ShonaTeam Leviticus « 12 »

Mirairo yekunatswa kwevakadzi

12Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi achiti:

2 Taura kuvana vaIsraeri uchiti: Kana mukadzi akabata mimba, ndokubereka munhurume, ipapo achava asina kuchena mazuva manomwe; semazuva ekuparadzaniswa ari kumwedzi achava asina kuchena.

3 Zvino nezuva rerusere nyama yake yeganda repamberi ichadzingiswa.

4 Achazogara mazuva makumi matatu nematatu muropa rekuchenurwa kwake; haangabati chinhu chitsvene, uye haangapindi panzvimbo tsvene, kusvika mazuva ekuchenurwa kwake azadziswa.

5 Asi kana akabereka munhukadzi, zvino achava asina kuchena mavhiki maviri, sepakuparadzaniswa kwake; achazogara mazuva makumi matanhatu nematatu muropa rekuchenurwa kwake.

6 Zvino kana mazuva ekuchenurwa kwake azadziswa, pamwanakomana kana pamwanasikana, achauya negwayana regore rimwe chive chipo chinopiswa, nemwana wehangaiwa, kana njiva, kuva chipo chezvivi, kumukova wetende rekusangana kumupristi.

7 Iye achaipa pamberi paJehovha, ndokumuitira chiyananiso; zvino achanatswa pakuyerera kweropa rake. Uyu murairo waiye anozobereka munhurume kana munhukadzi.

8 Zvino kana ruoko rwake rwusingawani zvinokwana gwayana, zvino achatora njiva mbiri kana vana vaviri vehangaiwa; imwe ive chipo chinopiswa, neimwe ive chipo chezvivi; uye mupristi achamuitira chiyananiso, uye achava wakachena.