ShonaTeam Leviticus « 16 »

Zuva guru rekuyananisira

16Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi, shure kwekufa kwevanakomana vaviri vaAroni, pakuswedera kwavo pamberi paJehovha vakafa.

2 Jehovha ndokuti kuna Mozisi: Taura kuna Aroni mukoma wako kuti asapinda nguva dzose panzvimbo tsvene mukati mevheiri pamberi pechigaro chengoni chiri pamusoro peareka, kuti asafa; nokuti ndichaonekwa mugore pamusoro pechigaro chengoni.

3 Neizvi Aroni achapinda munzvimbo tsvene: Nenzombe diki, mhuru yemombe, ive chipo chezvivi, negondohwe rive chipo chinopiswa.

4 Achapfeka nguvo tsvene refu yemucheka, uye kuchava nezvikadubura zvemukati zvemucheka panyama yake, agosungwa chiuno nebhanhire remucheka, nekudzika ngundu yemucheka; ndidzo nguvo tsvene; saka achashamba nyama yake nemvura, agozvipfeka.

5 Zvino achatora paungano yevana vaIsraeri nhongo mbiri chive chipo chezvivi, negondohwe rimwe chive chipo chinopiswa.

6 Zvino Aroni achapa nzombe diki yechipo chezvivi iri yake, agozviitira chiyananiso uye kuitira imba yake.

7 Zvino achatora mbudzi mbiri, agodziisa pamberi paJehovha pamukova wetende rekusangana.

8 Uye Aroni achakanda mijenya pamusoro pembudzi mbiri: Umwe mujenya waJehovha neumwe mujenya wembudzi yekurasira.

9 Zvino Aroni achauya nembudzi apo pawira mujenya kuna Jehovha, ndokuipa chive chipo chezvivi.

10 Asi mbudzi apo pawira mujenya kuva mbudzi yekurasira ichaiswa iri mhenyu pamberi paJehovha, kuti aite chiyananiso nayo, kuiregedza kuva mbudzi yekurasira iende murenje.

11 Zvino Aroni achauya nenzombe diki yechipo chezvivi chiri chake, agozviitira chiyananiso, nekuitira imba yake, agouraya nzombe diki yechipo chezvivi chiri chake.

12 Zvino achatora hadyana yezvipfungaidzo zvinonhuhwira izere nemazimbe emoto unobva paaritari pamberi paJehovha, nemaoko ake azere nezvipfungaidzo zvinonhuhwira zvinotapira zvakakuyiwa, ndokuuya nazvo mukati mevheiri,

13 agoisa zvipfungaidzo zvinonhuhwira pamusoro pemoto pamberi paJehovha, kuti gore reutsi hwezvipfungaidzo zvinonhuhwira rifukidze chigaro chengoni chiri pamusoro pechipupuriro, kuti asafa.

14 Zvino achatora rimwe reropa renzombe diki, agosasa nemunwe wake pamusoro pechigaro chengoni nechekumabvazuva; nerimwe reropa achasasa nemunwe wake kanomwe pamberi pechigaro chengoni.

15 Ipapo achauraya mbudzi yechipo chezvivi chiri chevanhu, ndokuuya neropa rayo mukati mevheiri, agoita neropa rayo sezvaakaita neropa renzombe diki, agorisasa pachigaro chengoni nepamberi pechigaro chengoni.

16 Zvino achaitira nzvimbo tsvene chiyananiso nekuda kwekusachena kwevana vaIsraeri, uye nekuda kwekudarika kwavo muzvivi zvavo zvose; saizvozvowo achaitira tende rekusangana rinogara navo pakati pekusachena kwavo.

17 Zvino kusava nemunhu mutende rekusangana paanopinda kuita chiyananiso panzvimbo tsvene kusvika abuda; uye azviitira chiyananiso nekuitira imba yake uye kuitira ungano yose yaIsraeri.

18 Ipapo achabudira kuaritari iri pamberi paJehovha, agoiitira chiyananiso; agotora rimwe reropa renzombe diki nerimwe reropa rembudzi ndokuisa panyanga dzearitari kupoteredza.

19 Zvino achasasa rimwe reropa kanomwe pamusoro payo nemunwe wake, ndokuinatsa nekuiita tsvene pakusachena kwevana vaIsraeri.

20 Zvino kana apedza kuyananisira nzvimbo tsvene netende rekusangana nearitari, achapa mbudzi mhenyu.

21 Zvino Aroni achaisa maoko ake maviri pamusoro pemusoro wembudzi mhenyu, ndokureurura pamusoro payo zvakaipa zvose zvevana vaIsraeri nekudarika kwavo kose, muzvivi zvavo zvose; achizviisa pamusoro pemusoro wembudzi, ndokuiregedza neruoko rwemurume akagadzirira, iende kurenje.

22 Zvino mbudzi iyo ichatakurira pamusoro payo zvakaipa zvavo zvose kunyika yakaparadzaniswa; agoregedzera mbudzi iyo murenje.

23 Zvino Aroni achapinda mutende rekusangana agobvisa nguvo dzemucheka dzaanopfeka pakupinda kwake panzvimbo tsvene, ndokudzisiyapo.

24 Zvino achashambidza nyama yake nemvura munzvimbo tsvene, ndokupfeka nguvo dzake ndokubuda, agopa chipo chake chinopiswa nechipo chinopiswa chevanhu, agozviitira chiyananiso nekuitira vanhu.

25 Zvino achapisa mafuta echipo chezvivi pamusoro pearitari.

26 Zvino anoregedza nhongo sembudzi yekurasira achasuka nguvo dzake, ndokushambidza nyama yake mumvura, uye shure kweizvozvo apinde mumusasa.

27 Asi nzombe diki yechipo chezvivi nembudzi yechipo chezvivi, zveropa rakapinzwa panzvimbo tsvene kuita chiyananiso, zvichatakurirwa kunze kwemusasa; zvino vachapisa mumoto matehwe azvo nenyama yazvo nemazvizvi azvo.

28 Neanozvipisa achasuka nguvo dzake nekushamba nyama yake mumvura, shure kweizvozvo agopinda mumusasa.

29 Zvino chichava chimiso nekusingaperi kwamuri: Nemwedzi wechinomwe, nezuva regumi remwedzi, mucharwadzisa mweya yeupenyu yenyu, musaita chero basa, wakaberekerwa panyika kana mweni agere semweni pakati penyu.

30 Nokuti nezuva iro achakuitirai chiyananiso, kuti akunatsei; mugova vakachena pazvivi zvenyu zvose pamberi paJehovha.

31 Isabata rezororo kwamuri, uye mucharwadzisa mweya yeupenyu yenyu; chimiso nekusingaperi.

32 Zvino mupristi wakazodzwa wakatsaurirwa kubata paupristi panzvimbo yababa vake, achaita chiyananiso agopfeka nguvo dzemucheka, idzo nguvo tsvene;

33 agoitira nzvimbo tsvene chiyananiso, uye achaitira tende rekusangana nearitari chiyananiso; uye achaitira vapristi nevanhu vose veungano chiyananiso.

34 Zvino ichi chichava chimiso chekusingaperi kwamuri, kuitira chiyananiso vana vaIsraeri kamwe pagore pamusoro pezvivi zvavo. Akaita Jehovha sezvaakaraira Mozisi.