ShonaTeam Leviticus « 14 »

Kunatswa kwemunhu ane maperembudzi

14Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:

2 Uyu uchava murairo weane maperembudzi nezuva rekunatswa kwake, kana auyiswa kumupristi.

3 Zvino mupristi achabuda kunze kwemusasa, uye mupristi achaona, zvino tarira, hosha yemaperembudzi yarapika kune ane maperembudzi;

4 zvino mupristi acharaira kuti atorere achanatswa shiri mbiri mhenyu dzakachena, nedanda remusidhari, nezvitsvuku, nehisopi.

5 Zvino mupristi acharaira kuti shiri imwe iurawe mumudziyo wevhu, pamusoro pemvura inoyerera.

6 Shiri mhenyu achaitora, nedanda remusidhari, nezvitsvuku, nehisopi, ndokuzvinyika neshiri mhenyu muropa reshiri yakaurawa pamusoro pemvura inoyerera.

7 Zvino achasasa pamusoro peachanatswa kubva pamaperembudzi kanomwe, ndokureva kuti wakachena; agosunungura shiri mhenyu iende mubani.

8 Zvino uyo achanatswa achasuka nguvo dzake nekuveura vhudzi rake rose, ndokuzvishambidza mumvura, kuti ave wakachena; zvino shure kweizvozvo achapinda mumusasa, asi agare kunze kwetende rake mazuva manomwe.

9 Zvino zvichaitika nezuva rechinomwe kuti achaveura vhudzi rake rose, musoro wake nendebvu dzake netsiye dzake, uye vhudzi rake rose achariveura, agosuka nguvo dzake, achashambawo muviri wake mumvura, agova wakachena.

10 Zvino nezuva rerusere achatora makwayana maviri makono asina chaangapomerwa, negwayana rimwe gadzi rine gore rimwe risina charingapomerwa, nezvikamu zvitatu zvechegumi cheupfu hwakatsetseka, chipo chechidyiwa, chakakanyiwa nemafuta, nerogi imwe yemafuta.

11 Zvino mupristi anonatsa achauya nemunhu achanatswa nezvinhu izvi pamberi paJehovha, pamukova wetende rekusangana.

12 Zvino mupristi achatora gwayana rimwe, ndokuripa kuva chipo chemhosva, nerogi yemafuta, ndokuzvizunguzira, chive chipo chekuzunguzira pamberi paJehovha.

13 Zvino achabaya gwayana panzvimbo paachauraira chipo chezvivi nechipo chinopiswa panzvimbo tsvene; nokuti chipo chemhosva, ndechemupristi sechipo chezvivi; chitsvene chezvitsvene.

14 Zvino mupristi achatora rimwe reropa rechipo chemhosva, mupristi ndokuriisa pamucheto wenzeve yerudyi yeachanatswa, nepagunwe reruoko rwake rwerudyi, nepagunwe rerutsoka rwake rwerudyi.

15 Zvino mupristi achatora parogi yemafuta ndokudira muchanza cheruoko rwake rweruboshwe.

16 Zvino mupristi achanyika munwe wake werudyi mumafuta ari muruoko rwake rweruboshwe, agosasa amwe emafuta nemunwe wake kanomwe pamberi paJehovha.

17 Zvino pane anosara emafuta ari muruoko rwake mupristi achaaisa pamucheto wenzeve yerudyi yeachanatswa, nepagunwe reruoko rwake rwerudyi, nepagunwe rerutsoka rwake rwerudyi, pamusoro peropa rechipo chemhosva.

18 Anosara emafuta ari muruoko rwemupristi achaaisa pamusoro weachanatswa; mupristi agomuitira chiyananiso pamberi paJehovha.

19 Zvino mupristi achagadzira chipo chezvivi, agoitira chiyananiso achanatswa pakusachena kwake; uye pashure achauraya chipo chinopiswa.

20 Zvino mupristi achapa chipo chinopiswa nechipo chechidyiwa paaritari, mupristi agomuitira chiyananiso, agova wakachena.

21 Zvino kana ari murombo, neruoko rwake rwusingasvikiri, ipapo achatora gwayana rimwe rive chipo chemhosva chekuzunguzira, kumuitira chiyananiso, nechegumi cheupfu hwakatsetseka hwakakanyiwa nemafuta, chive chipo chechidyiwa, nerogi yemafuta,

22 nenjiva mbiri kana vana vaviri vehangaiwa, izvo ruoko rwake rwuchasvikira; imwe igova chipo chezvivi uye imwe chipo chinopiswa.

23 Uye nezuva rerusere achazviunza kuitira kunatswa kwake kumupristi kumukova wetende rekusangana pamberi paJehovha.

24 Zvino mupristi achatora gwayana rechipo chemhosva, nerogi yemafuta, mupristi agozvizunguzira chive chipo chinozunguzirwa pamberi paJehovha.

25 Zvino achauraya gwayana rechipo chemhosva, mupristi agotora rimwe reropa rechipo chemhosva ndokuriisa pamucheto wenzeve yerudyi yeachanatswa, nepagunwe reruoko rwake rwerudyi, nepagunwe rerutsoka rwake rwerudyi.

26 Zvino mupristi achadira amwe emafuta muchanza cheruoko rwemupristi rweruboshwe.

27 Mupristi agosasa nemunwe wake werudyi amwe emafuta ari muruoko rwake rweruboshwe kanomwe pamberi paJehovha.

28 Zvino mupristi achaisa amwe emafuta ari muruoko rwake pamucheto wenzeve yerudyi yeachanatswa, nepagunwe reruoko rwake rwerudyi, nepagunwe rerutsoka rwake rwerudyi, panzvimbo yeropa rechipo chemhosva.

29 Mafuta akasara ari muruoko rwemupristi achaisa pamusoro weachanatswa, kumuitira chiyananiso pamberi paJehovha.

30 Zvino achagadzira imwe yenjiva kana pavana vehangaiwa, kubva pane icho ruoko rwake charwunosvikira.

31 Icho ruoko rwake charwunosvikira, imwe chipo chezvivi, uye imwe chipo chinopiswa, pamwe nechipo chechidyiwa; mupristi agoitira chiyananiso uyo achanatswa pamberi paJehovha.

32 Uyu murairo wepaari pane hosha yemaperembudzi, weruoko rwusingasvikiri pakunatswa kwake.

33 Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi nekuna Aroni achiti:

34 Kana masvika kunyika yeKenani, yandinokupai kuva nhaka yenyu, zvino ndikaisa hosha yemaperembudzi muimba yenyika yenhaka yenyu,

35 ane imba achauya ndokuudza mupristi, achiti: Zvinoratidza kwandiri senge hosha muimba.

36 Ipapo mupristi acharaira kuti vabudise zviri muimba mupristi asati apinda kunoona hosha, kuti zvose zviri muimba zvisaitwa zvisina kuchena; zvino shure kweizvozvo mupristi achapinda kunoona imba.

37 Zvino achatarira hosha; zvino tarira, hosha iri mumadziro eimba ine mwena-mwena seruvara rwemashizha kana kutsvukuruka, uye kuonekwa kwayo kwakadzika kupfuura madziro.

38 Zvino mupristi achabuda paimba ndokuenda kumukova weimba, ndokupfiga imba mazuva manomwe.

39 Zvino mupristi achadzoka nezuva rechinomwe, agotarira; zvino tarira, hosha yakapararira pamadziro eimba,

40 zvino mupristi acharaira kuti vabvise mabwe ane hosha iri paari vagoakandira kunze kweguta kunzvimbo isina kuchena.

41 Uye achaita kuti imba iparwe mukati kupoteredza, uye vachadurura mavhu avanopara kunze kweguta kunzvimbo isina kuchena.

42 Zvino vachatora amwe mabwe ndokuisa panzvimbo yemabwe iwayo, uye achatora rimwe ivhu agodzura imba.

43 Zvino kana hosha ikadzoka ndokubuda mumba, shure kwekunge abvisa mabwe uye shure kwekunge apara imba, uye shure kwekunge yadzurwa,

44 zvino mupristi achauya ndokutarira, zvino tarira, hosha yapararira mumba, maperembudzi akaipa mumba, haina kuchena.

45 Zvino achaputsa imba, mabwe ayo, nematanda ayo, nevhu rose reimba, ndokutakurira kunze kweguta kunzvimbo isina kuchena.

46 Uye ani nani anopinda muimba pamazuva ose ayakapfigwa achava asina kuchena kusvika madekwani.

47 Neanorara muimba iyo achasuka nguvo dzake, uye anodyira muimba iyo achasuka nguvo dzake.

48 Zvino kana mupristi akapinda nekupinda ndokutarira, zvino tarira, hosha haina kupararira mumba shure kwekunge imba yadzurwa, zvino mupristi achareva kuti imba yakachena, nokuti hosha yapora.

49 Zvino kuti imba ichene achatora shiri mbiri nedanda remusidhari nezvitsvuku nehisopi.

50 Agouraya imwe yeshiri mumudziyo wevhu pamusoro pemvura inoyerera.

51 Ndokutora danda remusidhari, nehisopi, nezvitsvuku, neshiri mhenyu, agozvinyika muropa reshiri yakaurawa uye mumvura inoyerera, ndokusasa imba kanomwe.

52 Zvino achanatsa imba neropa reshiri, uye nemvura inoyerera, uye neshiri mhenyu, uye nedanda remusidhari, uye nehisopi, uye nezvitsvuku.

53 Asi acharegedza shiri mhenyu iende kunze kweguta kubani; saizvozvo achaitira imba chiyananiso, igova yakachena.

54 Uyu murairo wehosha yose yemaperembudzi, nepakafunuka,

55 newemaperembudzi enguvo, neeimba,

56 newebundu, newemhezi, newechivara,

57 kudzidzisa zvemusi wekusachena, uye zvemusi wekuchena. Uyu murairo wemaperembudzi.