ShonaTeam Leviticus « 11 »

Mhuka dzakachena nedzisina kuchena

11Zvino Jehovha wakataura kuna Mozisi nekuna Aroni, achiti kwavari:

2 Taurai kuvana vaIsraeri muchiti: Izvi zvipenyu zvamungadya pakati pemhuka dzose dziri panyika:

3 Chose chakaparadzanisa hwanda nechine tsoka dzakaparadzana chinodzeya pakati pemhuka, ichi mungadya.

4 Asi izvi hamungazvidyi pane zvinodzeya uye pane zvakaparadzanisa hwanda: Kamera, nokuti inodzeya asi haina kuparadzanisa hwanda kaviri; haina kuchena kwamuri.

5 Nembira, nokuti inodzeya, asi haina kuparadzanisa hwanda; haina kuchena kwamuri.

6 Netsuro, nokuti inodzeya, asi haina kuparadzanisa hwanda; haina kuchena kwamuri.

7 Nenguruve, nokuti yakaparadzanisa hwanda nekuparadzanisa mahwanda kaviri asi haidzeyi; haina kuchena kwamuri.

8 Musadya panyama yazvo, uye musagunzva chitunha chazvo; hazvina kuchena kwamuri.

9 Izvi mungadya pane zvose zviri mumvura: Zvose zvine zvimbi nemakwanda mumvura, mumakungwa nemunzizi, izvo mungadya.

10 Asi zvose zvisina zvimbi nemakwanda mumakungwa nemunzizi, pachose chinopfakanyika chiri mumvura, kana pazvisikwa zvipenyu zvose mumvura, chinyangadzo kwamuri.

11 Hongu, zvichava chinyangadzo kwamuri; musadya panyama yazvo, asi muchanyangadzwa nemutumbi wazvo.

12 Chose chisina zvimbi kana makwanda mumvura chinyangadzo kwamuri.

13 Zvino izvi muchanyangadzwa nazvo pakati peshiri; hazvingadyiwi, izvi chinyangadzo: Gondo, negora guru, nenyamudzura;

14 neruvangu, nenjerere zvichienderana nemarudzi ayo;

15 gunguvo rimwe nerimwe zvichienderana nemarudzi aro;

16 nemhou, nezizi, neshiri yegungwa, neruvangu nemarudzi arwo;

17 nezizi diki, nekateveteve, nezizi guru;

18 nejichidza, nekondo, negora;

19 neshuramurove, kondo nemarudzi ayo, nemhupupu, nechiremwaremwa.

20 Zvipuka zvose zvine mapapiro zvinofamba nemana, chinyangadzo kwamuri.

21 Asi izvi mungadya pakati pechose chine mapapiro chinofamba nemana, chine makumbo ane magokora akadarika tsoka dzacho achinokwakuka nawo panyika.

22 Ndizvo zvamungadya pazviri: Mhashu zvichienderana nemarudzi ayo, nechinjiki zvichienderana nemarudzi ayo, nebambamukota zvichienderana nemarudzi aro, negwatakwata zvichienderana nemarudzi aro.

23 Asi zvose zvine mapapiro zvinokambaira zvine makumbo mana chinyangadzo kwamuri.

24 Zvino neizvi muchazvisvibisa: Ani nani anogunzva chitunha chazvo achava asina kuchena kusvika madekwani.

25 Uye ani nani anotakura pamutumbi wazvo achasuka nguvo dzake agova asina kuchena kusvika madekwani.

26 Pamhuka dzose dzakaparadzanisa mahwanda, asi dzisina kuparadzanisa mahwanda kaviri, uye dzisingadzeyi, hadzina kuchena kwamuri; ani nani anodzigunzva achava asina kuchena.

27 Uye zvose zvinofamba nezvanza zvazvo pakati pemhuka dzose dzinofamba nemana hazvina kuchena kwamuri; ani nani anogunzva chitunha chazvo achava asina kunaka kusvika madekwani.

28 Uye anotakura zvechitunha chazvo achasuka nguvo dzake agova asina kuchena kusvika madekwani; zvichava zvisina kuchena kwamuri.

29 Izviwo hazvina kuchena kwamuri pane zvinokambaira zvinokambaira panyika: Chidembo, negonzo, negwavava zvichienderana nemarudzi aro,

30 nechipfira, nerwaivhi, nedzvinyu, nehozhwa, nedhambakura.

31 Izvi hazvina kuchena kwamuri pazvose zvinokambaira; ani nani anozvigunzva zvakafa achava asina kuchena kusvika madekwani.

32 Zvino chipi nechipi panowira chimwe nechimwe chazvo chakafa chichava chisina kuchena; kana uri mudziyo upi wematanda, kana nguvo, kana dehwe, kana saga, mudziyo upi neupi basa warinobatwa nawo, unofanira kuiswa mumvura ugova usina kuchena kusvika madekwani; ipapo uchava wakachena.

33 Nemudziyo umwe neumwe wevhu munowira chimwe chazvo, chipi nechipi chiri mauri chichava chisina kuchena, uye muchauputsa.

34 Zvekudya zvose zvingadyiwa apo mvura painosvika zvichava zvisina kuchena; nezvinonwiwa zvose zvinonwika zviri mumudziyo uyo zvichava zvisina kuchena.

35 Uye chose panowira chimwe chemutumbi wazvo chichava chisina kuchena, choto, kana chikuva chehari, zvichaputswa; hazvina kuchena, uye zvichava zvisina kuchena kwamuri.

36 Asi chitubu kana dziva remvura zhinji, zvichava zvakachena; asi chinogunzva mutumbi wazvo chichava chisina kuchena kwamuri.

37 Uye kana zvemutumbi wazvo zvikawira pamusoro pembeu inodzvarwa ipi neipi ichadzvarwa, ichava yakachena.

38 Asi kana mvura ikaiswa pambeu, uye chimwe chemutumbi wazvo chikawirapo, ichava isina kuchena kwamuri.

39 Zvino kana imwe yemhuka dziri kudya kwenyu ikafa, ani nani anogunzva mutumbi wayo achava asina kuchena kusvika madekwani.

40 Uye anodya pachitunha chayo achasuka nguvo dzake, agova asina kuchena kusvika madekwani; uye anotakura chitunha chayo achasuka nguvo dzake, agova asina kuchena kusvika madekwani.

41 Uye zvose zvinokambaira, zvinokambaira panyika, zvichava zvinyangadzo, hazvifaniri kudyiwa.

42 Zvose zvinofamba nedumbu, uye zvose zvinofamba nemana, kana zvose zvine makumbo mazhinji pazvose zvinokambaira, zvinokambaira panyika, hamufaniri kudya izvo; nokuti zvinyangadzo.

43 Musazviita chinyangadzo nechikambairi chipi nechipi, chinokambaira, musazviita vasina kuchena nazvo, kuti musvibiswe nazvo.

44 Nokuti ndini Jehovha, Mwari wenyu; naizvozvo zviitei vatsvene, muve vatsvene, nokuti ini ndiri mutsvene; musazvisvibisa nechinokambaira chipi nechipi chinopfakanyika panyika.

45 Nokuti ndini Jehovha wakakukwidzai kubva panyika yeEgipita, kuti ndive Mwari wenyu; naizvozvo muve vatsvene, nokuti ini ndiri mutsvene.

46 Ndiwo murairo wemhuka, neweshiri, newemweya mupenyu wose unopfakanyika mumvura, nechisikwa chose chinokambaira panyika;

47 kuti mutsaure pakati pezvisakachena nezvakachena, nepakati pezvipenyu zvingadyiwa nezvipenyu zvisingadyiwi.