ShonaTeam Leviticus « 15 »

Mirairo yevarume nevakadzi vasina kuchena

15Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi nekuna Aroni achiti:

2 Taurai kuvana vaIsraeri mugoti kwavari: Kana murume upi neupi ane zvinoyerera kubva panyama yake, pakuyerera kwake haana kuchena.

3 Uku kuchava kusachena kwake pakuyerera kwake: Kana nyama yake ichiyerera zvinoyerera zvayo, kana nyama yake iri yamira pakuyerera kwayo, ndiko kusachena kwake.

4 Mubhedha umwe neumwe waanorara pauri ane kuyerera uchava usina kuchena; nechose chinhu chaanogara pachiri chichava chisina kuchena.

5 Zvino ani nani anogunzva mubhedha wake achasuka nguvo dzake nekushamba mumvura, ave asina kuchena kusvika madekwani.

6 Zvino ani nani anogara pane chinhu chakagara ane kuyerera achasuka nguvo dzake nekushamba mumvura, agova asina kuchena kusvika madekwani.

7 Neanogunzva nyama yeane kuyerera achasuka nguvo dzake, agoshamba mumvura, agova asina kuchena kusvika madekwani.

8 Zvino kana ane kuyerera akapfira pane wakachena, ipapo achasuka nguvo dzake ndokushamba mumvura, agova asina kuchena kusvika madekwani.

9 Chigaro chekutasvisa mhuka chipi nechipi panotasva ane kuyerera chichava chisina kuchena.

10 Uye ani nani anogunzva chero chinhu chaiva chiri pasi pake achava asina kuchena kusvika madekwani; uye anotakura zvinhu izvo achasuka nguvo dzake agoshamba mumvura, agova asina kuchena kusvika madekwani.

11 Zvino ani nani waanogunzva iye ane kuyerera, uye asina kusukurudza maoko ake mumvura, achasuka nguvo dzake, agoshamba mumvura, agova asina kuchena kusvika madekwani.

12 Nemudziyo wevhu, waanogunzva ane kuyerera, uchaputsiwa, uye mudziyo umwe neumwe wedanda uchasukurudzwa mumvura.

13 Zvino kana ane kuyerera akanatswa pakuyerera kwake, ipapo achazviverengera mazuva manomwe ekuzvinatsa kwake, agosuka nguvo dzake, ndokushamba nyama yake mumvura inoyerera, agova wakachena.

14 Zvino nezuva rerusere achazvitorera njiva mbiri kana vana vaviri vehangaiwa, agouya pamberi paJehovha kumukova wetende rekusangana, ndokuzvipa kumupristi.

15 Zvino mupristi achazvipa, imwe ive chipo chezvivi, neimwe ive chipo chinopiswa; zvino mupristi achamuitira chiyananiso pamberi paJehovha pakuyerera kwake.

16 Zvino murume, kana urume hwekusangana hukabuda maari, ipapo achasuka nyama yake yose mumvura, agova asina kuchena kusvika madekwani.

17 Nenguvo ipi neipi nedehwe ripi neripi zvine urume hwekusangana zvichasukwa nemvura, zvigova zvisina kuchena kusvika madekwani.

18 Nemukadzi murume waacharara naye neurume hwekusangana, vachashamba mumvura, vagova vasina kuchena kusvika madekwani.

19 Zvino kana mukadzi ane kuyerera, kunoyerera panyama yake riri ropa, achava pakusachena kwake mazuva manomwe; uye ani nani anomugunzva achava asina kuchena kusvika madekwani.

20 Nechipi nechipi chaanorara pamusoro pacho pakusachena kwake chichava chisina kuchena; chipi nechipiwo chaanogara pamusoro pacho chichava chisina kuchena.

21 Zvino ani nani anogunzva mubhedha wake achasuka nguvo dzake, nekushamba mumvura, agova asina kuchena kusvika madekwani.

22 Uye ani nani anogunzva chipi nechipi chinhu chaanogara pachiri achasuka nguvo dzake agoshamba mumvura, agova asina kuchena kusvika madekwani.

23 Zvino kana chiri pamubhedha kana pane chipi chaanogara pachiri, kana akachigunzva, achava asina kuchena kusvika madekwani.

24 Uye kana murume upi neupi akatongorara naye, uye kusachena kwake kuchiri pamusoro pake, achava asina kuchena mazuva manomwe; uye mubhedha wose waanorara pauri uchava usina kuchena.

25 Zvino mukadzi, kana kuyerera kweropa rake kukayerera mazuva mazhinji, isiri nguva yekuva kwake kumwedzi, uye kana zvakadarikidza kuyerera kwekuva kwake kumwedzi, mazuva ose ekuyerera kwekusachena kwake achava semazuva ekuva kwake kumwedzi; haana kuchena.

26 Mubhedha upi neupi paanorara pauri mazuva ose ekuyerera kwake uchava kwaari semubhedha wekuva kwake kumwedzi; nechinhu chipi paanogara pachiri chichava chisina kuchena, sekusachena kwekuva kwake kumwedzi.

27 Zvino ani nani anogunzva zvinhu izvo achava asina kuchena; zvino achasuka nguvo dzake, agoshamba mumvura, agova asina kuchena kusvika madekwani.

28 Asi kana achena pakuyerera kwake, ipapo achazviverengera mazuva manomwe; uye shure kweizvozvo achava wakachena.

29 Zvino nezuva rerusere achazvitorera njiva mbiri kana vana vaviri vehangaiwa, auye nazvo kumupristi, kumukova wetende rekusangana.

30 Zvino mupristi achapa imwe chive chipo chezvivi, neimwe chipo chinopiswa; mupristi agomuitira chiyananiso pamberi paJehovha pakuyerera kwekusachena kwake.

31 Saizvozvo muchaparadzanisa vana vaIsraeri pakusachena kwavo, kuti varege kufa pakusachena kwavo, kana vachisvibisa tabhenakeri yangu iri pakati pavo.

32 Uyu murairo weane kuyerera, neuyo kunobuda kwaari urume hwekusangana, akazosvibiswa nazvo,

33 neanorwara nekuva kwake kumwedzi, neanoyerera kuyerera kwake, pamurume nepamukadzi, nepane anorara naiye asina kuchena.