ndini Jehovha anokuitai vatsvene,

33 akakubudisai panyika yeEgipita kuti ndive Mwari wenyu; ndini Jehovha.