ShonaTeam Leviticus « 19 »

Mirairo yeutsvene

19Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:

2 Taura kuungano yose yevana vaIsraeri, ugoti kwavari: Ivai vatsvene, nokuti ini Jehovha Mwari wenyu ndiri mutsvene.

3 Ityai umwe neumwe mai vake nababa vake, uye muchengete masabata angu; ndini Jehovha Mwari wenyu.

4 Musatendeukira kuzvifananidzo, kana kuzviitira vamwari vakaumbwa nekunyungudusa; ndini Jehovha Mwari wenyu.

5 Zvino kana muchipa chibairo chezvipo zvekuyananisa kuna Jehovha, muchapa kuti mugamuchirike.

6 Chichadyiwa zuva iroro ramunochipa uye chifume; asi zvinosara kusvika zuva retatu zvichapiswa mumoto.

7 Zvino kana chikatongodyiwa nezuva retatu, chinyangadzo, hachigamuchirwi.

8 Naizvozvo anochidya achatakura kuipa kwake, nokuti wamhura chinhu chitsvene chaJehovha; zvino mweya weupenyu uyu uchagurwa kubva pavanhu vekwawo.

9 Zvino kana muchikohwa goho renyika yenyu, rega kukohwa kwazvo micheto yemunda wako, uye usaunganidza zvasara zvegoho rako.

10 Usafuhurudza munda wako wemizambiringa, kana kuunganidza zvawira pasi zvemunda wako wemizambiringa; uchazvisiira murombo nemweni; ndini Jehovha Mwari wenyu.

11 Musaba, uye musanyengedzera, uye musareverana nhema.

12 Musapika nhema nezita rangu, kana kusvibisa zita raMwari wako; ndini Jehovha.

13 Usamanikidza wekwako, kana kupamba. Mubairo wemushandi wakahaiwa usagara kwauri usiku hwose kusvika mangwanani.

14 Usatuka matsi, uye usaisa chipinganidzo mberi kwebofu; asi uchatya Mwari wako; ndini Jehovha.

15 Musaita kusarurama pakutonga; usagamuchira chiso chemurombo, kana kukudza chiso chemukuru; uchatonga wekwako nekururama.

16 Usafamba-famba semucheri pakati pevanhu vekwako; usamirisana neropa rewekwako; ndini Jehovha.

17 Usavenga umwe wako mumoyo mako; uchatsiura kwazvo wekwako, ugosatakura chivi nekuda kwake.

18 Usatsiva, kana kugara nedaka nevana vevanhu vekwako, asi uchada wekwako sezvaunozvida iwe; ndini Jehovha.

19 Chengetai zvimiso zvangu. Usatendera zvipfuwo zvako kurariwa nemarudzi maviri. Usadzvara munda wako nemarudzi maviri embeu; usapfeka nguvo yakarukwa nezvinhu zvemarudzi maviri.

20 Uye murume, kana achirara nemukadzi nekusangana kwembeu ari murandakadzi, wakatsidzira kuwanikwa nemurume, asi asina kutongodzikunurwa, kana rusununguko rwusina kupiwa kwaari, pachava nekurangwa; havangaurawi, nokuti waiva asina kusununguka.

21 Zvino achauya nechipo chake chemhosva kuna Jehovha kumukova wetende rekusangana, gondohwe rechipo chemhosva.

22 Zvino mupristi achamuitira chiyananiso negondohwe rechipo chemhosva pamberi paJehovha nekuda kwechivi chake chaakatadza; zvino chivi chake chaakatadza chichakanganwirwa kwaari.

23 Zvino pamuchasvika munyika, uye masima miti yose yekudya, ipapo muchatora michero yayo sechinhu chisina kudzingiswa; makore matatu ichava kwamuri isina kudzingiswa; haingadyiwi.

24 Asi mugore rechina michero yayo yose ichava mitsvene, rumbidzo kuna Jehovha.

25 Zvino mugore rechishanu muchadya muchero wayo kuti ikuberekerei goho rayo; ndini Jehovha Mwari wenyu.

26 Musadya chine ropa. Musashopera, uye musaita un'anga.

27 Musatenderedza nhivi dzemusoro wenyu, uye musashatisa mativi endebvu yenyu.

28 Musacheka panyama yenyu nekuda kweakafa, uye musaisa nyora dzerupawo pamuri; ndini Jehovha.

29 Usasvibisa mwanasikana wako uchimuitisa chifeve, zvimwe nyika ingapata, nyika ndokuzara nekuipa.

30 Chengetai masabata angu, nekutya imba yangu tsvene; ndini Jehovha.

31 Musatendeukira vane masvikiro, kana vanovuka musavatsvaka, kuti musvibiswe navo; ndini Jehovha Mwari wenyu.

32 Simukira musoro wakachena, ugokudza chiso chemutana, uye utye Mwari wako; ndini Jehovha.

33 Zvino kana mutorwa agere newe semweni panyika yenyu, usamurwadzisa.

34 Mutorwa agere nemwi semweni achava kwamuri sewakaberekerwa pakati penyu, uye uchamuda sezvaunozvida iwe, nokuti imwi maiva vatorwa munyika yeEgipita; ndini Jehovha Mwari wenyu.

35 Musaita kusarurama pamutongo, pakureba, pakuyera kurema, kana pachiyero.

36 Ivai nezviyero zvakarurama, zvekuenzanisa zvakarurama, efa yakarurama, nehini yakarurama; ndini Jehovha Mwari wenyu wakakubudisai munyika yeEgipita.

37 Naizvozvo chengetai mitemo yangu yose nemitongo yangu yose, kuti muzviite; ndini Jehovha.