ShonaTeam Leviticus « 20 »

Kurangwa kwezvivi

20Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:

2 Utizve kuvana vaIsraeri: Ani nani pavana vaIsraeri kana pavatorwa vagere pakati paIsraeri sevaeni anopa vamwe vevana vake kuna Moreki, zvirokwazvo achaurawa; vanhu venyika vachamutaka nemabwe.

3 Neni ndichaisa chiso changu chichipikisa munhu uyo, uye ndichamugura kubva pakati pevanhu vake, nokuti wakapa vamwe vevana vake kuna Moreki, kuti asvibise imba yangu tsvene, nekumhura zita rangu dzvene.

4 Zvino kana vanhu venyika vakatongoviga zviso zvavo kumunhu uyo kana achipa vamwe vevana vake kuna Moreki, vakasamuuraya,

5 ipapo ini ndichamisa chiso changu ndakapikisana nemunhu uyo nekupikisana nemhuri yake, ndigomugura nevose vanofeva shure kwake kuti vaite ufeve vachitevera Moreki, kubva pakati pevanhu vekwavo.

6 Zvino mweya weupenyu unotendeukira kune vane masvikiro nekuvavuki kuvatevera kuita upombwe, ndichamisa chiso changu chichipikisana nemweya uyo, uye ndichamugura kubva pavanhu vekwawo.

7 Naizvozvo zviitei vatsvene, mugova vatsvene; nokuti ndini Jehovha Mwari wenyu.

8 Zvino muchachengeta zvimiso zvangu, nekuzviita; ndini Jehovha anokuitai vatsvene.

9 Nokuti umwe neumwe anotuka baba vake kana mai vake achaurawa zvirokwazvo; anotuka baba vake kana mai vake; ropa rake riri pamusoro pake.

10 Zvino munhu anoita upombwe nemukadzi wemunhu, nokuti anoita upombwe nemukadzi wewekwake, zvirokwazvo mhombwe nechifeve vachaurawa.

11 Nemunhu anorara nemukadzi wababa vake, wafukura kushama kwababa vake; vose vari vaviri vachaurawa zvirokwazvo; ropa ravo richava pamusoro pavo.

12 Zvino murume, kana akarara nemukadzi wemwanakomana wake, vose vari vaviri vachaurawa zvirokwazvo; vakaita zvinonyangadza; ropa ravo richava pamusoro pavo.

13 Zvino murume akarara nemunhurume sekurara nemukadzi, vose vari vaviri vaita chinyangadzo; vachaurawa zvirokwazvo; ropa ravo richava pamusoro pavo.

14 Zvino munhu, kana akatora mukadzi pamwe namai vake, chinhu chakaipa; vachapiswa nemoto, iye naivo; kuti kurege kuva nechakaipa pakati penyu.

15 Zvino munhu, kana akarara nemhuka, achaurawa zvirokwazvo; uye muchauraya chipfuwo.

16 Zvino mukadzi, kana akaswedera kumhuka ipi neipi kuirarira, uchauraya mukadzi nemhuka; zvichaurawa zvirokwazvo; ropa razvo richava pamusoro pazvo.

17 Zvino munhu, kana akatora hanzvadzi yake, mwanasikana wababa vake, kana mwanasikana wamai vake, ndokuona kushama kwake, iyewo akaona kushama kwake, chinyadzo; vachagurwa pameso evana vevanhu vekwavo; wafukura kushama kwehanzvadzi yake; achatakura mhosva yake.

18 Zvino murume, kana akarara nemukadzi murwere, akafukura kushama kwake, waona chitubu chake, naiye wafukura chitubu cheropa rake; zvino vaviri vavo vachagurwa kubva pakati pevanhu vekwavo.

19 Usafukura kushama kwemwanasikana wamai vamai vako, kana mwanasikana wamai vababa vako; nokuti wafukura hama yako yepedo; vachatakura kuipa kwavo.

20 Zvino murume, kana akarara nemukadzi wababamunini vake, wafukura kushama kwababamunini vake; vachatakura chivi chavo; vachafa vasina vana.

21 Zvino murume, kana akatora mukadzi wemwana wamai vake, chinhu chisina kuchena; wafukura kushama kwemwana wamai vake; vachava vasina vana.

22 Naizvozvo chengetai zvimiso zvangu zvose, nemitongo yangu yose, nekuzviita, kuti nyika kwandinokuisai kugara mairi irege kukurutsai.

23 Zvino musafamba netsika dzerudzi rwandichadzinga pamberi penyu; nokuti vakaita izvozvo zvose, naizvozvo ndakavasema.

24 Asi ndati kwamuri: Imwi muchagara nhaka yenyika yavo, ini ndigoipa kwamuri kuigara nhaka, nyika inoyerera mukaka neuchi; ndini Jehovha Mwari wenyu, wakakutsaurai kubva pandudzi.

25 Naizvozvo isai mutsauko pakati pemhuka dzakachena nedzisina kuchena, uye pakati peshiri dzakachena nedzisina kuchena; kuti murege kuita mweya yeupenyu yenyu inonyangadza nemhuka kana neshiri kana nechipi nechipi chinokambaira pavhu chandakatsaura kwamuri sechisina kuchena.

26 Zvino muchava vatsvene kwandiri, nokuti ini Jehovha ndiri mutsvene, uye ndakakutsaurai kubva pandudzi, kuti muve vangu.

27 Uye murume kana mukadzi, kana vane svikiro mavari, kana muvuki, vachaurawa zvirokwazvo; vachavataka nemabwe; ropa ravo richava pamusoro pavo.