ShonaTeam Leviticus « 17 »

Mirairo yekubaya

17Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:

2 Taura kuna Aroni nekuvanakomana vake nekuvana vaIsraeri vose, ugoti kwavari: Iri ishoko Jehovha raakaraira achiti:

3 Munhu upi neupi weimba yaIsraeri anouraya nzombe kana gwayana kana mbudzi mumusasa, kana anourayira kunze kwemusasa,

4 asina kuzviuisa pamukova wetende rekusangana kupa chipo kuna Jehovha pamberi petabhenakeri yaJehovha, ropa richaverengerwa kumunhu uyu; wateura ropa; munhu uyu achagurwa kubva pakati pevanhu vekwake.

5 Kuti vana vaIsraeri vauye nezvipo zvavo zvavanopa kubani, vauye nazvo kuna Jehovha kumukova wetende rekusangana kumupristi, vagozvipa kuva chibairo chekuyananisa kuna Jehovha.

6 Zvino mupristi achasasa ropa paaritari yaJehovha pamukova wetende rekusangana ndokupisa mafuta kuva hwema hunonhuhwira kuna Jehovha.

7 Zvino havachapizve zvibairo zvavo kumadhimoni, avaitevera pakupata kwavo. Ichi chichava chimiso nekusingaperi kwavari kumazera avo.

8 Utiwo kwavari: Upi neupi weimba yaIsraeri, kana yevatorwa vagere pakati pavo sevaeni, anopisira chipo chinopiswa kana chibairo,

9 asingauyi nacho kumukova wetende rekusangana, kuchipa kuna Jehovha, munhu uyuwo achagurwa kubva pavanhu vekwake.

Ropa harifaniri kudyiwa

10 Munhu upi neupi weimba yaIsraeri kana wevatorwa vagere pakati pavo sevaeni anodya ropa ripi neripi, ndichamisa chiso changu kurwisana nemweya weupenyu uyo unodya ropa, ndigougura pakati pevanhu vekwawo.

11 Nokuti upenyu hwenyama huri muropa; uye ini ndakakupai iro paaritari, kuitira mweya yenyu chiyananiso; nokuti iro iropa rinoitira mweya chiyananiso.

12 Naizvozvo ndakati kuvana vaIsraeri: Kusava nemweya weupenyu kwamuri unodya ropa; uye mutorwa agere pakati penyu semweni haangadyi ropa.

13 Uye ani nani pavana vaIsraeri, kana pavatorwa vagere pakati pavo sevaeni, wakabata pakuvhima mhuka kana shiri inodyiwa achadurura ropa rayo, ndokurifukidza neguruva;

14 nokuti upenyu hwenyama yose, ropa razvo ndere upenyu hwazvo; naizvozvo ndakati kuvana vaIsraeri: Musadya ropa renyama ipi neipi, nokuti upenyu hwenyama yose iropa rayo; ani nani anoridya achagurwa.

15 Zvino mweya weupenyu umwe neumwe, pakati pevakaberekerwa pakati penyu, kana pakati pevatorwa, unodya chakafa choga kana chakabvamburwa nezvikara, achasuka nguvo dzake nekuzvishambidza mumvura, ave asina kuchena kusvika madekwani; ipapo achava wakachena.

16 Asi kana asingadzisuki, kana kushamba nyama yake, achatakura kuipa kwake.