ShonaTeam Leviticus « 18 »

Kusangana kwemurume nemukadzi kusingatenderwi

18Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:

2 Taura kuvana vaIsraeri ugoti kwavari: Ndini Jehovha Mwari wenyu.

3 Musaita semabasa enyika yeEgipita kwamaiva mugere, uye musaita semabasa enyika yeKenani, kwandinokuisai kwairi; uye musafamba mumirairo yavo.

4 Muchachengeta mitongo yangu nekuchengeta mirairo yangu, kuti mufambe mazviri. Ndini Jehovha Mwari wenyu.

5 Naizvozvo muchachengeta mitemo yangu, nemitongo yangu; izvo kana munhu akaita achararama mazviri; ndini Jehovha.

6 Ngakurege kutongoswedera munhu kuna ani nani ari hama yake yepedo kufukura kushama; ndini Jehovha.

7 Usafukura kushama kwababa vako kana kushama kwamai vako; ndimai vako, usafukura kushama kwavo.

8 Usafukura kushama kwemukadzi wababa vako; kushama kwababa vako.

9 Kushama kwehanzvadzi yako, mwanasikana wababa vako, kana mwanasikana wamai vako, akaberekerwa mumusha kana akaberekerwa kunze, usafukura kushama kwavo.

10 Kushama kwemwanasikana wemwanakomana wako, kana mwanasikana wemwanasikana wako, usafukura kushama kwavo; nokuti ndivo kushama kwako.

11 Kushama kwemwanasikana wemukadzi wababa vako, wakaberekwa nababa vako, ihanzvadzi yako, usafukura kushama kwake.

12 Usafukura kushama kwehanzvadzi yababa vako; ihama yepedo yababa vako.

13 Usafukura kushama kwemwanasikana wamai vamai vako, nokuti ihama yepedo yamai vako.

14 Usafukura kushama kwemwanakomana wamai wababa vako; usaswedera kumukadzi wake; mukadzi wemwana wamai vako.

15 Usafukura kushama kwemuroora wako; mukadzi wemwanakomana wako; usafukura kushama kwake.

16 Usafukura kushama kwemukadzi wemwana wamai vako; kushama kwemwana wamai wako.

17 Usafukura kushama kwemukadzi pamwe nemwanasikana wake; usatora mwanasikana wemwanakomana wake kana mwanasikana wemwanasikana wake, kufukura kushama kwake; ihama dzepedo; zvakaipa.

18 Uye usatora mukadzi pamwe nemunin'ina wake, kumurwadzisa, kufukura kushama kwake pamwe naye paupenyu hwake.

19 Uye usaswedera kumukadzi kufukura kushama kwake pakusachena kwekuva kwake kumwedzi.

20 Zvakadaro usapa mbeu yekusangana kwako kumukadzi wewekwako, kuva usina kuchena naye.

21 Usapa umwe wevana vako kuti agure nemumoto kuna Moreki; uye usamhura zita raMwari wako; ndini Jehovha.

22 Usarara nemurume sezvinorarwa nemukadzi; chinyangadzo.

23 Uye usarara nemhuka ipi neipi kuti uve usina kuchena nayo; nemukadzi ngaarege kumira pamberi pechipfuwo kuti achirarire; chikanganisiko.

24 Usazvisvibisa pane chimwe chezvinhu izvi; nokuti vahedheni vanosvibiswa nezvinhu izvi zvose, vandinodzinga pamberi penyu;

25 nenyika yava isina kuchena; naizvozvo ndinotsiva kuipa kwayo pairi, nyika igorutsa vagari vayo.

26 Naizvozvo imwi muchachengeta mitemo yangu nemitongo yangu, uye musingaiti chimwe chezvinyangadzo izvi, umwe wenyika yenyu, kana ari mutorwa agere semweni pakati penyu.

27 Nokuti zvose zvinyangadzo izvi vanhu venyika iyi vakaita, ivo vaiva mberi kwenyu; nyika ndokuva isina kuchena;

28 kuti nyika irege kukurutsai, kana maisvibisa, sezvayakarutsa vanhu vakakutangirai.

29 Nokuti ani nani anoita chimwe chezvinyangadzo izvi, mweya yeupenyu inozviita ichagurwa kubva pakati pevanhu vekwayo.

30 Naizvozvo muchachengeta murairo wangu, kuti musaita imwe yetsika dzezvinyangadzo izvi, dzaiitwa musati mavapo, kuti murege kuzvisvibisa nazvo; ndini Jehovha Mwari wenyu.